2017
Kupakatira Ururami
Kurume 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kurume 2017

Kupakatira Ururami

Muporofita waMwari panyika, Mutungamiri Thomas S. Monson, vakazivisa kuti, “Nhasi, takakomberedzwa nezvivi, huori, uye huipi zvakasiyana zvikurusa izvo zvati zvambounganidzwa pamberi pemeso edu.”1

Mungava munoshamisika here kuziva kuti Mutungamiri Monson vakataura mazwi iwayo makore makumi mashanu akapfuura? Kana takanga takakomberedzwa nehuipi hwakasiyana zvakanga zvisati zvambozivikanwa kare ikako, tinotyisidzirwa zvakanyanya zvakadii nehuipi iyezvino? Nekuda kwechikonzero chakanaka, Ishe vakazivisa maererano nemukuwo wedu vachiti, “Tarisai, muvengi abatana” (D&Z 38:12).

Hondo iyo, “yatakapinda mairi tese”2yakatanga tisati tazvarwa panyika. Yakatanga kunyange nyika isati yasikwa. Yakatanga zviuru zvizhinji zvemakore zvakapfuura munguva yeupenyu tisati tazvarwa panyika, apo Satani paakapanduka uye “akatsvaga kuparadza kuzvifungira kwemunhu” (Mosesi 4:3).

Satani akakundikana pahondo iyoyo uye “akakandirwa panyika” (Zvakazarurwa 12:9), apo paari kuenderera mberi nehondo yake nhasi. Pano panyika “anoita hondo nevatendi vaMwari, uye anovakomberedza” (D&Z 76:29) nenhema, hunyengeri, nezviyedzo.

Anorwisana nevaporofita nevaapositora. Anorwisana nemutemo wekuzvibata uye neutsvene hwemuchato. Anorwisana nemhuri netemberi. Anorwisana neizvo zvakanaka, zvitsvene nezvinoera.

Tinorwisa sei mhandu yakadaro. Tinorwisana sei nehuipi hurikuratidzika sehurikuzadza nyika yedu? Dziviriro yedu chii? Vayanani vedu ndivanaani?

Simba reGwayana

Muporofita Joseph Smith vakadzidzisa kuti Satani anesimba pamusoro pedu chete kusvikira pamwero watinomubvumira kuti ave nesimba.3

Achiona zuva redu, Nifai “akaona simba reGwayana raMwari, kuti rakadzika pavatendi vechechi yeGwayana, nekune vanhu vechibvumirano chaIshe, vakange vakapararira nepasi pose; uye vakanga vakapakatira ururami nesimba raMwari mukukudzwa kukuru” (1 Nifai 14:14; kusimbisa kwakawedzerwa).

Tinozvipakatidza neururami nesimba sei? Tinochengeta zuva reSabata riri dzvene uye nokukudza hupirisita. Tinoita nekuchengeta zvibvumirano zvinoera, tinoshanda panhoroondo yemhuri yedu, uye nokuenda kutemberi. Tinoramba tichiedza kutendeuka nekuteterera kunaIshe kuti “vaise ropa rerudzikinuro raKristu kuti tigashire ruregerero rwezvivi zvedu” (Mosaya 4:2). Tinonamata nekushandira nekupupura uye nokuratidza rutendo muna Jesu Kristu.

Tinozvipakatidzawo neururami uye nesimba apo “patinochengetedza mupfungwa [dzedu] nguva dzose mazwi eupenyu” (D&Z 84:85). Tinokoshesa mazwi iwayo nekunzvera zvakasimba magwaro matsvene nemashoko evaranda vakasarudzwa vaIshe avo vanozodzidzisa pamusoro pechido Chavo, pepfungwa Dzavo, nepeizwi Ravo (ona D&Z 68:4) munguva dzemusangano mukuru wemwedzi unouya.

Muhondo yedu yekurwisana nehuipi, tinofanira kuyeuka nguva dzose kuti tinerubatsiro kubva kuvanhu varipano panyika pamwechete nevari kudenga. Vayanani vedu vanosanganisira Mwari Baba Vekusingaperi, Ishe Jesu Kristu, neMweya Mutsvene.

Vayanani vedu vanosanganisirawo mauto ekudenga asingaonekwe nevanhu venyama. “Usatya hako,” Erisha akataurira murume wechidiki akanga azara nekutya apo pavakatarisana nemauto akaipa, “Nokuti varikwatiri vanopfuvura varikwavari pakuwanda” (ona 2 Madzimambo 6:15–16).

Hatifanire kutya. Mwari vanoda Vatendi Vavo. Havambofa vakatisiya.

Ndinoziva kuti Mwari, mumhinduro kumunamato, vakazadzikisa zvikumbiro zvangu zvekundinunura kubva kune zvakaipa. Ndinopupura kuti nerubatsiro rwaMwari Baba, rweMuponesi wenyika, nerweMweya Mutsvene, tinokwanisa kuva nechokwadi chekuti tichapihwa simba rakawanda kupfuura ratinoda rekuti tikunde zvipi zvazvo zvinhu zvakaipa zvatinosangana nazvo.

Ndinovimba kuti nguva dzose tinozopakatira dziviriro yeururami kuitira kuti tikwanise kuva nevimbo yekuti tinozokunda pekupedzisira.

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “Correlation Brings Blessings,” Relief Society Magazine, Kubvumbi 1967, 247.

  2. “We Are All Enlisted,” Hymns, no. 250.

  3. OnaTeachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 214.