Zvibatsiro Zvekudzidza
Mosesi


Mosesi

Muporofita wemuTestamente yaKare akatungamirira maIsraeri kubva muusungwa hweEgipita akavapa mitemo yekunamata yemumusha, neyekudya sekuratidzwa kwazvakaitwa naMwari.

Hushumiri hwaMosesi yakaenda seri kwemiganhu yeupenyu hwake hwekufa. Joseph Smith akadzidzisa kuti, pamwechete naErija, akauya kuGomo reKushandurwa uye akasvikopa makiyi ehufundisi kuna Petro, Jakobo, naJohane (Mat. 17:3–4; Marko 9:4–9; Ruka 9:30; D&Z 63:21).

Mosesi akazviratidza kuna Joseph Smith naOliver Cowdery musi wa3 Chivabvu gore ra1836, mutemberi muKirtland, Ohio, uye akavagadza nokuvapa makiyi ekuunganidza kwemaIsraeri (D&Z 110:11).

Zvakazarurwa mumaZuva Ekupedzisira zvinotaura zvikuru maererano naMosesi. Anotaurwa kakawanda muBhuku raMormoni, nomuDzidziso neZvibvimirano zvatinodzidza mumharidzo yake (D&Z 84:20–26) nokutiwo akagashira ufundisi kubva kuna vatezvara vake, Jetero (D&Z 84:6).

Zvakazarurwa zvemazuva ekupedzisira zvinotsinhirawo rungano rwebhaibheri maererano nemharidzo yake pakati pevana veIsraeri zvotsigirawo kuti ndiye aiva munyori wemabhuku mashanu ayo anovamba Testamente yaKare (1 Ni. 5:11; Mos. 1:40–41).

Bhuku raMosesi

Bhuku riri muDombo Remutengo Mukuru rine dudziro yaJoseph Smith yakafemerwa yendima nomwe dzekutanga dzebhuku raGenesi.

Chitsauko 1 chinonyorwa chine chiratidzo umo Mosesi akaona Mwari, uyo akaratidza kwaari hurongwa hwose hweruponeso. Zvitsauko 2–5 chinyorwa chekusikwa nekupunzika kwemunhu. Zvitsauko 6–7 zvine chiratidzo chezvaEnoki neushumiri hwake panyika. Chitsauko 8 chine chiratidzo chezva Noa nemvura zhinji.

Mabhuku mashanu aMosesi

Mabhuku mashanu ekutanga eTestamente yaKare anozivikanwa semabhuku aMosesi. Mahwendefa esimbi akatorwa naNifai kubva kuna Rabhani aive nemabhuku aMosesi. (1 Ni. 5:11).