Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 12


Chikamu 12

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburukidza nekuna Joseph Smith Muporofita kuna Joseph Knight, Baba, paHarmony Pennsylvania, muna Chivabvu, 1829 (History of the Church, 1:47–48). Joseph Knight akadaira kuzvirevo zwaJoseph Smith maererano nokuve kwake nemahwendefa eBhuku raMormoni uye nebasa rekududzira raiitwa panguva iyoyo uye panguva zhinji akanga apa rubatsiro rwezvinhu kuna Joseph Smith nemunyori wake, izvo zvaiita kuti vagone kuramba vachidudzira. Nokukumbira kwaJoseph Knight, Muporofita akabvunza kuna Ishe uye akagashira zvakazarurwa izvi.

1–6, Vashandi vari mumunda wemizambiringa vachawana ruponeso; 7–9, Vose avo vanoda uye vari vakakodzera vangayamure mubasa raIshe.

1 aBasa guru uye rinoshamisa rave kuda kuuya pakati pevana vevanhu.

2 Tarisai, ndini Mwari; teerera kuzwi rangu, iro benyu uye rine simba, rinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, nokupatsanura nepakati zvose nhengo nemwongo; nokudaro, teerera kuzwi rangu.

3 Tarisai munda wachena wamirira kukohwewa; nokudaro, ani zvake anoda kukohwa regai apinze jeko rake nesimba rake, uye akohwe zuva richiripo, kuti agochengetera mweya wake ruponeso rwusingaperi muumambo hwa Mwari.

4 Hongu, ani zvake achapinza jeko rake uye agokohwa, iyeyo akadaidzwa naMwari.

5 Nokudaro, kana ukakumbira uchagashira; kana ukagogodza richazarurirwa iwe.

6 Zvino, sekukumbira kwawaita, tarisai, ndinoti kwauri, chengeta mirairo yangu, uye utsvake kuunza uye nokumisa chinangwa cheZioni.

7 Tarisai, ndinoti kwauri, uye nekune vosewo avo vane zvido zvekuunza uye nokumisa basa iri;

8 Uye hakuna mumwe angabatsire mubasa iri kunze kwekunge aakazvininipisa uye azere bnerudo, aine crutendo, dtariro enerudo rwakadzama, uye ari anozvidzora muzvinhu zvose, zvipi nezvipi zvazvo zvichaiswa mumaoko ake.

9 Tarisai, ndini chiedza neupenyu hwenyika, ndiri kutaura mazwi aya, nokudaro teerera nesimba rako, uye ipapo wadaidzwa. Ameni.