Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 92


Chikamu 92

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 15 Kurume 1833 (History of the Church, 1:333). Zvakazarurwa izvi zvakanangana naFrederick G. Williams, uyo akange achangobva mukusarudzwa kuti ave mutevedzeri muHutungamiri Hwekutanga.

1–2, Ishe vanopa murairo pamusoro pemapinzirwo emuhurongwa hwemubatanidzwa.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe, ndinopa hurongwa ahwemubatanidzwa hwakarongwa zvinopindirana nemurairo wakambopihwa kare, chakazarurwa nemurairo zviri maererano nemuranda wangu Frederick G. Williams, kuti muchamugashira muhurongwa. Zvandinotaura kumumwechete, ndinozvitaura kune vose.

2 Uye zvakare, ndinoti kwauri muranda wangu Frederick G. Williams, uchave wakamuka kwazvo muhurongwa uhwu; uye kana uri wakatendeka mukuchengeta yose mirairo yandakapa ucharopafadzwa nokusingaperi. Ameni.