2017
Ndakanga Ndatosarudza Nechekare
Kurume 2017


Vechidiki

Ndakanga Ndatosarudza Nechekare

Munyori wenyaya iyi anogara muUtah, USA.

Pane imwe nguva ndakagashira chidzidzo chinokosha mukirasi yeVasikana Vechidiki pamusoro pehutsvene pakusaita umhombwe—musoro wenyaya uyo wakaita kuti vechidiki vazhinji vasanzwe kugadzikana. Handiyeuke zvinhu zvose zvandakadzidza zuva iroro, asi ndinoyeuka mutungamiri wangu achitaura pamusoro pehumwe hunhu hwake pachake—hwekuramba ari mutsvene panezvekusaita umhombwe. Mashoko ake akaramba aineni, uye ndakabva ndaita sarudzo ndichida yekutora hunhu ihwohwo sehumwe hwehunhu hwangu pachangu.

Rimwe zuva apo pandaienda kumba ndirimubhazi ndichibva kumutambo wemasipotsi, mumwe munhu aiva mubhazi akatanga mutambo wekuti munhu unofanira kutaurira chikwata chevanhu chimwe chinhu chake pachake chechokwadi kana kuita chimwe chinhu chinonyadzisa kana chine njodzi sekuraira kwavanenge vamuita. Nekufinhwa nekushaya zvekuita, vamwe vevana neni takapindawo mumutambo uyu. Payakanga yava nguva yangu yekutamba, ndakarairwa kuti ndiite chimwe chinhu chandaiziva kuti chakanga chisina kunaka. Iyi ingadai yakava sarudzo yakaoma kwandiri kuti ndiite, asi mazwi emutungamiri wangu weVasikana Vechidiki akapinda mupfungwa mangu, uye sarudzo ikava nyore. Ndakasarudza nekukurumidza kusatora chinhano. Ndakanga ndatosarudza kare paneizvo zvandaizoita mumamiriro ezvinhu iwayo.

Ndinoziva kuti apo patinoenda kuchechi uye toedza nesimba rose kudzidza zvinhu zvatinodzidziswa ikoko, tinozoropafadzwa nesimba gurusa rezvemweya uye nedziviriro kubva kuzviedzo zvenyika.