Magwaro Matsvene
Mosesi 6


Chitsauko 6

(Mbudzi—Zvita 1830)

Mbeu yaAdama inochengeta bhuku rendangariro—Vana vake vakarurama vanoparidza kutendeuka—Mwari vanozviratidza kuna Enoki—Enoki anoparidza vhangeri—Hurongwa hweruponeso hwakaratidzwa kuna Adama—Akagashira rubhabhatidzo nehupirisita.

1 Uye Adama akateerera kune izwi raMwari, uye akadaidza vana vake kuti vatendeuke.

2 Uye Adama akaziva mukadzi wake zvakare, uye akabara mwanakomana, uye akadaidza zita rake kuti Seti. Uye Adama akarumbidza zita raMwari; nokuti akati: Mwari vandidomera imwe mbeu, munzvimbo yaAberi, uyo Kaini waakauraya.

3 Uye Mwari vakazviratidza pachavo kuna Seti, uye iye haana kupanduka, asi akapira mupiro wakatambirwa, sewe mukoma wake Aberi. Uye kuna iyewo kwakazvarwa mwanakomana, uye akadaidza zita rake kuti Enosi.

4 Uye ipapo ava varume vakatanga kudaidza zita raIshe, uye Ishe vakavaropafadza;

5 Uye bhuku rendangariro rakachengetwa, umo mainyorerwa, mururimi rwaAdama, nokuti zvakange zvakapihwa kune vose vaidaidza kuna Mwari kuti vanyore kuburikidza nemweya wekufemerwa;

6 Uye kuburikidza naivo vana vavo vakadzidziswa kuverenga nokunyora, vaine mutauro wakange wakachena usina kusvibiswa.

7 Zvino ihwohu Hupirisita humwechetehwo, hwaivepo pakutanga, huchavepowo mukuguma kwenyika.

8 Zvino huporofita uhwo hwakataurwa naAdama, achifemerwa neMweya Mutsvene, uye nhoroondo yemadzinza yakachengetwa yevana vaMwari. Uye iri raive bhuku rezvizvarwa zvaAdama, achiti: Muzuva iro Mwari ravakasika munhu, mumufananidzo waMwari vakamuita;

9 Mumufananidzo wemuviri wavo murume nemukadzi, vakavasika ivo uye vakavaropafadza vakadaidza mazita avo kuti Adama, muzuva ravakasikwa uye vakave mweya mipenyu munyika iri muchituru chetsoka chaMwari.

10 Uye Adama akagara kwemazana nemakumi matatu emakore, uye akabereka mwanakoma akafanana naye mumufananidzo wake, uye akadaidza zita rake kuti Seti.

11 Uye mazuva aAdama, mushure mekunge abereka Seti, aive mazana masere emakore, uye akabereka vanakomana nevanasikana vazhinji;

12 Uye ose mazuva ayo akagarwa naAdama aive mazana mapfumbamwe nemakumi matatu emakore, uye akafa.

13 Seti akagara zana neshanu remakore, uye akabereka Enosi, uye akaporofita mumazuva ake ose, uye akadzidzisa mwanakomana wake Enosi munzira dzaMwari; nokudaro naiyewo Enosi akaporofita.

14 Uye Seti akagara, shure kwekubereka Enosi, mazana masere nemakore manomwe, uye akabereka vanakomana nevanasikana vazhinji.

15 Uye vana vevanhu vakawanda pamusoro penyika. Uye mumazuva iwayo Satani akanga aine hutongi hukuru pakati pevanhu, uye achitonga nechisimba mumwoyo yavo; uye kubvira ipapo kwakauya hondo nokudeuka kweropa; uye ruoko rwemunhu rwairwisa hama yake, mukukonzera rufu, pamusana pemabasa emuruvande, vachitsvaka simba.

16 Ose mazuva aSeti aive mazana mapfumbabwe ane makore gumi nemaviri, uye akafa.

17 Uye Enosi akagara makumi mapfumbamwe emakore, uye ndokubereka Kainami. Uye Enosi nevamwe vose vanhu vaMwari vakabuda munyika iyi, yainzi Shuroni, uye vakanogara munyika yechipikirwa, iyo yaakadaidza nezita remwanakomana wake, uyo waakanga atumidza kuti Kainami.

18 Uye Enosi akagara, mushure mekubereka Kainami, mazana masere negumi rine makore mashanu, uye akabereka vanakomana nevanasikana vazhinji. Uye ose mazuva aEnosi aive mazana mapfumbamwe nemakore mashanu, uye akafa.

19 Uye Kainami akagara makumi manomwe emakore, uye ndokubereka Maharareri; uye Kainami akagara mushure mekubereka Maharareri mazana masere ane makumi mana emakore, uye ndokubereka vanakomana nevanasikana. Uye ose mazuva aKainami aive mazana mapfumbamwe nemakore gumi, uye akafa.

20 Uye Muharareri akagara makumi matanhatu nemashamu emakore, ndokubereka Jaredi; uye Muharareri akagara, mushure mekunge abereka Jaredi, mazana masere nemakore makumi matatu, uye ndokubereka vanakomana nevanasikana. Uye ose mazuva aMuharareri aive mazana masere nemakumi mapfumbamwe nemakore ane mashanu, uye akafa.

21 Uye Jaredi akagara zana nemakumi matanhatu nemaviri emakore, uye ndokubereka Enoki; uye Jaredi akagara, mushure mekubereka Enoki, mazana masere emakore, uye akabereka vanakomana nevanasikana. Uye Jaredi akadzidzisa Enoki munzira dzose dzaMwari.

22 Uye iyi ndiyo nhoroondo yekuberekwa kwevanakomana vaAdama, akanga ari mwanakomana waMwari, uyo aitaura naMwari pachake.

23 Uye vaive vaparidzi vekururama, uye vachitaura uye vachiporofita, uye vachidaidza vose vanhu, kwose kwose, kuti vatendeuke; uye rutendo rwakadzidziswa kuvana vevanhu.

24 Uye zvakaitika kuti ose mazuva aJaredi aive mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu ane makore maviri, uye akafa.

25 Uye Enoki akagara makumi matanhatu nemakore mashanu, akabereka Metusara.

26 Uye zvakaitika kuti Enoki akafamba munyika, mukati mevanhu; uye kufamba kwaaita, Mweya waMwari wakadzika kubva kudenga, uye ukagara paari.

27 Uye iye akanzwa izwi richibva kudenga, richiti: Enoki, mwanakomana wangu, porofita kuvanhu ava, uye uti kwavari—Tendeukai, nokuti vanodaro Ishe: Ndakashatirirwa vanhu ava uye kushatirwa kwangu kunotyisa kwatungidzirwa vanhu ava, nokuti mwoyo yavo yaoma, uye nzeve dzavo hadzinzwe zvakanaka, uye maziso avo haaone kure;

28 Uye kwezvizvarwa zvakawanda izvi, kubvira musi wandakazvisika, vakarasika, uye vakandiramba, uye vakatsvaga avo mazano murima; nemukunyangadza kwavo vakaronga humhondi, uye vakasachengeta mirairo, yandakapa kuna baba wavo, Adama.

29 Nokudaro, vakapika nhema, nemhiko dzavo, vakazviunzira rufu; negehena randakavagadzirira kana vakasatendeuka;

30 Uye ichi chitsiidzo, icho chandakatumira pakutanga kwenyika, chichibva mumuromo mangu, kubvira pahwaro hwacho, nemiromo yevaranda vangu, madzibaba enyu, ndakachitsiidza, kunyangwe sezvachichatumirwa munyika, kusvika kumagumo kwayo.

31 Uye apo Enoki akanzwa mazwi, akakotama pasi, pamberi paIshe, uye akataura pamberi paIshe, achiti: Sei ini ndakawana kudiwa mumaziso enyu, uye asi ini ndiri mwana mudiki, uye vose vanhu vanondivenga; nokuti ndinokakama; nokudaro ndiri muranda wenyu here?

32 Uye Ishe vakati kuna Enoki: Enda izvozvi uye unoita zvandakuraira, uye hakuna munhu achakubaya. Shama muromo wako, uye uchazadzwa, uye ndichakupa zvekutaura, nokuti yose nyama iri mumaoko angu, uye ndichaita zvandinoona zvakanaka kwandiri.

33 Iti kuvanhu ava: Sarudzai imi nhasi, kushandira Ishe Mwari avo vakakusikai.

34 Tarisai Mweya wangu uri pauri, nokudaro ose mazwi ako ndichaatsigira; uye makomo achakutiza, uye hova dzichasiya nzira dzadzo; uye iwe uchagara mandiri, uye ini mauri; naizvozvo famba neni.

35 Uye Ishe vakataura kuna Enoki, uye akati kwaari: Zora maziso ako nerondo, uye woageza, uye unozoona. Uye iye akaita saizvozvo.

36 Uye akaona mweya iyo Mwari vakanga vasika; uye vakaonawo zvinhu zvakange zvisingaonokwe nemaziso enyama; uye kubvira ipapo kwakauya chirevo kwose kwose munyika: Muoni amutswa naIshe kuvanhu vavo.

37 Uye zvakaitika kuti Enoki akaenda munyika, mukati mevanhu, achimira pamusoro pezvikomo nemunzvimbo dzakakwirira, uye akachema nezwi guru, achipupura zvemabasa avo akaipa; uye vose vanhu vakagumburwa pamusana pake.

38 Uye vakauya ipapo kuzomunzwa, pamusoro penzvimbo dzakakwirira achiti kuvachengeti vematende. Garai pano imi uye muchengete matende, uye isu tichienda mberi kunoona muoni, nokuti anoporofita, uye mune chinhu chisingazivikanwe munyika; munhu anopenga auya mukati medu.

39 Uye zvakaitika kuti pavakamunzwa, hapana munhu akaisa ruoko paari; nokuti kutya kwakauya pavari vose vakamunzwa; nokuti aifamba naMwari.

40 Uye kwakauya murume kwaari, zita rake rainzi Mahija, uye akati kwaari: Tiudze zviripachena kuti uri ani, uye nokuti unobva kupi?

41 Uye iye akati kwavari: Ndakauya kubva munyika yeKainami, nyika yemadzibaba angu, munyika yekururama kusvika nhasi. Uye baba vangu vakandidzidzisa munzira dzose dzaMwari.

42 Uye zvakaitika, zvandaifamba kubva kunyika yeKainami, nechekugungwa rekumabvazuva, ndakaona chiratidzo; uye tarisai onai matenga ndakaona, uye Ishe akataura neni, uye akandipa murairo; nokudaro, pamusana pezvizvi kuti ndichengete murairo, ndinotaura mazwi aya.

43 Uye Enoki akaenderera nokutaura kwake, achiti: Ishe vakataura neni, ivo mumwechete ndivo Mwari vedenga, uye ndiye Mwari vangu, naMwari venyu, uye murihama dzangu, uye sei muchizviitira mazano, uye muchiramba Mwari vedenga?

44 Matenga ndiye akaita; nyika ndiyo chituru chetsoka dzavo; uye hwaro hwacho ndehwavo. Tarisai, ndivo vakahuhwarika, mhomho dzevanhu vakadziunza pamusoro pechiso chayo.

45 Uye rufu rwakauya pamadzibaba edu; zvisinei tinovaziva, uye hatigone kuzviramba, uye vose kunyangwe vekutanga vevose tinovaziva, kunyangwe Adama.

46 Nokuti bhuku rendangariro takarinyora pakati pedu, maererano nemutowo wakapihwa nemunwe waMwari; uye yakapihwa mutauro wedu.

47 Uye kutaura kwaiita Enoki mazwi aMwari, vanhu vaidedera, uye vakatadza kumira pamberi pavo.

48 Uye iye akati kwavari: Pamusana pekuti Adama akapunzika, tiripo; uye nokupunzika kwake kwakauya rufu; uye tinoitwa vatakuri vekusuwa nedambudziko.

49 Tarisai Satani auya pakati pevana vavanhu, uye anovayedza kuti vamunamate; uye vanhu vavekuita zvenyama, zvekuzvifadza, nehudhiabhorosi, uye vapfigirwa kunze kubva pamberi paMwari.

50 Asi Mwari vakazivisa kumadzibaba edu kuti vose vanhu vanofanira kutendeuka.

51 Uye ivo vakadaidza kuna baba wedu Adama nezwi rake, achiti: Ndini Mwari; ndakagadzira nyika, uye nevanhu vasati vave munyama.

52 Uye ivo vakatiwo kwaari: Kana ukatendeukira kwandiri, uye ukateerera izwi rangu, uye ukatenda, uye ukatendeuka kubva mukutadza kwako kwose, uye ukabhabhatidzwa, kana mumvura, muzita rewangu Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, uyo azere nenyasha nechokwadi, uyo ari Jesu Kristu, riri iro zita chete richapihwa pasi pedenga, izvo zvichaunza ruponeso kuvana vevanhu, imi muchagashira chipo cheMweya Mutsvene, muchikumbira zvose zvinhu muzita rake, uye chose chamuchakumbira, chichapihwa kwamuri.

53 Uye baba vedu Adama vakataura kuna Ishe, uye vakati: Sei vanhu vachifanira kutendeuka uye vachibhabhatidzwa mumvura? Uye Ishe vakati kuna Adama Tarisai ndakakuregerera zvitadzo zvako muBindu reEdeni.

54 Ndipo pachabva chirevo chakapararira pakati pevanhu, kuti Mwanakomana waMwari akadzikinura mhosva yekutanga, nokuda kweizvozvo zvitadzo zvevabereki hazvingapindurwe pamusoro yevana, nokuti vakachena kubvira pakutanga kwenyika.

55 Uye Ishe vakataura kuna Adama, vachiti: Sekuzvarwa kwakaitwa vana vako muchitadzo, kunyangwe saizvozvo pavanotanga kukura, chitadzo chinozvarwa mumwoyo yavo, uye voravira chinovava, kuti vagoziva kukoshesa chakanaka.

56 Uye zvinopihwa kwavari kuti vazive chakanaka nechakaipa; nokudaro vanozvifungira pachavo, uye ini ndakupa mumwe mutemo nemirairo.

57 Nokudaro udzidzise kuvana vako, kuti vose vanhu, kwose kwose, vanofanira kutendeuka, kana havangagone kuwana nhaka yeumambo hwaMwari, nokuti hakuna chinhu chisina kuchena chingagaremo, kana kugara pamberi pavo; nokuti, mukutaura kwaAdama, zita ravo rinonzi Murume weHutsvene, uye zita rewavo Mumwechete Akaberekwa ndiye Mwanakomana weMunhu, rinonzi Jesu Kristu, Mutongi akarurama, achauya mukukwana kwenguva.

58 Zvakadaro ndinopa kwauri murairo kuti udzidzise zvinhu izvi wakasununguka kuvana vako, uchiti:

59 Kuti nechikonzero chekutadza, kunouya kupunzika, kupunzika ikoku kuchiunza rufu, uye sekuzvarwa kwawakaitwa iwe munyika nemvura, neropa, nemweya, uyo wandakaita uye saizvozvo guruva rikave mweya mupenyu, kana zvakadaro imi makafanirwa kuzvarwa zvakare muumambo hwekudenga, nemvura, neMweya, uye mugezwe neropa, kunyangwe ropa rewangu Mumwechete Akaberekwa; kuti mucheneswe kubva muzvivi zvose, uye mugofadzwa nemazwi eupenyu hwokusingaperi munyika muno, noupenyu hwokusingapere munyika ichauya, kunyangwe kubwinya kokusafa;

60 Nokuti nemumvura munochengeta murairo; neMweya munoruramiswa, neropa munocheneswa;

61 Naizvozvo zvinopihwa kuti zvigare mamuri; zvinyorwa zvedenga; Munyaradzi; zvinhu zverunyararo zvekubwinya kwekusingaperi; chokwadi chezvose zvinhu; icho chinopa zvinhu zvose upenyu, icho chinoita kuti zvose zvive zvipenyu; icho chinoziva zvose zvinhu, uye chine simba rose maererano noungwaru, tsitsi, chokwadi, kururama, nekutonga.

62 Uye zvino, tarisai, ndinoti kwauri: Uhu ndihwo hurongwa hweruponeso kune vose vanhu, kuburikidza neropa rewangu Mumwechete Akaberekwa, uyo achauya pakati nepakati penguva.

63 Uye tarisai, zvose zvinhu zvine kufanana kwazvo, uye zvose zvinhu zvinosikwa uye zvigoitwa kuti zvipupure nezvangu, zvose zvinhu zvenyama, uye nezvinhu zvemweya; zvinhu zviri mumatenga kumusoro, nezvinhu zviri pasi, nezvinhu zviri muvhu, nezvinhu zviri pasi pevhu, uye zvose pamusoro nepasi; zvose zvinhu zvinopupura nezvangu.

64 Uye zvakaitika, kuti apo Ishe vakanga vataura naAdama, baba vedu, kuti Adama akachema kuna Ishe, uye akatorwa neMweya waIshe, uye akatakurwa akadzikiswa mumvura, uye akaradzikwa pasi pemvura, uye akaburitswa kubva mumvura.

65 Uye ndiko kubhabhatidzwa kwaakaitwa, uye Mweya waMwari ukadzika paari, uye ndiko kuzvarwa neMweya kwaakaitwa, uye akave aponeswa mumunhu wemukati.

66 Uye akanzwa izwi richibva mudenga, richiti: Iwe wabhabhatidzwa nemoto, neMweya Mutsvene. Uhwu ndihwo uchapupu hwaBaba, neMwanakomana, kubvira zvino narinhi;

67 Uye iwe uri wehurongwa hweuyo akanga asina mavambo emazuva kana magumo emakore, kubva kusingapere kwose kusvika kusingapere kwose.

68 Tarisai, iwe uri mumwechete mandiri, mwanakomana waMwari; uye ndiko kuti vose vave vanakomana vangu. Ameni.