Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 61


Chikamu 61

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, pamahombekombe Rwizi rwunonzi Missouri, Mugonyorwa weMcIlwaine’s, 12 Nyamavhuvhu 1831 (History of the Church, 1:202–205). Parwendo rwavo rwekudzokera kuKirtland, Muporofita nemagosa gumi vakanga vafamba vachidzika neRwizi rweMissouri nemagwa. Muzuva rechitatu rerwendo, njodzi zhinji dzakaonekwa. Gosa William W. Phelps, muchiratidzo chezuva rakacheka nyika, akaona muparadzi achifamba musimba pamusoro pechiso chemvura.

1–12, Ishe vakadzika kuparadzwa kwakawanda pamvura; 13–22, Mvura dzakatukwa naJohane, uye muparadzi anofamba pameso padzo; 23–29, Vamwe vanesimba rekuraira mvura; 30–35, Magosa anofanira kufamba ari vaviri vaviri uye vachiparidza vhangeri; 36–39, Vanofanira kugadzirira kuuya kweMwanakomana weMunhu.

1 Tarisai, uye muteerere kuizwi reuyo ane asimba rose, anobva kusingaperi kusvika kusingaperi, kunyangwe bArfa naOmega, kutanga nekuguma.

2 Tarisai, zvirokwazvo vanodaro Ishe kwamuri, imi magosa echechi yangu, maungana pane ino nzvimbo, imi mune zvitadzo zvamaregererwa zvino, nokuti ini Ishe, andinoregerera zvitadzo, uye ndinonzwira btsitsi avo cvanoreurura zvitadzo zvavo nemwoyo yakapfava;

3 Asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hazvifanirwe kuti mhomho yose ino yemagosa angu vave vachifamba nekukurumidza pamusoro pemvura, ivo vagari vari kumhiri nekumhiri varikufa vari mukusatenda.

4 Zvisinei, ndazvibvumira kuti mugozopupura; tarisai, mune njodzi dzakawanda mumvura, kunyanya mushure mazvino;

5 Nokuti ini Ishe, ndaita chisungo mukushatirwa kwangu kuchave nekuparadzwa kwakawanda pamusoro pemvura; hongu, uye kunyanya pamusoro pemvura idzodzi.

6 Zvisinei, yose nyama iri mumaoko angu, uye uyo anotendeka pakati penyu haazofa nemvura.

7 Nokudaro, zvakafanira kuti muranda wangu Sidney Gilbert uye nemuranda wangu aWilliam W. Phelps vave vanokurumidza munezvavatumwa nehushumiri hwavo.

8 Zvisinei, handaibvumira kuti muparadzane kudakara amarangwa pamusoro pezvitadzo zvenyu zvose, kuti muve vamwechete, kuti musapararire bmukuipa;

9 Asi zvino, zvirokwazvo ndinoti, ndinoona zvakafanira kuti muchibva. Nokudaro regai varanda vangu Sidney Gilbert naWilliam W. Phelps vatore vakanga vachivaperekedza, uye vatore rwendo rwavo nokukurumidza kuti vazadzise hushumiri hwavo, uye kuburikidza nerutendo vachakurira;

10 Uye kana vari vakatendeka vachachengetedzwa, uye ini Ishe, ndinenge ndiinavo.

11 Uye regai vanosara vatore izvo zvavanoda zvezvipfeko.

12 Regai muranda wangu Sidney Gilbert atore icho chaasingade, sekubvumirana kwamuchaita naye.

13 Uye zvino tarisai, kuitira akupunduka kwenyu imi ndakakupai bmurairo pamusoro pezvinhu izvi; uye ini Ishe, ndichataurirana nemi sevanhu vemazuva ekare.

14 Tarisai, ini Ishe, pakutanga ndakaropafadza amvura; asi mumazuva ekupedzisira, nemuromo wemuranda wangu Johane, bndakatuka mvura.

15 Nokudaro, mazuva achauya ekuti hakuna nyama inenge isiri munjodzi pamusoro pemvura.

16 Uye zvichanzi mumazuva achauya hakuna anogona kuenda kunyika yeZioni nepamusoro pemvura, asi uyo akatwasuka mumwoyo.

17 Uye, sezvo ini Ishe, pakutanga andakatuka nyika, kunyangwe saizvozvo mumazuva ekupedzisira ndakairopafadza, munguva yayo, kuti ishandiswe nevatendi vangu, kuti vagodya upfumi hurimo.

18 Uye zvino ndinokupai murairo kuti chandinotaura kune mumwechete ndinotaura kune vose, kuti muchafanoyambira hama dzenyu pamusoro pemvura idzi, kuti vasauye vachifamba madziri, potse rutendo rwavo rwungakundwe uye ivo vakabatwa mumiteyo;

19 Ini Ishe, ndakaita chisungo, uye muparadzi anotasva pamusoro pechiso chadzo, uye ini handibvise chisungo ichi.

20 Ini Ishe, ndakanga ndakakushatirirwai nezuro, asi nhasi kushatirwa kwangu kwabviswa.

21 Nokudaro, regai avo vandataura nezvavo, avo vanofanira kutora rwendo rwavo nokukurumidza—zvakare ndinoti kwamuri, regai vaende nzendo dzavo mukukurumidza.

22 Uye hazvinei kwandiri, kana nepashoma, kana vari vanozadzisa hushumiri hwavo, kuti vanoenda nemvura here kana nepasi; regai izvi zviitwe sekuziviswa kwazvinoitwa kwavari maererano nemaonero avo mushure mazvino.

23 Uye zvino, pamusoro pevaranda vangu, Sidney Rigdon, Joseph Smith, Mwana, naOliver Cowdery, ngavarege kuuya zvakare nepamusoro pemvura, kunze kwekunge itori nzira yemvura, varimurwendo kuenda kumisha yavo; kana nemamwe mazwi havauye nepamusoro pemvura murwendo, kunze kwemigero yemvura yekufamba nayo.

24 Tarisai, ini Ishe, ndadoma nzira yenzendo dzevatendi vangu; uye tarisai, iyi ndiyo nzira yacho kuti pavanosiya nzira yemvura, vachafamba nepasi, sekurairwa kwavanenge vakaitwa kuti vafambe uye kuti vakwire kuenda kunyika yeZioni;

25 Uye vachaita sevana vaIsraeri, avachidzika tende dzavo munzira.

26 Uye tarisai, uyu murairo muchaupa kuhama dzenyu dzose.

27 Zvisinei, kune uyo akapihwa asimba rekutonga mvura, kuna iyeyo zvakapihwa kuburikidza neMweya kuti azive nzira dzake dzose;

28 Nokudaro, ngaaite sekurairwa kwaanenge achiitwa neMweya waMwari mupenyu, pangave pasi kana pamusoro pemvura, sezvo zvichasarira kwandiri kuzviita mushure mezvino.

29 Uye kwauri kwakapihwa gwara revatendi, kana nzira yekuti vatendi vemuchikwata chaIshe, vafambe nayo.

30 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, varanda vangu Sidney Rigdon, Joseph Smith Mwana, naOliver Cowdery, havazoshama miromo yavo mumagungano evakaipa kudakara vasvika kuCincinnati;

31 Uye munzvimbo iyoyo vachasimudza mazwi avo kuna Mwari pamusoro pevanhu ivavo, hongu, kuna ivo vanehasha dzakatungidzwa pamusana pekuipa kwavo, vanhu vave pedyo anekuibvira kuparadzwa.

32 Uye kubva ikoko ngavafambire magungano ehama dzavo, nokuti kushanda kwavo kunyangwe iyezvino kuri kudiwa zvakanyanya mukati mavo pane kumagungano evakaipa.

33 Uye zvino, nezvevasara, regai vafambe uye avanotaura izwi mukati memagungano evakaipa, sekupihwa kwarakaitwa.

34 Uye sekuita kwavanoita izvi avachachenesa nhumbi dzavo, uye vachave vasina kana kavara pamberi pangu.

35 Uye ngavafambe vari pamwechete, kana avaviri vaviri, sezvavanoona zvakavanakira, chete regai muranda wangu Reynolds Cahoon, uye nemuranda wangu Samuel H. Smith, uyo anondifadza zvikuru, vasapatsanutswe kudakara vadzokera kumisha yavo, uye izvi zviri zvine chinangwa chakangwara mandiri.

36 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvandinotaura kune mumwechete ndinozvitaura kune vose, farai, vana avadiki; nokuti ndiri bpakati penyu, uye handina ckukusiyai.

37 Uye sezvo muchizvininipisa pamberi pangu, maropafadzo aeumambo ndeenyu.

38 Sungirai nguwo dzenyu muchiuno uye muve amakangwarira uye muve makatsiga, muchitarisira kuuya kweMwanakomana weMunhu, nokuti anouya munguva yamusingafungire.

39 aNamatai nguva dzose kuti musapinde bmukuyedzwa, kuti mugone kurarama zuva rekuuya kwake, muupenyu kana murufu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.