2018
Kugadzirira Kunzwa Izwi raMwari
Kurume 2018


Vechidiki

Kugadzirira Kunzwa Izwi raMwari

Mutungamiri Uchtdorf vanotsanangura kuti chinhu chekutanga chakaitwa naMwari vapedza kusika munhurume nemunhukadzi chaive chokutaura kwavari uye nekuvapa ruzivo rwakakosha nemirairo yakakosha. Tinowana makomborero akafanana naiwayo munaKubvumbi naGumiguru panguva yemusangano mukuru, apo vatungamiriri veChechi pavanotaura nesu uye vachitipa rairo iyo Ishe yavanoda kuti tinzwe.

Wakambonzwa here izwi raMwari kuburikidza nevaranda vake panguva yemusangano mukuru? Wakambonzwawo here sokuti rimwe shoko rakakupa mhinduro yawaitsvaga? Mujenari, unogona kunyora pasi chiitiko ichocho uye nokuti zvakakubatsira sei. Zvino gadzirira kunzwa izwi raIshe pamusangano mukuru unotevera kuburikidza nekunyora pasi mibvunzo yaunayo uye nokuinzvera panguva yako yokunzvera magwaro matsvene. Namata kuna Baba Vekudenga, uchikumbira kugamuchira mhinduro uye femero panguva yemusangano mukuru. Apo paunenge uchiteerera kuvaranda vaIshe, nangisa pfungwa pafemero dzakanangana newe. Zvii zvawadzidza? Wakanzwa sei femero yokuti ushanduke? Nyora pasi femero idzodzo nokuti iwoyo Mweya Mutsvene urikutaura newe!

Nguva yega yega rangarira kuti Baba Vekudenga vanokuda uye vachakutungamirirai mugwara rakanaka. Apo paunoshingirira kunzwa izwi Ravo kuburikidza nevaranda Vavo, uchakomborerwa nekusimudzirwa.