2018
Shoko raMwari kuVana Vavo.
Kurume 2018


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kurume 2018

Shoko raMwari kuVana Vavo

Magwaro matsvene anotitaurira kuti chinhu chekutanga chakaitwa naMwari mushure mekusika munhurume nemunhukadzi kwaive kutaura navo.1 Vaive neruzivo rwakakosha zvikuru uye mirairo yakakosha yekuvapa. Chinangwa Chavo chaive chisiri chokuvaremedza kana kuvanetsa asi chokuvatungamirira kurufaro uye kukubwinya kusingaperi.

Uye kutaura kwaMwari kuna Adama naEva uku kwaingove mavambo chete. Kubva pazuva iroro kusvikira parizvino, Mwari vanoramba vachitaura nevana Vavo. Mazwi Avo akachengetedzwa, akakosheswa, uye akanzverwa nevadzidzi vechizvarwa chega chega. Anokosheswa neavo vanotsvaga kuziva kuda kwaMwari, uye anopupura uchapupu kuchokwadi chokuti “Ishe Jehovha haangaite chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.”2

Iyi ndiyo yakava tsika kubva kumavambo enguva, uye tsika iyi inoenderera nhasi. Tsika iyi haisingori nyaya yeBhaibheri yakanaka; inzira yakamiswa naMwari yekutaura mashoko akakosha kuvana Vavo. Vanosimudzira vanhu kubva pakati pedu, vovashevedza kuti vave vaporofita, uye vovapa mazwi okutaura, ayo atinokokwa kuti “gashirai, sekunge arikubva mumuromo mangu.”3 Vakataura kuti, “Kunyange nezwi rangu ini kana nezwi ravaranda vangu, zvakangofanana.”4

Iri ndiro rimwe ramashoko akanakisisa, anokurudzira, uye anetarisiro eKudzorerwa––Mwari havazi vakanyarara! Vanoda vana Vavo. Havana kutisiya kuti tichingodzinaira murima.

Kaviri gore roga roga, muna Kubvumbi naGumiguru, tine mukana wekunzwa izwi raIshe kuburikidza nevaranda Vake mumisangano mikuru yedu inoshamisa.

Ndinokupai uchapupu hwangu pachezvangu kuti, kwenguva yakareba zvikuru mutauri mumusangano mukuru asati afamba mufambo uya unenge wakareba chaizvo wekuenda kupodhiyamu yokuparidzira, anenge akatoisa simba guru, munamato wakasimba nekunzvera kwakasimba mumhinduro kuchikumbiro chokutaura. Shoko remusangano mukuru rega rega rinomiririra maawa asingaverengeki egadziriro uye kuteterera nomwoyo wose kunzwisisa izvo Ishe zvavanoda kuti Vatendi Vavo vanzwe.

Zvii zvingaitike kana isu sevateereri tikafananidza gadziriro yemutauri neyedu? Matorero edu musangano mukuru angasiyana sei kana tikafunga musangano mukuru semukana wekugashira mashoko kubva kuna Ishe Pachezvavo? Kuburikidza nemazwi uye nenziyo dzemusango mukuru, tinogona kutarisira kugamuchira mhinduro dzakanangana nesu kumibvunzo ipi zvayo kana matambudziko api zvawo atingange tichisangana nawo.

Kana uchimboshama kana Baba Vekudenga pazvokwadi vangazotaura newe, ndinokuyeuchidza nezve mashoko akareruka asi ane udzamu ayo anoimbwa nevana vePuraimari anoti: “[Uri] mwana waMwari, uye vakakutumira [iwe] pano.” Chinangwa Chavo ndechekukubatsira kuti udzoke “kuzogara navo rimwezuva.”

Kana ukaenda kuna Baba Vekudenga semwana Wavo, unogona kuvakumbira nomwoyo wose kuti, Nditungamirirei, ndirairei, fambai parutivi rwangu, ndibatsirei kuwana nzira. Ndidzidzisei zvose zvandinofanira kuita.” Vanozotaura newe kuburikidza neMweya Wavo Mutsvene, uye zvinozova kwauri “kuzoita chido chavo.” Ndinovimbisa kuti kana ukadaro, “makomborero mazhinji akachengetwa.”5

Hutungamiriri hwaIshe hunodikanwa nhasi sezvazvainge zviri munhorondo yenyika. Apo patinogadzirira kunzwa shoko raIshe ngatitsvagei zvine ushingi Mweya wechokwadi kuitira kuti apo Ishe pavanotaura kuburikidza nevaranda vavo, tinogona kunzwisisa, tigova tinosimudzirwa, uye tigofara pamwechete.6

Ndinopupura kuti “nokuita zvinhu izvi masuwo egehena haazokukundai; hongu, uye Ishe Mwari anozoparadza masimba erima kubva pamberi [pedu], uye nokuita kuti matenga azunguzike zvinonakira [isu], uye nekurumbidzwa kwezita rake.”7