Magwaro Matsvene
Aruma 5


Mazwi ayo Aruma, Mupirisita Wepamusoro maererano negwaro dzvene raMwari, aakatumira kuvanhu vari mumaguta nemumisha munyika yose.

Zvichisanganisa chitsauko 5.

Chitsauko 5

Kuti tiwane ruponeso, vanhu vanofanira kutendeuka nokuchengetedza mirairo, vozvarwa patsva, vashambidze nguwo dzavo muropa raKristu, vazvininipise vazvibvise kuzvikudza noruchiva, nokuita mabasa outsvene—Mufudzi Akanaka anodaidza vanhu vake—Avo vanoita mabasa akaipa vana vadhiabhorosi—Aruma anopupura chokwadi chedzidziso yake nokuraira vanhu kuti vatendeuke—Mazita aVatsvene achanyorwa mubhuku roupenyu. Zvingangove makore 83 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti Aruma akatangisa kuendesa shoko raMwari kuvanhu, kutanga munyika yeZarahemura, uye kubva imomo kuenda kunyika yose zvayo.

2 Uye aya ndiwo mazwi aakataura kuvanhu muchechi rakavambwa muZarahemura, maererano nezvinyorwa zvake, achiti:

3 Ini Aruma, sezvandakagadzwa nababa vangu Aruma, kuti ndive mupirisita wepamusoro pachechi yaMwari, iye ane simba nemvumo kubva kunaMwari kuti aite zvinhu izvi, tarisai, ndinoti kwamuri akatangisa kumisa chechi munyika yakanga iri kumuganhu neNifai; hongu, iyo nyika yainzi nyika yaMormoni; hongu, akabhabhatidza hama dzake mumvura dzaMormoni.

4 Uye tarisai zvino ndinoti kwamuri, vakabviswa kubva mumaoko avanhu vamambo Noa, netsitsi nesimba raMwari.

5 Uye tarisai, shure kweizvi, vakaiswa muusungwa namaRamani murenje; hongu, ndinoti kwamuri vakanga vari muusungwa, uye Ishe vakavabvisa muusungwa uhwu nesimba reshoko ravo; uye tikaunzwa munyika ino, muno tikatangisawo kuvaka chechi yaMwari munyika ino zvakare.

6 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri hama dzangu, imi mose muri vechechi yino, munonyatsoyeuka here usungwa hwamadzibaba enyu? Hongu, uye munonyatsoyeuka here tsitsi nemwoyo murefu wake kwavari? Uye zvakare, munonyatsoyeuka zvizere here kuti akabvisa mweya yavo mugehena?

7 Tarisai, akashandura mwoyo yavo; hongu, akavamutsa pakurara kwakadzika, vakamuka kunaMwari. Tarisai, vakanga vari pakati perima; zvisinei, mweya yavo yakanga yakajekeswa nechiedza cheshoko risingaperi; hongu, vakanga vakakomberedzwa nemajoto orufu, nengetani dzegehena, nokuparadzwa kusingaperi kwakanga kwakavamirira.

8 Uye zvino ndinokubvunzai, hama dzangu, vakazoparadzwa here? Tarisai, ndinoti kwamuri, Kwete, havana.

9 Uye ndinokubvunzai zvakare, mbambo dzorufu dzakadamburwa here, nengetani dzegehena dzakanga dzakavatenderedza, dzakasunungurwa here? Ndinoti kwamuri, Hongu, dzakasunungurwa, uye mweya yavo ikafuta, vakaimba rudo rwokununurwa. Ndinoti kwamuri vakaponeswa.

10 Uye zvino ndinobvunza kwamuri kuti vakasunungurwa sei? Hongu, vanga vane chikonzero chei kuti vatarisire ruponeso? Chikonzero chei chakaita kuti vasunungurwe kubva mumajoto erufu, nengetani dzegehena?

11 Tarisai, ndinokuudzai—baba vangu Aruma havana kutenda mazwi ayo akataurwa kubva mumuromo waAbhinadhai here? Ko akanga asiri muporofita mutsvene here? Ko akanga asingatauri mazwi aMwari here, baba vangu Aruma vakaatenda?

12 Uye maererano nokutenda kwavo kwakave nokushanduka kukuru mumwoyo wavo. Tarisai ndinoti kwamuri izvi zvose ndezvechokwadi.

13 Uye tarisai, akaparidza shoko kuna madzibaba enyu, uye rushanduko rwukuru rwakaoneka mumwoyo yavo, vakazvininipisa nokuisa ruvimbo rwavo munaMwari wechokwadi anorarama. Uye tarisai, vakave nokutenda kusvika kumagumo; saka naizvozvo vakasunungurwa.

14 Uye zvino tarisai, ndinokubvunzai, hama dzangu dzomuchechi, ko makaberekwa pamweya munaMwari here? Mufananidzo wavo wave kuonekwa mamuri here? Makanzwa kupinduka kukuru uku here mumwoyo yenyu?

15 Ko munoshandisa rutendo here murununuro rwake iye akakusikai? Munotarisira mberi here neziso rorutendo, muchiona muviri unofa uchimutswa mukusafa, nokuipa uku kuchimutswa mukusaipa, muchimira pamberi paMwari kuti mutongwe maererano namabasa akaitwa mumuviri unofa?

16 Ndinoti kwamuri, mungazvifunge here pachenyu kuti muri kunzwa izwi raIshe, richiti kwamuri muzuva iroro: Uyai kwandiri imi makaropafadzwa, nokuti tarisai, mabasa enyu anga ari mabasa eutsvene pamusoro penyika?

17 Kana kuti mungafunge pachenyu kuti munganyepe kunaIshe pazuva iroro, muchiti—Ishe, mabasa edu anga ari mabasa matsvene pamusoro penyika—uye kuti iye agokuponesai?

18 Kana kuti nedzimwe nguva, mungafunge here maunzwa pamberi pedare raMwari mweya yenyu yakazadzwa nemhosva nokusuwa, muchiyeuka mhosva dzenyu dzose, hongu, kurangarira chaiko kuipa kwenyu, hongu, rangariro yekuti makakanganisa mitemo yaMwari?

19 Ndinoti kwamuri, mungatarise kunaMwari here pazuva iroro nomwoyo mutsvene namaoko akachena? Ndinoti kwamuri mungatarisa here, muine mufananidzo waMwari wakanyorwa pazviso zvenyu?

20 Ndinoti kwamuri, mungafunge here kuti mungaponeswa kana imi makazvipira kuve vanhu vadhiabhorosi?

21 Ndinoti kwamuri, munozoziva nezuva iroro kuti hamuzoponeswa; nokuti hapana munhu angaponeswe kunze kwokunge nguo dzake dzagezwa dzikachena; nguwo dzake dzinofanirwa kudzumburudzwa kusvikira dzacheneswa kubva kavara ketsvina kose, kuburikidza neropa reuyo akataurwa namadzibaba edu, anofanira kuuya kuti adzikinure vanhu vake muzvivi zvavo.

22 Uye zvino ndinokukumbirai, hama dzangu, kuti mumwe wenyu anganzwe sei, kana muchinge mamira pamberi pechigaro chekutonga chaMwari, mune nguwo dzina mavara eropa nedzimwe dzose tsvina? Tarisai, zvinhu izvi zvichapupura chii pamusoro penyu?

23 Tarisai hazvizopupura here kuti muri mhondi, hongu, uye kuti mune mhosva yekuipa kwose?

24 Tarisai hama dzangu, munofunga here kuti munhu akadaro angawana nzvimbo yokugara muumambo hwaMwari, naAbrahama, naIsaka, uye naJakobo, uye zvakare navose vaporofita vatsvene, vane nguo dzakacheneswa dzisina kavara, dzakachena noutsvene?

25 Ndinoti kwamuri, Kwete; kunze kwokunge mati Musiki wedu munyepi kubvira pakutanga, kana kufungira kuti munyepi kubva pakutanga, hamungafunge kuti akadaro angawana nzvimbo muumambo hwokudenga; asi vacharaswa kunze nokuti vana veumambo hwadhiabhorosi.

26 Uye zvino tarisai ndinoti kwamuri, hama dzangu, kana muchinge manzwa kushanduka kwemwoyo, uye kana muchinzwa kuda kuimba rumbo rwerudo rwunonunura, ndinobvunza, murikunzwa kudaro iye zvino here?

27 Makafamba here, musina mhaka pamberi paMwari? Mungati here, dai makadaidzwa kuti mufe nguva ino, mukati menyu, tanga takazvininipisa zvakakwana? Kuti nguo dzenyu dzashambidzwa dzikaitwa chena neropa raKristu, uyo achauya kuzonunura vanhu kubva pazvivi zvavo here?

28 Tarisai makabviswa kuzvikudza here? Ndinoti kwamuri, kana musina hamuna kuzvigadzirira kuti musangane naMwari. Tarisai munofanira kugadzirira nokukurumidza; nokuti umambo hwokudenga zvino hwava pedyo, nokuti asina kudaro haawane upenyu hwokusingaperi.

29 Tarisai, ndinoti pane mumwe wenyu here asina kubvisa ruchiva? Ndinoti kwamuri munhu iyeye haana kugadzirira; ndinoti agadzirire nokukurumidza, nokuti nguva yave pedyo, zve iye haazive kuti nguva ichasvika rinhi; nokuti wakadaro iyeyo haazoonekwa asina mhosva.

30 Uye zvakare ndinoti kwamuri, pane mumwe pakati penyu here anotuka hama yake, kana kuti anounganidza kunyomba kwose paari?

31 Nhamo kune akadaro, nokuti haana kugadzirira, uye nguva yava pedyo kuti atendeuke kana kuti haazoponeswa!

32 Hongu, kunyange nhamo kune avo vose vashandi vemabasa etsvina; tendeukai, tendeukai nokuti Ishe Mwari vazvitaura!

33 Tarisai, anokoka munhu wose, nokuti maoko ane tsitsi anotambanudzirwa kwavari, achiti: Tendeukai, uye ndinokugamuchirai.

34 Hongu, akati: Uyai kwandiri muchadya muchero womuti woupenyu; hongu, muchadya nokunwa chingwa nemvura youpenyu makasununguka;

35 Hongu, uyai kwandiri uye muunze mabasa eutsvene, hamuzotemwa muchikandwa mumoto—

36 Nokuti tarisai, nguva yava pedyo yokuti uyo anounza michero isina kunaka, kana uyo asingaite mabasa akarurama, iyeye ane chikonzero chokurwadziwa nokuchema.

37 Imi mose munoita mabasa akaipa; imi mose makazadzwa zvinhu zvisina basa zvenyika ino, imi maiti munoziva nzira dzeutsvene asi imi maenda rutivi samakwai asina mufudzi, zvisinei nekuti mufudzi akakudanai uye nazvino ari kukudanai, asi hamungateereri kuzwi rake!

38 Tarisai, ndinoti kwamuri, mufudzi akanaka anokudanai; hongu, uye muzita rake iye anokudanai, rinova zita raKristu; uye kana musingateereri kuzwi romufudzi akanaka, kuzita ramunenge muchidaidzwa naro, tarisai, munenge musiri hwai dzomufudzi akanaka.

39 Uye zvino kana musiri hwai dzomufudzi akanaka, ko zvino muri vedanga ripi? Tarisai, ndinoti kwamuri, dhiabhorosi ndiye mufudzi wenyu, muri vedanga rake; zvino ndiani angaramba izvi? Tarisai, ndinoti kwamuri, uyo anoramba izvi murevi wenhema zvakare mwana wadhiabhorosi.

40 Nokuti ndinoti kwamuri zvose zvakanaka zvinobva kuna Mwari, zvose zvakaipa zvinobva kuna dhiabhorosi.

41 Naizvozvo, kana munhu akaunza mabasa akanaka anoteerera mazwi omufudzi wakanaka, uye anomutevera; asi uyo anounza mabasa akaipa, iyeye achava mwana wadhiabhorosi, nokuti anoteerera izwi rake, nokumutevera.

42 Uye uyo wose anoita izvi anofanirwa kugamuchira mubairo wake; naizvozvo, semubairo wake anogamuchira rufu, kuzvinhu zviri maererano noutsvene, akafa kumabasa ose akanaka.

43 Uye zvino hama dzangu, ndinoda kuti mundinzwe, nokuti ndinotaura nesimba romweya wangu; nokuti tarisai, ndataura kwamuri zviri pachena kuti musakanganise, kana kuti ndataura maererano nemirairo yaMwari.

44 Nokuti ndanzi nditaure nenzira yakadai, maererano nehurongwa hutsvene hwaMwari, uhwo huri munaKristu Jesu; hongu, ndinorairwa kuti ndimire nokupupura kuvanhu ava zvinhu zvakataurwa namadzibaba edu maererano nezvinhu zvichauya.

45 Uye izvi hazvisi izvo zvose. Hamufunge here kuti ini ndinoziva zvinhu izvi? Tarisai, ndinopupura kwamuri kuti ndinoziva kuti zvinhu izvi zvandataura ndezve chokwadi. Ko munofunga kuti ndinoziva sei kuti ndezve chokwadi?

46 Tarisai, ndinoti kwamuri, zvakaziviswa kwandiri noMweya Mutsvene waMwari. Tarisai, ndakatsanya nokunamata kwamazuva akawanda kuti ndizvizive zvinhu izvi. Uye zvino ndava kuziva pachangu kuti ndezve chokwadi; nokuti Ishe Mwari vazviratidza kwandiri noMweya Mutsvene; uyu ndiwo mweya wezviratidzo uri mandiri.

47 Uyezve, ndinoti kwamuri izvi zvakaratidzwa kwandiri, kuti mazwi akataurwa namadzibaba edu ndeechokwadi, uye maererano nomweya wokuporofita uri mandiri, uyo unova unoratidza Mweya waMwari.

48 Ndinoti kwamuri, ndinoziva pachangu kuti zvose zvandichataura kwamuri, pamusana peizvo zvichauya, ndezve chokwadi; zve ndinoti kwamuri, ndinoziva kuti Jesu Kristu achauya, hongu, Mwanakomana, Uyo Mumwechete Akaberekwa waBaba, azere nenyasha, netsitsi, nechokwadi; Uye tarisai, ndiye achauya kuzobvisa zvitadzo zvenyika, hongu, zvivi zvomunhu wose achatenda nomwoyo wose muzita rake.

49 Uye zvino ndinoti kwamuri iyi ndiyo nzira yandakadaidzwa nayo, hongu, kuti ndiparidze kuhama dzangu dzandinodisisa, hongu, nekuna vose vagere munyika; hongu, kuti ndiparidze kune vose, vakuru navaduku, vakasungwa navakasununguka; hongu, ndinoti kwamuri imi makwegura, navachiri pakati napakati, nezera riri kukura; hongu, kuti ndivachemere kuti vatendeuke vazvarwe patsva.

50 Hongu, uku ndiko kutaura kwoMweya: Tendeukai, imi mativi ose enyika, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo; hongu, Mwanakomana waMwari anouya mukubwinya kwake, musimba rake, umambo, simba, nokutonga kwose. Hongu, hama dzangu dzinodiwa, ndinoti kwamuri, Mweya unoti: Tarisai kubwinya kwamambo wepasi rose; uye naMambo wokudenga achapenya munguva iri kuuya pakati pavana vose vavanhu.

51 Uye mweya wati kwandiri, hongu, wachema kwandiri nezwi rine simba uchiti: Enda unoti kuvanhu ava—Tendeukai, nokuti kunze kwekunge matendeuka hamungazombogashiri umambo hwokudenga.

52 Uye zvakare ndinoti kwamuri, Mweya unoti: Tarisai, demo rinoradzikwa pamudzi womuti; naizvozvo muti wose usingaunze muchero wakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto, hongu, moto usingadzimuki, kana moto usingadzimuriki nariini. Tarisai, muyeuke, Mutsvene azvitaura izvi.

53 Uye zvino hama vadikani, ndinoti kwamuri, munganzwisisa here zvinhu izvi; hongu, mungaisa parutivi here zvinhu izvi zvose, nokutsikirira uyo Mutsvene pasi petsoka dzenyu; hongu, mungave munozadzwa here mumwoyo menyu nokuzvikudza; hongu, mungarambe muchida here kuti muzvishongedze nezvinhu zvinodhura muchiisa mwoyo yenyu muzvinhu zvenyika, zvisina maturo, muupfumi hwenyu?

54 Hongu, mungarambe muchizviita here vanhu vari nani kuna vamwe venyu; hongu, mungarambe here muchishora hama dzenyu, idzo dzinozvininipisa nokufamba munzira yakarurama yaMwari, yavakaunzwa nayo kuchechi ino, savanhu vakaitwa kuti vave vatsvene noMweya Mutsvene, uye vanounza mabasa anoratidza kutendeuka—

55 Hongu, mungaramba muchifuratira varombo, navanoshaya, muchivanyima zvamuinazvo here?

56 Uye mukupedzisa, imi mose mucharamba muchiita zvakaipa, ndinoti kwamuri ava ndivo vachatemwa nokukandwa mumoto kunze kwokunge vatendeuka nokukurumidza.

57 Uye zvino ndinoti kwamuri, avo vose vanoda kutevera izwi romufudzi akanaka, ibvai mune vakaipa, mupararane navo, nokusabata zvinhu zvavo zvine tsvina; uye tarisai, mazita avo achadzimwa, nokuti mazita avanhu vakaipa haazoverengwa pamwe navatsvene; kuti shoko raMwari rizadzikiswe, iro rinoti: Mazita avanhu vakaipa haazosanganiswa namazita avanhu vangu;

58 Nokuti mazita avatsvene achanyorwa mubhuku roupenyu, zve kwavari ndichapa nhaka yokuti vagare kurudyi rwangu. Uye zvino hama dzangu, ndezvipi zvamuinazvo zvamungataure muchipikisa izvi? Ndinoti kwamuri, mukataura muchipikisa izvi, hapana zvazvinoita, nokuti shoko raMwari rinofanira kuzadzikiswa.

59 Nokuti mufudzi akaita sei pakati penyu anoti aine makwai akawanda haatarise, kuti mapere asapinda nokuparadza danga rake? Uye tarisai, kana bere rapinda mudanga rake haaritandire kunze here? Hongu, pakupedzisira, akakwanisa, anoriparadza.

60 Uye zvino ndinoti kwamuri mufudzi akanaka ari kukudaidzai; uye mukateerera izwi rake anokuisai mudanga rake, muri makwai ake; anokurairai kuti musabvumire zvikara kupinda pakati penyu, kuti musaparadzwe.

61 Uye zvino ini Aruma, ndinokurairai mururimi rwouya akandiraira, kuti muve munochengetedza mazwi andakakutaurirai.

62 Ndinotaura nezwi rokuraira kwamuri muri muchechi; kune avo vasiri vechechi ndinotaura nezwi rokukoka, ndichiti: Uyai mubhabhatidzwe nokutendeuka, kuti nemiwo muve vadyi vomuchero womuti woupenyu.