Magwaro Matsvene
2 Nifai 2


Chitsauko 2

Rununuro rwunouya nomuna Mesia Mutsvene—Kusununguka pakuzvisarudzira (kuzvifungira) kunofanirwa kunge kuripo kuti tirarame uye tibudirire—Kutadza kwaAdama kwaive kwekuti vanhu vavepo—Vanhu vanokwanisa kusarudza rusununguko noupenyu hwokusingaperi. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino Jakobho, ndinotaura kwauri: Iwe uri dangwe rangu romumazuva okutambudzika kwangu murenje. Zvino tarisai, mukukura kwako wakatambudzika nokusuwa zvikuru, nokuda kwokuipa kwavakoma vako.

2 Zvisinei hazvo Jakobho, chizvarwa changu chokutanga murenje, unoziva ukuru hwaMwari; achakutsaurira matambudziko ako ugowana nokuda kwawo.

3 Naizvozvo, mweya wako uchakomborerwa, uye uchagara zvakanaka nomukoma wako, Nifai; mazuva ako achaperera mukushandira Mwari vako. Nokudaro, ndinoziva kuti wakaponeswa, nokuda kwoutsvene hweMununuri wako; nokuti waona kuti mukukwana kwenguva anouya kuzopa ruponeso kuvanhu.

4 Uye wakaona kubwinya kwake paujaya hwako; naizvozvo, wakakomborerwa seavo vaachaparidzira vachimuona panyama; nokuti Mweya mumwechete, nezuro, nhasi nokusingaperi. Uye nzira yakagadzirirwa kubvira pakupunzika kwomunhu, uye ruponeso nderwepachena.

5 Uye vanhu vanorairwa zvakakwana kuti vazive zvakanaka kubva pane zvakaipa. Uye mutemo unopiwa kuvanhu. Uye nomutemo hapana nyama isina chitema; kana kuti, nomutemo vanhu vakaraswa. Hongu, maererano nemutemo wenyika vakaraswa; uyezve, nemutemo wemweya vanofa neizvo zvakanaka, vove vanosuwa nokusingapere.

6 Naizvozvo, rununuro rwunouya nomuna Mesia Mutsvene; nokuti azere nenyasha nechokwadi.

7 Tarisai akazvipira sechibairo chezvivi, kuti azadzikise zvido zvemutemo, kuna avo vose vane mwoyo yakapfava nomweya wokuzvininipisa; hakuna mumwezve angagutse mhinduro dzemutemo.

8 Naizvozvo, zvinokosha sei kuita kuti zvinhu izvi zvose zvizivikanwe kuvanhu vose venyika, kuti vazive kuti hakuna nyama ingagare pamberi paMwari, kunze kwekunge iine kodzero, netsitsi, nenyasha dzaMesia Mutsvene, uyo akapa upenyu hwake hwenyama, achihutora zvakare nesimba roMweya, kuti aunze kumutswa kwevakafa, achiva iye wokutanga kumuka.

9 Naizvozvo, anova michero yokutanga kuna Mwari, achabatsira vanhu vose; avo vose vanotenda maari vachaponeswa.

10 Uye nokuda kworubatsiro rwavose, rwevanhu vose rwaakapa, vanhu vose vanouya kuna Mwari; naizvozvo, vanomira pamberi pake, kuti vatongwe naye maererano nechokwadi noutsvene huri maari. Naizvozvo, zvinodiwa nemutemo wakapiwa noUyo Mutsvene, kuri kuranga kwakatogadzirirwa, iko kurangwa kwakagadzirirwa kwakasiyana norufaro rwunobva mukuteerera, kugutsa zvinodiwa zverudzikinuro

11 Nokuti zvinofanira, kuti pave nokupikisana muzvinhu zvose. Kana zvisina kudaro, dangwe rangu rokutanga murenje, utsvene hawaizokwanisa kuunzwa, kana kuipa, kana utsvene kana kusuwa, kana zvakanaka kana zvakaipa. Naizvozvo, zvinhu zvose zvinofanirwa kusangana kuve chinhu chimwechete; naizvozvo kana uri muviri mumwechete unofanirwa kuramba wakafa, usina upenyu kana rufu, kana kunyangadzwa kana kusanyangadzwa, rufaro kana kusuwa, kana kunzwa nekusanzwa.

12 Naizvozvo, chingadai chakasikirwa pasina; naizvozvo pangadai pakanga pasina chinangwa mukusikwa kwacho. Naizvozvo, chinhu ichi chinofanirwa kuparadza uchenjeri hwaMwari nezvinangwa zvavo zvokusingaperi, uye zvakare nesimba, netsitsi, nokutonga kwakanaka kwaMwari.

13 Uye kana uchiti hakuna mutemo, uchatiwo hakuna zvivi. Kana uchiti hakuna chivi uchatiwo hakuna utsvene. Uye kana kusina utsvene hakuna rufaro. Kana kusina utsvene kana rufaro saka kunenge kusina kurangwa kana kusuwa. Uye kana zvinhu zvose izvi kusina hakuna Mwari. Kana kusina Mwari isu hatipo, kana nyika; nokuti kungadai kusina kusikwa kwezvinhu, zvekuita kana zvekuitirwa; naizvozvo, zvinhu zvose zvingadai zvakatsakatika.

14 Uye zvino, vanakomana vangu, ndinotaura zvinhu izvi kuti mudzidze zvizokuyamurai; nokuti Mwari variko, uye vakasika zvinhu zvose, zvose denga nenyika, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvose zvinoita nezvinoitirwa.

15 Uye kuti vaunze zvinangwa zvavo zvokusingaperi munguva yekupera kweupenyu hwevanhu, shure kwokunge vasika vabereki vedu vokutanga, nemhuka dzesango neshiri dzedenga, uye mukunaka zvinhu zvose zvakasikwa, paifanirwa kuti kuve nechaipikisa; kunyangwe muchero wairambidzwa uchipikisana nomuti woupenyu; mumwe wainaka mumwe uchivava.

16 Naizvozvo, Ishe Mwari vakapa kumunhu kuti azviitire zvinhu zvake ega. Naizvozvo, munhu akanga asingakwanise kuzviitira zvinhu zvake ega asina kunyengerwa nechimwe chezviviri izvi.

17 Uye ini Rihai, maererano nezvinhu zvandakaverenga, ndinofanirwa kufunga kuti ngirozi yaMwari, maererano neizvo zvakanyorwa, yakadonha kubva kudenga; naizvozvo, akava dhiabhorosi, akanga atsvaga zvakaipa pamberi paMwari.

18 Uye nokuti akanga adonha kubva kudenga, akava anosuwa nokusingaperi, akatsvaga kusuwisa marudzi ose. Naizvozvo, akati kuna Eva, hongu, kana iyo nyoka, inova dhiabhorosi, anova baba wenhema dzose, naizvozvo akati: Idya muchero unorambidzwa; hauzofi, asi uchava saMwari, uchiziva zvakanaka nezvakaipa.

19 Uye shure kwokunge Adama naEva vatora muchero wairambidzwa vakatandwa mubindu reEdeni, kuti varime ivhu.

20 Uye vakabereka vana; hongu, iyo mhuri yenyika yose.

21 Uye mazuva evana vevanhu akawedzerwa, maererano nokuda kwaMwari, kuti vatendeuke vachiri munyama; naizvozvo, nguva yavo yakave nguva yokuedzwa, nguva yavo ikawedzerwa, maererano nemirairo iyo Ishe Mwari yavakapa kuvana vevanhu. Nokuti vakapa mirairo yekuti vanhu vose vanofanirwa kutendeuka; nokuti vakaratidza vanhu vose kuti vakarasika, nokuda kwechitadzo chavabereki vavo.

22 Uye zvino, tarisai, dai Adama asina kutadza angadai asina kupunzika, asi angadai akaramba ari mubindu reEdeni. Uye zvinhu zvose zvakasikwa zvingadai zvakaramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubvira nguva yazvakasikwa; uye zvinofanira kunge zvakaramba zvakadaro nokusingaperi, uye zvisina maguno.

23 Uye vangadai vasina vana; naizvozvo vangadai vakaramba vasina mhosva, vasina rufaro, nokuti vakanga vasingazive kusuwa; vasingaite zvakanaka, nokuti havaiziva chivi.

24 Asi tarisai, zvinhu zvose zvakaitwa muruzivo rweavo vanoziva zvinhu zvose.

25 Adama akapunzika kuti vanhu vavepo; uye vanhu varipo, kuti vave norufaro.

26 Uye Mesia anouya mukukwana kwenguva, kuti anunure vana vevanhu pakupunzika. Uye nokuti vaponeswa pachitadzo ichi vava vakasununguka zvisingaperi, vachiziva chakanaka kubva pane chakaipa; kuita ivo kwete kuitirwa, kunze kwekurangwa nemutemo pazuva guru rokupedzisira, maererano nemirairo yakapiwa naMwari.

27 Naizvozvo, vanhu vakasununguka maererano nenyama; zvinhu zvose zvakapiwa kwavari zvakanakira vanhu. Uye vakasununguka kusarudza rusununguko neupenyu hwokusingaperi, nenzira yoMuenzanisi mukuru wevanhu vose, kana kusarudza usungwa nerufu, maererano neusungwa nesimba radhiabhorosi; nokuti anotsvaga kuti vanhu vose vasuwe saiye.

28 Uye zvino, vanakomana vangu, ndingade kuti mutarisire Murevereri mukuru, muteerere mirairo yake mikuru; nokuva munovimbisika kumazwi ake, musarudze upenyu hwokusingaperi, maererano nokuda kweMweya wake Mutsvene;

29 Uye musasarudza rufu rwokusingaperi, maererano nokuda kwenyama nokuipa kuri mairi, kunopa mweya wadhiabhorosi simba rokubata pfungwa, akudzikisei kugehena, kuti azokutongai muumambo hwake.

30 Ndataura mazwi mashoma aya kwamuri mose, vanakomana vangu, mumazuva ekupedzisira ekuedzwa kwangu; uye ndasarudza zvakanaka, maererano namazwi omuporofita. Uye handina chimwe chinangwa kunze kwemagariro akanaka emweya yenyu asingaperi. Ameni.