Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 122


Chikamu 122

Izwi raIshe kuna Joseph Smith Muporofita, paakange ari musungwa mujeri repaLiberty, Missouri, Kurume 1839 (History of the Church, 3:300–301).

1–4, Mativi ose enyika achabvunza nezvezita raJoseph Smith; 5–7, Njodzi dzose dzake nekutambudzika kwose kuchamupa ruzivo uye kuchave chinhu chakanaka kwaari; 8–9, Mwanakomana wemunhu akadzika pasi pazvo zvose.

1 Mativi epasi achabvunza anezvezita rako, uye mafuza achakuseka, uye gehena richakurwisa;

2 Apo vakachena mumwoyo, uye nevakangwara, nevanoremekedzwa, nevakanaka, vachatsvaka akurairwa, nemvumo, nemaropafadzo nguva dzose kubva pasi peruoko rwako.

3 Uye vanhu vako havafe vakakupandukira pamusana peuchapupu hwevatengesi.

4 Uye kana zvazvo mabasa avo achakupinza mumatambudziko mumajeri uchakudzwa; inguva pfupi asi akechinguva chakati izwi rako richatyisa pakati pevavengi vako kupfuura bshumba inotyisa, pamusana pekururama kwako; uye Mwari vako achamira newe nariini nariini.

5 Kana zvichidiwa kuti upfuure nemumatambudziko, kana uri munjodzi pakati pavanonyepera kuve hama; kana uri munjodzi pakati pemakororo; kana uri munjodzi munyika kana mugungwa;

6 Kana uchipihwa mhosva yose yekukupomera nhema; kana vavengi vako vakakurwisa; kana vakakutora kubva mumhuri yababa naamai vako nekuvakoma nehanzvadzi dzako; uye kana nemunondo vavengi vako vakakutovisa pachipfuva chemudzimai wako, uye nechevana vako, uye mwanakomana wako mukuru, kana dai ari ane makore matanhatu ekuberekwa achabatirira panhumbi dzako, uye achati, Baba vangu, Baba vangu, sei musingagone kugara nesu? Baba vangu, varume ava vachaitei nemi? Uye kana akabviswa pauri nemunondo uye iwe wozvuzvurudzwa kuenda kutirongo, uye vavengi vako vachatenderera pauri asemhumhi dzakamirira ropa regwayana;

7 Uye kana ukakandwa mugomba kana mumaoko emhondi, kana ukatongerwa rufu; kana ukakandwa amakadzika kana masaisai anoshinyira akakurongera kurwisana newe; kana mhepo dzinotyisa dzikave mhandu dzako; kana matenga akaunganidza kusviba, uye zviumbiswa zvikabatana kusosa; pamusoro pazvo zvose, kana dai shaya chaidzo bdzegehena dzikashama muromo kutsvaka iwe, ziva mwanangu, kuti zvose zvinhu izvi zvichakupa czivo, uye zvakanaka kwauri.

8 aMwanakomana weMunhu bvakadzika pasi pazvo zvose. Uri mukuru kupfuura iye here?

9 Nokudaro, ramba wakabatirira munzira yako, uye hupirisita ahucharamba huinewe; nokuti bmiganhu yavo yakaiswa, havakwanise kupfuura. cMazuva ako anozivikanwa, uye makore ako, haazoitwe mashoma; nokudaro, dusatye zvingaitwe nemunhu, nokuti Mwari vachazove newe nariini nariini.