2016
Kugoverana Rufaro rwoKusingaperi
Nyamavhuvhu 2016


Vechidiki

Kugoverana Rufaro rwoKusingaperi

Chimwe chezvinhu zvakanakisisa pamusoro pevhangeri ndeche ruzivo rwechirongwa cheruponeso. Tine mukana wakanakisisa wekuva nemhuri yedu nokusingaperi. Ruzivo irworwo runotibatsira kuva netariro apo pose patinonzwa kukundwa nenyika. Mutungamiri Eyring vanodzidzisa kuti, “Baba vedu Vokudenga Vanerudo Vanoziva pfungwa dzedu dzepamoyo. Chinangwa chavo ndeche kutipa rufaro (ona 2 Nifai 2:25). Uye naizvozvo Vakapa chipo cheMwanakomana Wavo kuitira kuti zvikwanisike kuva nerufaro rwekubatana kwemhuri runoenderera mberi nariinhi. …Ichi chipo icho mwana wese waMwari anouya munyika chaanokwanisa kukumbira.”

Ropafadzo iyoyo ndeye avo vedu vari kurarama iyezvino uye neavo vakafa--asi chete kuburikidza nerubatsiro rwedu. Madziteteguru edu ari munyika yemweya iyezvino, vakatimirira kuti tigadzirire mazita avo kuitira kuti vagoitirwa zvisungo zvemutemberi. Asi dzimwe nguva zvinokwanisika kuva zvakaoma kuvaitira basa. Tinogona kunge tiine zvekuita zvakawanda, kana kuti tinogona kunge tichigara kure chaizvo netemberi zvokuti hatikwanisi kuendako nguva nenguva.

Chakanaka ndechokuti, kune dzimwe nzira dzatinokwanisa kubatsira nadzo madziteteguru edu, sezvakaita kuita basa renhoroondo yemhuri, kuronga nekugadzirira mazita evafi kana kutaririra vana apo vabereki vedu pavanenge vaenda kutemberi. Nekubatsira, tinoshandira Ishe uye tinounza tariro yemhuri dzokusingaperi kuna avo vari kune rumwe rutivi rwechidzitiro.