2018
Namatira Sisita Wega Wega neZita rake
Kurume 2018


Misimboti yeDzidziso yeKushanyirana, Kurume 2018

Namatira Sisita Wega Wega neZita rake

Rudo rwedu kwavari uye femero maererano neavo vatinodzidzisa pakushanyirana zvinowedzera apo tinonyengeterera takazvininipisa umwe nemumwe wemasisita pachake nezita.

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Magwaro anotipa mienzaniso yakawanda yevanhurume nevanhukadzi avo vakanamatira vamwe nemazita. Pakati pevaishamisa zvikuru ndibaba vaAruma Mudiki. Ngirozi yakataura kuna Aruma Mudiki, ichimuudza kuti baba vake “vaive vanamata nerutendo rukuru maererano nemi … ; naizvozvo, nechikonzero ichochi ndauya kuti ndizokupwisai nezvesimba nemvumo yaMwari, kuti minamato yevaranda vavo ingapindurwe maererano nerutendo rwavo” (Mosaya 27:14).

Kunamatirana kunovhura mwoyo yedu kuti tigamuchire makomborero ayo Ishe avanoda kutipa. “Chinangwa chomunamato hachizi chokushandura kuda kwaMwari, asi kuwana kwatiri isu uye nevamwe makomborero ayo Mwari avagara vachida kutipa, asi ayo atinofanira kukumbira kuitira kuti timawane.”1

Umwe wemasisita akarondedzera kuti paneimwe nguva yainge yakaoma muhupenyu hwake, kuchairwa nhare kana kutumirwa shoko rakareruka repa nharembozha zvainyanyobva kuvadzidzisi vekushanyira vake “kunyanya pamazuva azvainge zvakaoma.” Vaiita sevaiziva ipo chaipo pandaida kurudziro. Aiziva kuti vaimunatira, pamwechete pavaishanyira uye pachezvavo apo pavainge vari vega.

“Funga nezvesimba redu tose rakabatanidzwa kana sisita umwe neumwe ainamata nechido chechokwadi mangwanai nemanheru ega ega, kana, zvitorinane, tikanamata tisingamiri sekurairwa kwatakaitwa naIshe,” akadaro Julie B.Beck, aimbova Mutungamiriri Mukuru weChita Cherubatsiro.2 Kunamatira avo vatinodzidzisa pakushanyirana kunotisimbisa sei isu pachedu uye samadzimai eVatendi Vamazuva Ekupedzisira .

Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri Wokutanga muHutungamiri Hwekutanga, vakati: “Namatirai kuti muzive mwoyo yavo. … Munofanira kuziva izvo Mwari zvavanoda kuti muite kuti muvabatsire uye nekuzviita zvese, nekugona kwenyu kwose, muchinzwa rudo rwaMwari kwavari.”3

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Munamato”

  2. Julie B. Beck, “What Latter-day Saint Women Do Best: Stand Strong and Immovable,” Riahona, Mbudzi. 2007, 110.

  3. Henry B. Eyring, “Priesthood and Personal Prayer,” Liahona, Chivabvu 2015, 85.