Magwaro Matsvene
2 Nifai 9


Chitsauko 9

MaJuda achaungana munyika dzavo dzose dzechipikirwa—Rudzikinuro rwunoripira vanhu kubva muKupunzika—Miviri yaavo vakafa ichamuka kubva mumakuva, mweya yavo ichabva kugehena nomuparadiso—Vachatongwa—Rudzikinuro rwunoponesa kubva parufu, gehena, dhiabhorosi, nokurwadziwa kusingaperi—Vatsvene vanozoponeswa muumambo hwaMwari—Kurangwa kwezvivi kunopiwa—Mutsvene waIsraeri ndiye muchengeti wapamusuo. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, ndaverenga zvinhu izvi kuti muzive maererano nezvibvumirano zvaIshe zvavakabvumirana neveimba yose yavaIsraeri—

2 Kuti vakataura kumaJuda, nomuromo wovaporofita vavo vatsvene, kubvira pakutangisa, kubva kuzvizvarwa nezvizvarwa, kusvikira panguva yazvichadzorerwa kuchechi nedanga rechokwadi raMwari; apo vachaungana kumusha munyika dzenhaka yavo, vachiiswa vose munyika dzavakavimbiswa.

3 Tarisai, hama dzangu dzinodiwa, ndinotaura kwamuri zvinhu izvi kuti mufare, kuti musimudze misoro yenyu nokusingaperi, nokuda kwamakomborero ayo Ishe Mwari avachapa kuvana venyu.

4 Nokuti ndinoziva kuti matsvaga zvikuru, vazhinji venyu, kuti muzive zvinhu zvichauya; saka ndinoziva kuti munoziva kuti nyama yedu ichaparadzwa igofa; zvisinei, nemiviri yedu tichaona Mwari.

5 Hongu, ndinoziva kuti munoziva kuti mumuviri achazviratidza iye kuna avo vari Jerusarema, kwatakabva; nokuti chinhu chinofanira kuitwa pakati pavo; nokuti zvinofadza Musiki mukuru kuti ave somunhu munyama, uye agofira vanhu vose, kuti vanhu vose vagova pasi pake.

6 Nokuti sezvo rufu rwuri pamunhu wose, kuti kuzadzikiswe kuronga kwetsitsi kwoMusiki, panofanirwa kunge paine simba rokumutswa kwavakafa, uye kumutswa kwavakafa kunofanirwa kuuya kumunhu nokuda kwechikonzero chokupunzika; kupunzika kwakauya nechikonzero chokutadza; uye nokuti munhu akapunzika akabviswa pamberi paIshe.

7 Naizvozvo, rudzikinuro rwakafanira kunge rwuri rwusingaverengeke—asi kana rudzikinuro rwusiri rwusingaverengeke harwungakwanise kuti kuora kusave kuora. Naizvozvo, kutongwa kwekutanga kwakauya kumunhu kwaifanira kugara nokusingapere. Uye kana zvakadaro, nyama iyi yakafanira kuora ichidzokera kuvhu kwayakabva, isingazomukazve.

8 Huchenjeri hwaMwari, tsitsi nenyasha dzavo! Nokuti tarisai, dai nyama ikasamuka zvakare mweya yedu ichava seyengirozi iya yakapunzika kubva kuna Mwari Vokusingaperi, ikazova dhiabhorosi, kuti isazomuka zvakare.

9 Uye mweya yedu inenge yave kuita saiye, tave vana dhiabhorosi, ngirozi dzadhiabhorosi kunadhiabhorosi, kuti tipfigirwe kunze kubva kuna Mwari vedu, tigogara nababa venhema, mukusuwa saiye, hongu, kuna iye akanyengedza vabereki vedu vokutanga, anozvishandura akange achaita sengirozi yechiedza, anofurira vana vevanhu kupinda muzvikwata zvemuruvande zveumhondi nekuita ose mabasa akaipa erima.

10 Mwari wedu vakanaka sei, vanotigadzirira nzira yokutiza nayo chipuka chinotyisa; hongu, chipuka ichi, rufu negehena, zvandinoti rufu rwomuviri, uye norufu rwomweya.

11 Uye nokuda kwekusunungurwa kwedu naMwari vedu, Mutsvene waIsraeri, rufu urwu, rwandakataura pamusoro parwo, rwuri rwenguva duku, rwuchaburitsa vakafa varwo; rufu rwacho rwuri guva.

12 Uye rufu urwu rwandataura, kunova kufa pamweya, rwuchaburitsa vakafa varwo; kufa pamweya uku igehena; naizvozvo, rufu negehena zvinofanira kuburitsa vakafa varwo, gehena rinofanira kuburitsawo mweya yakabatwa pausungwa, uye guva rinofanira kuburitsawo miviri iri pausungwa, uye miviri nemweya yavanhu ichadzorerwa pakare; rinova simba rokumuka kuna vakafa kwakaitwa noMutsvene waIsraeri.

13 Kuronga kwaMwari kukuru sei! Nokuti kune rumwe rutivi, paradiso yaMwari inofanira kuburitsa mweya yevatsvene, guva richiburitsa miviri yevatsvene; mweya nemiviri ichadzorerwa pakare zvakare, uye vanhu vanenge vasisatadze kana kufa, vava mweya mipenyu, vaine ruzivo rwakakwana sezvatiri munyama, mutsauko uri wekuti ruzivo rwedu rwunenge rwurirwuzere.

14 Nokudaro, tichava noruzivo rwakakwana rwokutadza kwedu kwose, nokusachena kwedu, nokusasimira kwedu; uye vakarurama vachave noruzivo rwakakwana mukufara kwavo, nokururama kwavo, vachashongedzwa noutsvene, hongu, uye kana nguwo dzokururama.

15 Uye zvichaitika kuti kana vanhu vose vabva murufu rwokutanga kuenda muupenyu, uye vasisazofa, vanofanirwa kuuya pachigaro chokutongwa choMutsvene waIsraeri; kwozouya kutongwa, maererano nekutonga kutsvene kwaMwari.

16 Zvechokwadi, sokurarama kunoita Ishe, Ishe Mwari vakazvitaura, uye izwi ravo rekusingaperi, iro risingafe, kuti avo vatsvene vachava vatsvene, avo vane tsvina vachangova vane tsvina; nokudaro, avo vane tsvina ndidhiabhorosi nengirozi dzake; vachaenda kumoto usingaperi; wakagadzirirwa ivo; kurwadziwa kwavo kunenge dziva romoto nesuriferi, rimi racho rinokwira kudenga risingagumi.

17 Ukuru nokutonga kwakanaka kwaMwari vedu! Nokuti zvavanenge vataura nemuromo wavo vanozviita, uye zvakabva mumuromo mavo, uye mutemo wavo unofanira kuzadzikiswa.

18 Asi tarisai, vakarurama, vatendi veMutsvene waIsraeri, avo vanotenda kune Mutsvene waIsraeri, avo vakatsungirira michinjikwa yenyika, vakashora kunyadzisa kwayo, vachadya nhaka yeumambo hwaMwari, hwavakagadzirirwa kubvira pakutanga kwenyika, nokufara kwavo kuchave kwakazara kusingaperi.

19 Kukura kwetsitsi dzaMwari wedu, Mutsvene waIsraeri! Nokuti anobvisa vatendi vake kubva muchipuka chakaipisa chiya dhiabhorosi, nemurufu, nemugehena, nemudziva romoto nosuriferi kunova kurwadziwa kusingaperi.

20 Kukura kweutsvene hwaMwari vedu! Nokuti vanoziva zvinhu zvose, uye hapana chimwe chinhu chavasingazive.

21 Uye vakauya panyika kuti vaponese vanhu vose kana vachinge vateerera shoko ravo; nokuti tarisai, vanotora kurwadziwa kwevanhu vose, hongu, kurwadzwa kwechisikwa chose chipenyu, varume, vakadzi, nevana, vemhuri yaAdama.

22 Uye vakabvuma kutambudzika uku kuti vanhu vagomuka kuvakafa, kuti vose vagomira pamberi pavo musi wezuva guru rokutongwa.

23 Uye vakaraira vanhu vose kuti vatendeuke, vagobhabhatidzwa muzita ravo, vaine kutenda kuzere muMutsvene waIsraeri, nokuti havangaponeswe muumambo hwaMwari.

24 Uye kana vasingatendeuke nokutenda muzita ravo, nokubhabhatidzwa muzita ravo, nokushingirira kusvikira kumagumo, vanofanirwa kuraswa; nokuti Ishe Mwari, Mutsvene waIsraeri, vakazvitaura.

25 Naizvozvo, vakavapa mutemo; uye pasina mutemo wapiwa hapana kurangwa; uye pasina kurangwa hapana kuraswa; apo pasina kuraswa tsitsi dzoMutsvene waIsraeri dzichave pavari, nenzira yerudzikinuro; nokuti vakaponeswa nesimba rake.

26 Nokuti rudzikinuro rwunogutsa zvinodiwa nekutonga kwake kwakanaka kuna avo vose vasina kupiwa mutemo, kuti vachaponeswa kuchipuka icho chinotyisa, rufu negehena, nadhiabhorosi, nedziva romoto nesuriferi, kunova kurwadziwa kusingaperi; uye vachidzorerwa kuna Mwari vakavapa mweya wekufema, vanova Mutsvene waIsraeri.

27 Asi nhamo kune akapiwa mutemo, hongu, uyo ane mitemo yose yaMwari, sezvatakaita isu, agosaiteerera, uye agotambisa mazuva ake ekuedzwa, nokuti zvinhu zvake kuipa kwazvo kunotyisa!

28 Zano rokunyengedza kwowakaipa! Kushaya maturo, neurema hwavanhu! Kana vadzidza vanofunga kuti vachenjera, havachateerera kuraira kwaMwari, nokuti vanobva vazviisa parutivi, vachifunga kuti ivovave kuziva, asika, kuziva kwavo hubenzi hakuna chakunovapa. Vachatsakatika.

29 Asi kudzidza kwakanaka kana vachiteerera kuraira kwaMwari.

30 Asi nhamo iri kuvapfumi, avo vakapfuma muzvinhu zvenyika. Nokuti vapfumi saka vanoshora varombo, uye vanotambudza vakapfava, uye mwoyo yavo iri papfuma yavo; nokudaro, upfumi hwavo ndiye mwari wavo. Uye tarisai upfumi hwavo huchaparara pamwe navo.

31 Uye nhamo kumatsi dzisingadi kunzwa; nokuti dzichafa.

32 Nhamo kumapofu asingade kuona; nokuti achafawo.

33 Nhamo kuna avo vasina kudzingiswa pamwoyo, nokuti ruzivo rwokutadza kwavo rwuchavarova pazuva rokupedzisira.

34 Nhamo kumunyepi, nokuti achakandwa mugehena.

35 Nhamo kune uyo anoponda achida, iyewo achafa.

36 Nhamo kune avo vanoita upombwe, naivo vachakandwa mugehena.

37 Hongu, nhamo kune avo vanonamata zvimifananidzo, nokuti dhiabhorosi waanadhiabhorosi vose anofara navo.

38 Uye muchidimbu, nhamo kuna avo vose vanofira muzvivi zvavo; nokuti vachadzokera kuna Mwari, voona chiso chavo, voramba vari muzvivi zvavo.

39 Hama dzangu dzinodiwa, rangarirai kuipa mukutadzira Mwari Mutsvene, uyewo kuipa kwekubvumira kukwezva kwaiyeyo munyengedzi. Rangarirai kufunga zvenyama rufu, asi zvemweya kufunga upenyu hwokusingaperi.

40 Hama dzangu dzinodiwa, ipai nzeve kumazwi angu. Rangarirai ukuru hweMutsvene waIsraeri. Musati ndakataura zvinhu zvakaoma kwamuri; nokuti mukadaro, munenge matuka chokwadi, nokuti ndataura mazwi oMusiki venyu. Ndinoziva kuti mazwi echokwadi akaoma pane zvinhu zvose zvine tsvina; asi vatsvene havaatye kwete, nokuti vanoda chokwadi uye havazunguzuke.

41 Zvino hama dzinodiwa, uyai kuna Ishe, Mutsvene. Rangarirai kuti nzira dzavo itsvene. Tarisai, nzira yomunhu yakamanika, asi inofamba yakatwasanuka pamberi pavo, uye muchengeti wapamusuwo ndivo Mutsvene waIsraeri; uye havashandise musevenzi ipapo; uye hakuna imwe nzira kunze kwapamusuwo; nokuti haanganyengedzwi, nokuti Ishe Mwari ndiro zita rake.

42 Uye uyo anogugudza, ndiye anozururirwa; vachenjeri, nevakadzidza, naavo vapfumi, vanozvikudza nokudzidza kwavo, nouchenjeri, noupfumi hwavo—hongu, ivavo ndivo vavakashora; kunze kwokunge varasa zvinhu izvi, vozviita marema pamberi paMwari, nokuzviunza pasi-pasi pokuzvininipisa, havazovazururira.

43 Asi zvinhu zvavachenjeri nevanoziva zvichazovigwa kubva kwavari nokusingaperi—hongu, uyo mufaro wakagadzirirwa vatendi.

44 Hama dzangu dzinodiwa, rangarirai mazwi angu. Tarisai, ndinobvisa nguwo dzangu, ndodzizunza pamberi penyu; ndinonamata kuna Mwari voruponeso kuti vanditarise neziso rakapinza; nokudaro, muchaziva nezuva rokupedzisira, apo vanhu vose vachatongwa namabasa avo, kuti Mwari waIsraeri vachapupura kuti ndakazunza kuipa kwenyu kubva pamweya wangu, zve kuti ndinomira nechiedza pamberi pake, ndisina ropa renyu.

45 Hama dzangu dzinodiwa, tendeukai kubva muzvivi zvenyu; zunzai ngetani idzo dzakakusungai; uyai kuna Mwari dombo roruponeso rwenyu.

46 Gadzirirai mweya yenyu zuva rokubwinya iro kutonga kwakanaka kuchaitwa kuvatsvene, kunyange zuva rokutongwa, kuti musazvipeta nokutya; kuti musarangarire mhosva dzenyu mune zvakakwana, mozotunhwa kuti mutaure muchiti: Kutsvene, kutsvene kutonga kwenyu kutsvene, Ishe Mwari Samasimba—asi ndinoziva kutadza kwangu; ndakatadza mirairo yenyu, kutadza kwacho ndokwangu; dhiabhorosi akanditora, saka ndiri nyama yekuipa kwake.

47 Asi tarisai hama dzangu, ko ndinofanira here kukumutsai kuti muone pachena zvinhu izvi? Ndingarwadzise here mwoyo yenyu kana pfungwa dzenyu dziri tsvene? Ndingataure zviri pachena here maererano nokutaura chokwadi dai manga makasununguka kubva muzvivi?

48 Tarisai, dai manga muri vatsvene ndaitaura kwamuri pamusana poutsvene; sezvo musiri vatsvene, muchitarisira kwandiri somudzidzisi, ndinofanira kukudzidzisai pamusana pedambudziko rechivi.

49 Tarisai, mweya wangu unovenga chivi, mwoyo wangu unofadzwa noutsvene, uye ndicharumbidza zita dzvene raMwari wangu.

50 Uyai hama dzangu, uyo wose ane nyota, uyai kune mvura; uyo asina mari, uyai mutenge mudye; hongu, uyai mutenge waini nomukaka zvisina mari uye zvisina mutengo.

51 Nokudaro, musaparadze mari pazvinhu zvisingakodzeri, kana simba renyu nezvisingagutsi. Teereresai nesimba kwandiri, murangarire mazwi andakataura; muuye kune Mutsvene waIsraeri, muite mabiko kune icho chisingafi, kana kuipiswa, asi kuti mweya ufare mukukora.

52 Tarisai hama dzangu dzinodiwa, rangarirai mazwi aMwari venyu; namatai kwaari kusingaperi pazuva, nokutenda kuzita ravo dzvene usiku. Mwoyo yenyu ngaifare.

53 Uye tarisai kuti zvibvumirano zvaIshe zvikuru sei, uye kukura kwekuzvideredza kwavo kuvana vevanhu; nokuda kwoukuru hwavo nyasha netsitsi dzavo, vakativimbisa kuti mbeu yedu haizoparadzwa zvachose, munyama, asi kuti vachavachengetedza; zvizvarwa zvichauya zvichava bazi dzvene reimba yaIsraeri.

54 Uye zvino, hama dzangu, ndingadai ndataura kwamuri zvakawanda, asi mangwana ndichataura mazwi andasiya nhasi. Ameni.