Magwaro Matsvene
Mosesi 1


Zvakasarudzwa kubva muBhuku raMosesi

Zvakatorwa mukududzirwa kweBhaibheri sekuratidzwa kwazvakaitwa kuna Joseph Smith Muporofita, muna Chikumi 1830—Kukadzi 1831.

Chitsauko 1

(Chikumi 1830)

Mwari vanozviratidza kuna Mosesi—Mosesi anoshandurwa chimiro—Anotarisana naSatani—Mosesi anoona nyika zhinji dzakagarwa nevanhu—Nyika dzisingaverengeke dzakasikwa neMwanakomana—Basa raMwari nokubwinya kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwemunhu.

1 Mazwi aMwari, avakataura kuna Mosesi panguva apo Mosesi akakwidzwa pagomo refu-refu,

2 Uye akaona Mwari vakatarisana, uye akataura naye uye kubwinya kwaMwari kwakave pana Mosesi; nokudaro Mosesi akagona kumira pamberi pavo.

3 Uye Mwari vakataura kuna Mosesi vachiti: Tarisai, ndini Ishe Mwari Samasimba, uye Asina magumo ndiro zita rangu nokuti handina mavambo emazuva kana magumo emakore; uye izvozvi hakuzi kushaya magumo here?

4 Uye, tarisai iwe uri mwanakomana wangu, nokudaro tarisa, uye ndichakuratidza humhizha hwemaoko angu, asi kwete zvose, nokuti mabasa angu asingagume, uye nemazwi anguwo, nokuti haapere.

5 Nokudaro hakuna munhu angaone ose mabasa angu, kunze kwekunge aona kubwinya kwangu kwose; uye hakuna munhu angaone kubwinya kwangu kwose mushure mezvo agosara panyika munyama.

6 Uye ndine basa rako, Mosesi, mwanakomana wangu; uye wakafanana newangu Mumwechete Akaberekwa; uye Mumwechete Akaberekwa wangu ari uye achave Muponesi, nokuti azere nenyasha nechokwadi; asi hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, uye zvose zvinhu zviri pano neni, nokuti ndinozviziva zvose.

7 Uye zvino, tarisai, chinhu chimwechete ichi ndinokuratidza, Mosesi, mwanakomana wangu, nokuti iwe uri munyika, uye zvino ndinochiratidza kwauri.

8 Uye zvakaitika kuti Mosesi akatarisa, uye akaona nyika apo paakasikirwa; uye Mosesi akaona nyika nekumiganhu kwayo, nevose vana vevanhu varipo, nevakasikwa; pane izvozvo akashamiswa zvikuru uye akanetsekana.

9 Uye kuvapo kwaMwari kwakasuduruka kubva panaMosesi, kuti kubwinya kwake hakuna kuva panaMosesi; uye Mosesi akasiiwa ave ega. Uye sezvo akanga asiiwa ari ega akawira pasi.

10 Uye zvakaitika kuti kwakapera maawa akawanda Mosesi asati agashira zvakare simba rake chairo semunhu, uye akati achizvitaura pachake: Zvino, pamusana pezvizvi ndave kuziva kuti munhu hachisi chinhu, chinova chinhu chandisina kumbobvira ndakafunga.

11 Asi zvino maziso angu chaiwo aona Mwari; asi kwete maziso angu enyama, asi maziso angu emweya, nokuti maziso angu enyama haaigona kutarisa; nokuti ndingadai ndakasvava uye ndakafa pamberi pavo; asi kubwinya kwavo kwaive pandiri uye ndakaona chiso chavo, nokuti ndakanga ndashandurwa chimiro pamberi pavo.

12 Uye zvakaitika kuti apo Mosesi paakanga ataura mazwi aya, tarisai Satani akauya achimuyedza, achiti: Mosesi mwanakomana wemunhu, ndinamate.

13 Uye zvakaitika kuti Mosesi akatarisa Satani uye akati: Ndiwe ani? Nokuti tarisai, ndini mwanakomana waMwari, mumufananidzo weMumwechete Akaberekwa; uye kubwinya kwako kuripi, kwekuti ndikunamate?

14 Nokuti tarisai, ndakatadza kutarisa Mwari, kunze kwekunge kubwinya kwavo kwauya pandiri, uye ndakashandurwa pamberi pavo. Asi ndinogona kukutarisa nemaziso enyama emunhu. Hazvizizvo here, chokwadi?

15 Ngariropafadzwe zita raMwari vangu, nokuti Mweya wavo hauna kubva zvachose kwandiri, kana kuti kubwinya kwako kuripi, nokuti irima kwandiri? Uye ndinogona kutonga pakati pako naMwari; nokuti Mwari vakati kwandiri: Namata Mwari, nokuti ivo chete ndivo vauchashandira.

16 Ibva pano Satani: Usandinyengedza; nokuti Mwari vakati kwandiri: Iwe uri mumufananidzo wewangu Mumwechete Akaberekwa.

17 Uye akandipawo mirairo paakandidaidza ari mugwenzi raibvira achiti: Daidzira kuna Mwari muzita rewangu Mumwechete Akaberekwa, uye undinamate.

18 Uye zvakare Mosesi akati: Handizorega kudaidza kuna Mwari, ndine zvimwe zvinhu zvandinoda kuziva kwavari nokuti kubwinya kwavo kwakanga kuri pandiri, nokudaro ndinogona kutonga pakati pavo newe. Ibva pano Satani.

19 Uye zvino, apo Mosesi akanga ataura mazwi aya, Satani akachema nezwi guru, uye achizhambatata panyika, uye akaraira, achiti: ndini Mumwechete Akaberekwa, ndinamate.

20 Uye zvakaitika kuti Mosesi akatanga kutya zvikuru; uye zvaakatanga kutya, akaona mavaviro egehena. Zvisinei, achidaidzira kuna Mwari, akagashira simba, uye akaraira achiti; Ibva kwandiri Satani, nokuti ivavo Mwari vamwechete ndivochete vandichanamata, vanove Mwari vekubwinya.

21 Uye zvino Satani akatanga kubvunda, uye nyika ikazunguzuka; uye Mosesi akagashira simba, uye akadaidza kuna Mwari, achiti: Muzita riye reMumwechete Akaberekwa, ibva iyezvino Satani.

22 Uye zvakaitika kuti Satani akachema nezwi guru, nokuyaura, nokuwuwura, nokugeda-geda kwemeno, uye akabva abva ipapo, kunyangwe pamberi paMosesi zvekuti haana kuzomuona.

23 Uye zvino kwezvinhu izvi Mosesi akapa uchapupu; asi nekuda kwehuipi hazvichawanikwe pakati pevana vevanhu.

24 Uye zvakaitika kuti apo Satani zvaakabva pamberi paMosesi, Mosesi akasimudzira maziso ake kudenga, azadzwa neMweya Mutsvene, uyo unopupura nezvaBaba neMwanakomana;

25 Uye nokudaidza kune zita raMwari akaona kubwinya kwavo zvakare, nokuti kwakange kuri paari; uye akanzwa izwi, richiti: Wakaropafadzwa iwe, Mosesi nokuti ini, Samasimba, ndasarudza iwe, uye uchaitwa kuti usimbe kupfuura mvura zhinji, nokuti dzichateerera kuraira kwako kunge iwe ndiwe Mwari.

26 Uye ona, ndinewe, kunyangwe kusvika kumagumo emazuva ako; nokuti uchabvisa vanhu vangu muhusungwa, kunyangwe Israeri vasarudzwa vangu.

27 Uye zvakaitika kuti, izwi richirikutaura, Mosesi akatarisa uye akaona nyika, hongu, kunyangwe yose zvayo, uye hapana kana kamwekayo kaasina kuona, achinyatsoiona neMweya waMwari.

28 Uye akaonawo nevagari vacho vemo, uye hakuna kana mweya mumwechete waasina kuona; uye akanyatsovaona neMweya waMwari; uye vakanga vakawanda zvikuru, kunyangwe kusaverengeka sejecha riri pagungwa.

29 Uye akaona nyika dzakawanda; uye nzvimbo yega-yega yainzi nyika uye makanga muine vagari pamusoro padzo.

30 Uye zvakaitika kuti Mosesi akadaidza kuna Mwari achiti: Nditaurirei, ndinokukumbirai, seyi zvinhu izvi zvakadai, uye makazviita kuburikidza nei?

31 Uye tarisai, kubwinya kwaIshe kwakave pana Mosesi, zvekuti Mosesi akamira pamberi paMwari, uye akataura navo chiso nechiso. Uye Ishe Mwari vakati kuna Mosesi: Nechinangwa changu ndakaita zvinhu izvi. Houno ungwaru uye hunosara mandiri.

32 Uye nezwi resimba rangu, ndakazvisika, rinova wangu Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, uyo azere nenyasha nechokwadi.

33 Uye nyika dzisingaverengeke ndakadzisika; uye ndakadzisikirawo nechinangwa changu; neMwanakomana ndakadzisika, ari iye wangu Mumwechete Akaberekwa.

34 Uye munhu wekutanga wevanhu vose ndakamudaidza kuti Adama, zvinoreva kuti vakawanda.

35 Asi chete rondedzero yepasi rino nevagari varo, ndiyo yandinokupa. Nokuti tarisai, kune nyika dzakawanda dzakapfuura kuburikidza nezwi resimba rangu. Uye kune iyezvino zhinji dzimire, uye dzisinga verengeke kuvanhu; asi zvose zvinhu zvinoverengeka kwandiri, nokuti ndezvangu uye ndinozviziva.

36 Uye zvakaitika kuti Mosesi akataura kuna Ishe, achiti: Ivai netsitsi kumuranda wenyu, Mwari, uye munditaurire pamusoro pepasi pano, nevagari vacho, uyewo nezvematenga, uye zvino muranda wenyu achagutsikana.

37 Uye Ishe Mwari vakataura kuna Mosesi, vachiti: Matenga, akawanda, uye haaverengeke kumunhu; asi akaverengeka kwandiri, nokuti ndeangu.

38 Uye sekupfuura kunoita imwe nyika, nematenga achowo kunyangwe nokudaro kunobva kwauya imwe; uye hakuna magumo kumabasa angu, kana kumazwi angu.

39 Nokuti tarisai, iri ndiro basa rangu nekubwinya kwangu—kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.

40 Uye zvino, Mosesi, mwanakomana wangu, ndinotaura newe pamusoro pepasi rino apo paumire; uye iwe uchanyora zvinhu zvandichataura.

41 Uye muzuva apo vana vevanhu vachatora mazwi angu seasiri chinhu, uye vachitora mazhinji acho kubva mubhuku rauchanyora, tarisai ndichamutsa vamwe vakaita sewe; uye vachanzwika zvakare mukati mevana vevanhu—mukati meivavo vazhinji vachatenda.

42 (Mazwi aya akataurwa kuna Mosesi mugomo, zita raro risingazombozivikanwa pakati pevanhu. Uye zvino ave kutaurwa kwauri. Usaaratidze kunaani zvake kunze kwekune avo vanotenda. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.)