2016
Kuriritira Mhuri Pamwechete
Nyamavhuvhu 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Nyamavhuvhu 2016

Kuriritira Mhuri Pamwechete

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa “Mhuri: Chiziviso kuNyika” kunozowedzera sei rutendo rwako muna Mwari nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

“Murume nemukadzi vane basa rakakosha rokudanana nokutaririrana ivo nevana vavo.”1 “Mumba munofanira kuva nzvimbo iyo Mwari yaVanotidzidzisa rudo nekushandira,” vakadaro mutungamiri Russell M. Nelson, Mutungamiri weChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri.

“Baba vedu Vokudenga Vanoda kuti varume nevakadzi vave vakatendeka pakati pavo uye kuti vakoshese nokubata vana vavo senhaka inobva kuna Ishe.”2

Mubhuku raMormoni, Jakobho akati rudo rune varume kuvakadzi vavo, rudo rune vakadzi kuvarume vavo, uye rudo rwavaiva narwo vose vari vaviri kuvana vavo ndirwo rwaiva pakati pezvikonzero izvo maRamani paneimwe nguva aiva akarurama kupfuura maNifai (ona Jakobho 3:7).

Imwe yenzira dzakanyanya kunaka yokukoka nayo rudo neruyanano mudzimba dzedu ndeyekutaura zvine tsitsi kunhengo dzemhuri dzedu. Kutaura zvinetsitsi kunounza Mweya Mutsvene. Sisita Linda K. Burton, mutungamiri mukuru weChita Chorubatsiro, akatikumbira kuti tifunge kuti “‘Tinotaurirana manzwi ane tsitsi’ tichida kakawanda zvakadii?”3

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

VaRoma 12:10; Mosaya 4:15; Dzidziso neZvibvumirano 25:5

Nyaya dzeVanhu Vanorarama Nhasi

Gosa D. Todd Christofferson weChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri vakagovera chiitiko chehupwere chakavadzidzisa zvakadzama pamusoro pekukosha kwemhuri inerudo. Apo iye nevanin’ina vake pavaiva vakomana vadiki, amai vavo vakaitwa operesheni huru yekurapa chirwere chegomarara iyo yakaita kuti zvive zvinorwadza chaizvo kwavari kushandisa ruoko rwavo rwekurudyi. Nemhuri yevana vakomana, kwaiva nembatya dzakawanda dzaida kuchiswa, asi apo amai vavo pavaichisa mbatya, kazhinji vaimbomira uye voenda kumupanda wavo wekurarira vonochema kusvikira vasisarwadziwi zvakanyanya.

Apo baba vaGosa Christofferson pavakaona zvaiitika, muchinyararire vakaregera kudya chidyo chemasikati kwenguva ingangoita gore kuitira kuti vaunganidze mari yakakwana kutenga muchina waiita kuti kuchisa mbatya kuve nyore. Kuburikidza nerudo rwemukadzi wavo, vakamisa muenzaniso kuvanakomana vavo wekuriritira mumhuri. Nezve muenzaniso wetsitsi uyu, Gosa Christofferson vakati, “Ndakanga ndisingazive pamusoro pekuzvipira kwababa vangu nechiito cherudo kuna mai vangu panguva iyoyo, asi nokuti zvino ndavakuziva, ndinozvitaurira kuti, ‘Uyu ndiye murume’” (anova muenzaniso wezvinofanira kuitwa nevarume vose).4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “Mhuri: Chiziviso kuNyika” Liahona, Mbudzi 2010, 129.

  2. Russell M. Nelson, “Salvation and Exaltation,” Liahona, Kubvumbi 2008, 8.

  3. Linda K. Burton, “We’ll Ascend Together,” Liahona, Kubvumbi. 2015, 31.

  4. D. Todd Christofferson, “Let Use Be Men,” Liahona, Mbudzi 2006, 46.

Funga Izvi

Kudanana nokutaririrana kunokoka sei Mweya mudzimba dzedu?