Magwaro Matsvene
Mosaya 4


Chitsauko 4

Mambo Benjamini vanoenderera mberi nokutaura kwavo—Ruponeso rwunouya noRudzikinuro—Tendai munaMwari kuti mugoponeswa—Chengetedzai ruregerero rwezvivi zvenyu nokutendeseka—Ipa zvimwe zvezvaunazvo kuvarombo—Ita zvinhu zvose noruzivo nokururama. Zvingangove makore 124 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti apo Mambo Benjamini vakanga vapedza kutaura mazwi ayo avakanga vapiwa nengirozi yaIshe, vakatarisa kugungano revanhu, vakaona vawira pasi, nokuti vakanga vabatwa nokutya Ishe.

2 Uye vakanga vazvitarisa munyama nehunhu vakaona kusviba kwavo, kuchidarika kwevhu repasi. Uye vakachema vose nezwi rimwechete, vachiti: Tinzwirei tsitsi, mutiise ropa rerudzikinuro raKristu kuti tigashire ruregerero rwezvivi zvedu, uye kuti mwoyo yedu igocheneswa; nokuti tinotenda munaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akasika denga nenyika, nezvinhu zvose; uyo achauya pasi pakati pavana vavanhu.

3 Uye zvakaitika kuti shure kwokunge vataura mazwi aya Mweya waIshe wakauya pavari, vakazadzwa nomufaro, varegererwa pazvivi zvavo, vava nemwoyo ine runyararo, nokuda kwokutenda kwavo kuzere munaJesu Kristu akafanirwa kuuya, maererano namashoko akataurwa namambo Benjamini kwavari.

4 Mambo Benjamini vakazarura muromo wavo zvakare vakatangisa kutaura kwavari, vachiti: Shamwari dzangu nehama dzangu, marudzi angu navanhu vangu, ndinoda kuti munditeerere zvakare, kuti munzwe nokunzwisisa chikamu chamazwi angu asara ayo ndichataura kwamuri.

5 Nokuti tarisai, kana ruzivo rwokunaka kwaMwari nguva ino rwakumutsai kuti muzive kuti hamusi chinhu, hamuna chamuri, muhugaro hwenyu hwekupunzika—

6 Ndinoti kwamuri, kana mauya muruzivo rwekunaka kwaMwari, nesimba ravo risingafananidzwe, noungwaru hwavo, nomwoyo wavo murefu, nokutambudzika kwavo kwenguva huru vachitambudzikira vana vevanhu; uyezve, norudzikinuro rwakagadzirirwa kubvira pahwaro hwenyika, kuti ruponeso nenzira iyoyo rwugouya kune uyo anenge aisa ruvimbo rwake munaIshe, akasimba mukuchengeta mirairo yavo, achiramba ari mukutenda kusvikira kana pakuguma kwoupenyu hwake, ndinoreva upenyu hwomuviri unofa—

7 Ndinoti, kuti uyu ndiye munhu anogamuchira ruponeso, kuburikidza norudzikinuro urwo rwakagadzirirwa vanhu vose kubvira pahwaro hwenyika, avo vose vakavepo kubvira kuputsika kwaAdama, kana vari, kana avo vachazova saizvozvo, kana kusvika mukupera kwenyika.

8 Uye iyi ndiyo nzira inouya noruponeso. Uye hakuna rumwe ruponeso kunze kwourwu rwakataurwa; uye hakuna imwe nzira iyo vanhu vangaponeswa nayo kunze kwenzira yandakakuudzai.

9 Tendai munaMwari; tendai kuti ndivo, uye kuti ndivo vakasika zvinhu zvose, uye zviri mudenga nepasi; tendai kuti vane ruzivo rwose, nesimba rose, kwose kudenga nepasi, tendai kuti munhu haakwanisi kunzwisisa zvinhu zvose izvo zvinonzwisiswa naIshe.

10 Uyezve, zvino tendai, kuti munofanira kutendeuka kubva pazvivi zvenyu mugobvamazvirasa chose, mugozvininipisa pamberi paMwari; muchikumbira nomwoyo wose kuti akuregererei; zvino, kana muchinge matenda pazvinhu zvose izvi moona kuti mazviita.

11 Uyezve ndinoti kwamuri sokutaura kwandamboita, sezvo mava kuziva kubwinya kwaMwari, kana kuti mava kuziva kunaka kwavo maraira rudo rwavo, nokugamuchira kuregererwa kwezvivi zvenyu, izvo zvinokonzera rufaro rwukuru mumwoyo yenyu, kunyange zvakadaro ndinoda kuti muyeuke, mugare muchiziva, hukuru hwaMwari, nokusava chinhu kwenyu, nokunaka kwake nokugara achitambudzikira imi, musingakodzeri, muchizvininipisa zvakadzama, muchidaidza zita raIshe zuva nezuva, muchimira murutendo rwezvichauya, urwo rwakataurwa nomuromo womutumwa.

12 Uye tarisai, ndinoti kwamuri kana muchinge maita izvi muchafara nguva dzose, mugozadzwa norudo rwaMwari, mugogara muchiwana kuregererwa kwezvivi zvenyu; uye muchakura muruzivo rwoutsvene rwaivo vakakusikai, kana kuti muruzivo rwaivo vakarurama vane chokwadi.

13 Uye hamuzova nepfungwa dzokukuvadzana, asi kugara murunyararo, nokupa kumunhu wose izvo zvose zvinenge zviri zvake.

14 Uye hamuzoita kuti vana venyu vagare nenzara, kana kusasimira; kana kuvabvumira kuti vatadze kuchengeta mitemo yaMwari, kurwa nokupopotedzana nevamwe, vachishandira dhiabhorosi, baba vezvivi, kana kuti mweya wakaipa uyo waitaurwa namadzibaba edu, ari iye mhandu yezvose zvakarurama.

15 Asi muchavadzidzisa kufamba munzira yechokwadi isina udhakwa, munovadzidzisa kuti vadanane, nokushandirana.

16 Uye zvakare, muchayamura avo vanoda ruyamuro rwenyu; muchapa zvamuinazvo kune avo vanoda rubatsiro; hamuzobvumira kuti kana anopemha atambanudza ruoko rwake imi momunyima, momuti aende anofa.

17 Zvimwe muchati: Munhu azviunzira ega kutambudzika kwake; saka handitambanudze ruoko rwangu, uye handimupe zvokudya zvangu, kana kumupa zvangu zvandiinazvo kuti asatambudzike, nokuti kurangwa kwake kwakarurama—

18 Asi ndinoti kwamuri, iwe munhu, wose anoita izvi ane chikonzero chikuru chekuti atendeuke; uye kunze kwekunge atendeuka pane zvaanenge aita iye achazofa zvachose, haazove nechokuita nezveumambo hwaMwari.

19 Nokuti tarisai tose hatisi vapemhi here? Ko tose hatirarame noMunhu mumwechete iyeye, kana Mwari, pane zvinhu zvose zvatiinazvo, zvose zvokudya nezvokupfeka, negoridhe, nesirivha nazvose zvoupfumi hwose hwose hwatiinahwo?

20 Uye tarisai; kunyange panguva ino, manga muchidaidza zita ravo, muchikumbira kuti muregererwe zvivi zvenyu. Ko vakabvumira here kuti mukumbire pasina? Kwete; vadurura Mweya wavo pamuri, vakaita kuti mwoyo yenyu izadzwe norufaro, vakaita kuti miromo yenyu itadze kutaura, kufara kwenyu kukava kukurusa.

21 Uye zvino, kana Mwari, avo vakasika imi, vanokupai upenyu nezvose zvamunazvo nezvamuri, vanokupai zvose zvamunokumbira kana zviri zvakarurama, mukutenda, muchitenda kuti muchagamuchira, ko zvino, munotadza kupanana sei zvamunazvo.

22 Uye kana muchitonga munhu anenge aisa chichemo chake kwamuri kuti asafe, momurasa, ko kuraswa kwako kunozova sei kana iwe uchirambira zvinhu zvako, zvisiri zvako asi zvaMwari, vanove ndivo muridzi weupenyu hwako; asika hamukumbire, kana kutendeuka pakutadza kwamaita.

23 Ndinoti kwamuri, nhamo kumunhu uyu, nokuti zvinhu zvake zvinoparara naye; uye zvino, ndinotaura izvi kune avo vakapfuma muzvinhu zvenyika ino.

24 Uyezve, ndinoti kuvarombo, imi musina asi muine zvakakwana, zvinokuraramisai zuva nezuva; ndinoreva mose munonyima mupemhi, muchiti hamuna; ndingade kuti muti mumwoyo yenyu: handikwanise kupa nokuti handina, dai ndiinazvo ndaipa.

25 Uye zvino, kana mukataura izvi mumwoyo yenyu hamupiwe mhosva, pasina izvozvo mucharaswa; kurambwa kwenyu kunofanira nokuti munochiva zvamusina kutambira.

26 Uye zvino, pamusana pezvinhu izvi zvandataura kwamuri—zviri, zvepamusoro pezvokuti murambe makaregererwa zvivi zvenyu zuva nezuva, kuti mufambe musina mhosva pamberi paMwari—ndingade kuti mupe kuvarombo zvimwe zvezvamuinazvo, munhu wose maererano nezvaanenge anazvo, sekupa vane nzara, kupfekedza vasina kusimira, kushanyira vanorwara nokuvanamatira kuti vabatsirwe, pamweya napanyama, maererano nezvavanenge vachida.

27 Uye muone kuti zvinhu zvose izvi zvaitwa munzira kwayo noruzivo; nokuti hazvibvumirwe kuti munhu amhanye kudarika simba raanaro. Uyezve, zvinoda kuti ave nesimba, kuti ave anowana mubairo; naizvozvo, zvinhu zvose zvinofanirwa kuitwa nomazvo.

28 Uye ndinoda kuti murangarire, kuti uyo wose anenge akumbira chinhu kune muvakidzani wake anofanirwa kudzora chinhu ichocho, mukuwirirana; kana kuti uchazoita chivi; kana kuti uchaita kuti muvakidzani wako aitewo chivi.

29 Uye mukupedzisa, handingakwanisi kukutaurirai zvinhu zvose zvinoita kuti mutadze; nokuti kune nzira dzakawanda dzakasiyana-siyana, dzakawanda zvokuti handikwanise kudziverenga.

30 Asi izvi ndinokutaurirai, kuti kana mukasazvichenjerera, nepfungwa dzenyu, nemazwi enyu, nekuita kwenyu, nokuchengetedza mirairo yaMwari, muchiramba muri mukutenda pamusana pezvinhu zvamakanzwa pamusoro pokuuya kwaIshe wedu, kusvikira kumagumo eupenyu hwenyu, munofanirwa kufa. Uye zvino, vanhu, yeukai, musazofa.