2017
Simba Rinobva kuna Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake Rinotigonesa (kuita kuda Kwake nekuzowana ruponeso)
Kurume 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kurume 2017

Simba Rinobva kuna Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake Rinotigonesa (kuita kuda Kwake nekuzowana ruponeso)

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo eupenyu husingaperi?

Mufananidzo
Relief Society seal

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Ndingaita zvose naiye unondipa simba” (VaFiripi 4:13). “Kunyange tose tiine utera, tinokwanisa kuhukunda,” vanodaro Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwekutanga. “Zvechokwadi inyasha dzaMwari dzinoita kuti, kana tikazvininipisa uye tikave nerutendo, zvinhu zvisina simba zvinokwanisa kuva zvinesimba.”1

MuDzidziso neZvibumirano Muponesi wedu anoti, “ndichaenda pamberi pehuso hwenyu. Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe, Mweya wangu uchange uri mumwoyo yenyu, uye ngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.” (D&Z 84:88).

“Nifai muenzaniso wemumwe munhu aiziva, nekunzwisisa uye aivimba pamusoro pesimba rinogonesa reMuponesi,” vanodaro Gosa David A. Bednar veChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri. “Madzikoma aNifai akamusunga netambo uye vakaronga kuparadzwa kwake. Ndapota tarisai munamato waNifai: ‘Ishe, maererano nokutenda kwangu mamuri, mungandiburitsewo mumaoko avakoma vangu here; hongu, uye mundipewo simba rekuti ndidambure tambo dzandakasungwa nadzo’ (1 Nifai 7:17; emphasis added).

“… Nifai haana kunamatira kuti mamiriro ezvinhu ake ashandurwe. Kunze kwaizvozvo, akanamatira kuwana simba rekuti ashandure mamiriro ezvinhu ake. Uye ndinotenda kuti akanamata nenzira iyi chaizvo izvo nekuti aiziva, ainzwisisa, uye akanga anzwa simba rinogonesa reRudzikinuro.

“Handifunge kuti tambo idzo dzakanga dzakasungwa nadzo Nifai dzakangoerekana dzadonha kubva pamaoko nezviningoningo zvake. Asi kuti, ndinofungidzira kuti akaropafadzwa neushingi uye nesimba rake pachake raipfuura kwaniso yake yemazuva ose, zvekuti zvino ‘nesimba raIshe’ (Mosaya 9:17) akashanda uye akamona nekudhonza zvakasimba patambo, uye pekupedzisira uye chaizvo izvo akagoneswa kudambura tambo dzacho.”2

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo

Isaya 41:10; Eta 12:27; reliefsociety.lds.org

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Dieter F. Uchtdorf, “The Gift of Grace,” Liahona, Kubvumbi 2015, 108.

  2. David A. Bednar, “Strength beyond Our Own,” New Era, Kurume 2015, 4.