Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 7


Chikamu 7

Zvakazarurwa zvakapiwa kuna Joseph Smith Muporofita naOliver Cowdery, paHarmony, Pennsylvania, Kubvumbi 1829, pavakabvunza kuburikidza neUrimi neTumimi kuti Johane, mudzidzi aidiwa zvikuru, agere here munyama kana kuti akafa. Zvakazarurwa izvi kumwe kududzira kwezvinyorwa zvakaitwa padehwe naJohane uye zvikavigwa naiye pachake (History of the Church, 1:35–36).

1–3, Johane Mudikani achararama kudakara Ishe vauya; 4–8, Petro, Jakobo naJohane vakabata kiyi dzevhangeri.

1 Uye Ishe vakati kwandiri: Johane, amudiwa wangu, chii bchaunoda? Nokuti ukakumbira chaunoda, uchapihwa.

2 Uye ndakati kwavari: Ishe, ndipei simba rekukunda arufu, kuti ndirarame uye kuti ndigounza mweya kwamuri.

3 Uye Ishe vakati kwandiri: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, nokuti unechido ichi, auchagara kudakara ndauya bmukubwinya kwangu, uye cuchiporofita pamberi pemarudzi, madzinza, ndimi, nevanhu.

4 Uye nechikonzero ichi Ishe vakati kuna Petro: Kana ndikaita kuti agare kusvika ndauya, zvinorevei kwauri? Nokuti akakumbira kwandiri kuti aunze mweya kwandiri, asi iwe unoda kuti uuye nokukurumidza kwandiri amuumambo hwangu.

5 Ndinoti kwauri, Petro, ichi chido chakanaka, asi mudiwa wangu ada kuti aite zvakawanda, kana kuti basa guru kupfuura, raakamboita kare, mukati mevanhu.

6 Hongu, atora basa guru kupfuura repakutanga; nokudaro ndichamuita semoto unerimi uye sengirozi ainoshumira; achashumira avo vachave bvagari venhaka yeruponeso cpanyika.

7 Uye ndichaita kuti umushumirire uye nemunin’ina wako Jakobo; uye kwamuri imi vatatu ndichapa simba iri anemakiyi ehushumiri uhwu kudakara ndauya.

8 Zvirokwazvo ndinoti kwauri, mose muchawana maererano nezvamunoda, nokuti mose amunofara mune icho chamunoda.