Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 10


Chikamu 10

Zvakazarurwa zvakapiwa kuna Joseph Smith Muporofita, paHarmony, Pennsylvania muzhizha ra1828 (History of the Church, 1:20–23). Muno Ishe vanoudza Joseph nezvezvinhu zvakashandurwa nevanhu vakaipa, muma peji 116 ezvinyorwa zvakabva mukududzirwa kwebhuku raRihai, muBhuku raMormoni. Mapeji ezvinyorwa izvi akange arasika aina Martin Harris uyo akange amboapihwa. (Ona musoro wenyaya kuchikamu 3.) Zvakaipa zvakanga zvarongwa zvaive kududzirwa kwaitarisirwa zvekududzirwa zvakare kwezvinhu zvakanga zviri mumapeji ayo akanga abiwa, uye nokuzoshora mududziri nokuratidza zvakakanganiswa nekupindurudzwa kwakange kwaitwa. Kuti chinangwa chakaipa ichi chakanga chafungwa newakaipa uye zvaizikanwa naIshe kana pakanga Mormoni, munyori wechechi wakare wechiNifai, paaidimbudzira murwi wemahwendefa, zvinoratidzwa muBhuku raMormoni (tarisa Mazwi aMormoni 1:3–7).

1–26, Satani anomutsiridza vanhu vakaipa kuti varwise basa raIshe; 27–33, Anotsvaka kuparadza mweya yevanhu; 34–52, Vhangeri rakafanira kuenda kumaRamani uye nekumarudzi ose kuburikidza neBhuku raMormoni; 53–63, Ishe vachamisa Chechi yavo nevhangeri ravo mukati mevanhu, 64–70, Vachaunganidza vanotendeuka muChechi yavo uye vachaponesa vanoteerera.

1 Zvino tarisai, ndinoti kwauri, pamusana pekuti wakapa zvinyorwa izvo zvawakanga wapirwa simba rekududzira uchiyamurwa aneUrimi neTumimi, mumaoko emunhu bakaipa, wazvirasa.

2 Uye warasikirwawo nechipo chako nguva imwecheteyo, uye apfungwa yako yakadzima.

3 Zvisinei, achadzorerwa kwauri zvakare; naizvozvo chiona kuti wavimbika uye uenderere mberi kudakara wasvika pakupedzisa zvakasara zvebasa rekududzira semavambiro awakangewaita.

4 Usamhanye azvakapfurikidza kana kushanda kupfuura zvaune bsimba nazvo nenzira yawakapihwa yekukuita kuti ugone kududzira; asi cshingaira kusvika kumagumo.

5 aNamata nguva dzose, kuti ubude uri mukundi; hongu, kuti ukurire Satani, uye kuti upunyuke mumaoko avaranda vaSatani avo vanosumudzira basa rake.

6 Tarisai, vakatsvaka akukuparadza; hongu, kunyangwe bmurume wawakanga wavimba naye akatsvaka kukuparadza.

7 Uye nechikonzero ichi ndakamuti munhu akaipa, nokuti akatsvaka kutora zvinhu izvo zvakaiswa mumaoko ako; uye akatsvakawo kuparadza chipo chako.

8 Uye pamusana pekuti wakaisa zvinyorwa mumaoko ake, tarisai, vanhu vakaipa vazvitora kubva kwauri.

9 Naizvozvo, wakaisa, hongu, icho chinoera, muhuipi.

10 Uye tarisai, aSatani azviisa mumwoyo yavo kuti vashandure mazwi awakaita kuti anyorwe, kana kuti awakadudzira, ayo akabva mumaoko ako.

11 Uye tarisai, ndinoti kwauri, nepamusana pekuti vashandura mazwi, ave kutaura zvakasiyana neizvo zvawakadudzira uye ukaita kuti zvinyorwe;

12 Uye netsika iyi, dhiabhorosi atsvaka kuita chirongwa chemano, kuti aparadze basa iri;

13 Nokuti azviisa mumwoyo mavo kuti vaite izvi, kuti nokunyepa vangati avakubata nemazwi ayo awakanyepera kududzira.

14 Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, handizobvumira kuti Satani akwanise kuita zano rake rakaipa muchinhu ichi.

15 Nokuti tarisai, akachiisa mumwoyo yavo kuti vakuite kuti uyedze Ishe Mwari vako, mukukumbira kuti uzozvidudzira zvakare.

16 Uye zvino tarisai, vanoti uye vachifunga mumwoyo yavo—Tichaona kanaMwari vakamupa simba rekududzira; kana zviriizvo, vachamupawo simba zvakare;

17 Uye kana Mwari vakamupa simba zvakare, kana kuti vakadudzira zvakare, kana kuti nemamwe mazwi, kana vakaburitsa mazwi mamwechetewo, tarisai, tine mamwechetewo atiinawo, uye takashandura;

18 Naizvozvo haazowirirana, uye tinobva tati anyepa mumazwi ake, uye nokutiwo haana chipo, uye nokutiwo haana simba;

19 Naizvozvo tinobva tamuparadza, uye nebasa racho; uye tichaita izvi kuti tirege kuzonyara pakupedzisira, uye kuti tigowana kurumbidzwa nenyika.

20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, Satani akabata mwoyo yavo zvikuru; aanovamutsiridza bmukuipa kwekurwisana neicho chakanaka;

21 Uye mwoyo yavo ayakaora, uye izere bnohuipi uye nokunyangadza; uye cvanoda drima, pane chiedza, nokuti ezviito zvavo zvakaipa, naizvozvo havandikumbire.

22 aSatani anovamutsiridza, kuti bagotungamirira mweya yavo kunoparadzwa.

23 Uye saka aita zano remano, achifunga kuparadza basa raMwari; asi izvi ndichazvida kubva mumaoko avo, uye zvichavapindukira mukunyara kwavo nekuwanikwa vaine mhoswa muzuva arekutongwa.

24 Hongu, anomutsa mwoyo yavo mukushatirwa mukurwisa basa iri.

25 Hongu, anoti kwavari: Nyengedzai uye muhwandire kuti mubate, kuti mugoparadza; tarisai, izvi hazvikuvadze. Uye nokudaro anovanyengedza, uye achivaudza kuti hachisi chitadzo akunyepa kuti mubate munhu mumanyepo, kuti mugovaparadza.

26 Uye nokudaro anovanyengedza, uye aovatungamira achienda kudakara azvuvira mweya yavo pasi bmugehena; uye nokudaro anoita kuti vazvibate cmuriva ravo.

27 Uye nokudaro anokwira achidzika, aachienda achidzoka munyika, achitsvaka bkuparadza mweya yavanhu.

28 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, nhamo kune uyo anonyepa kuti aanyengedze nokuti anenge achifunga kuti mumwe ari kunyepa kuti anyengere, nokuti ivo vakadai havazoregererwa bmukutonga kunoenzanisa kwaMwari.

29 Zvino tarisai; vashandura mazwi aya, nokuti Satani anoti kwavari: Akakunyengedzai—uye nokudaro anovanyengedza kuti vaite zvakaipa, kuita kuti iwe auyedze Ishe Mwari vako.

30 Tarisai, ndinoti kwauri, kuti hauchadudzira zvakare mazwi ayo akaenda achibva mumaoko ako;

31 Nokuti tarisai, havazokwanisa kuita zvirongwa zvavo zvakaipa mukunyepa vachirwisana nemazwi aya. Nokuti tarisai, kana ukaunza mazwi mamwechetewo vachati wanyepa uye voti wange uchinyepera kududzira, asi kuti wazvipikisa iwe pachako.

32 Uye tarisai, vachashambadza izvi, uye Satani achaomesa mwoyo yevanhu kuvamutsiridza kuti vakushatirirwe, zvekuti havazotenda mazwi angu.

33 Nokudaro aSatani anofunga kukurira uchapupu hwako muchizvarwa chino, kuti basa ritadze kuuya muchizvarwa chino.

34 Asi tarisai, houno ungwaru, uye pamusana pekuti ndinokuratidza aungwaru, uye nokukupa mirairo maererano nezvinhu izvi, zvauchaita, usazviratidze kunyika kudakara wapedza basa rekududzira.

35 Usashamiswe kuti ndati kwauri: Houno ungwaru, usazviratidze kunyika—nokuti ndati usazviratidze kunyika, kuti uchengetedzwe.

36 Tarisai, handisi kuti hauchazozviratidza kunevakarurama;

37 Asi sezvo usingazive avakarurama nguva dzose, kana kuti sezvo usingagone nguva dzose kupatsanura vakaipa kubva kune vakarurama, naizvozvo ndinoti kwauri, bchimbonyarara kudakara ndaona zvakafanira kuti ndiite kuti zvinhu zvose zvizikanwe kunyika maererano nenyaya iyi.

38 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti rondedzero ayezvinhu izvo zvawakanyora, izvo zvakabva mumaoko ako, yakanyorwa bpamahwendefa aNifai;

39 Hongu, uye rangarira kuti zvakanzi muzvinyorwa izvozvo rondedzero izere yakapihwa yezvinhu izvi pamahwendefa aNifai.

40 Uye zvino, nokuti rondedzero yakanyorwa pamahwendefa aNifai yakanyatsokwana maererano nezvinhu izvo muungwaru hwangu, zvandinofanira kuunza kuruzivo rwevanhu vari murondedzero ino—

41 Nokudaro uchadudzira zvinyorwa zviri apamahwendefa aNifai, wodzika kunyangwe kudakara wasvika mukutonga kwamambo Benjamini, kana kudakara wasvika pane izvo zvawakadudzira, zvawakachengetedza;

42 Uye tarisai, uchazvishambadza sezvinyorwa zvaNifai, uye naizvozvo ndichanyadzisa avo vakashandura mazwi angu.

43 Handizovabvumira kuti vaparadze basa rangu; hongu, ndichavaratidza kuti ungwaru hwangu hukuru panemano adhiabhorosi.

44 Tarisai, vane chidimu chete, kana kuti mudimbudzirwa werondedzero yaNifai.

45 Tarisai, kune zvinhu zvizhinji zvakanyorwa pamahwendefa aNifai izvo zvinopa rujeko rwakawedzerwa pavhangeri rangu; naizvozvo, ungwaru kwandiri kuti iwe ududzire chikamu chino chekutanga chezvinyorwa zvaNifai, uye wozvitumira mubasa rino.

46 Uye tarisai, zvose zvasara azvebasa rino zvine zvose zvidimbu bzvevhangeri rangu izvo vaporofita vangu matsvene, hongu, uye nevadzidzi vanguwo, cvaida muminamato yavo kuti zviuye kuvanhu vano.

47 Uye ndakati kwavari, avachazvipihwa maererano bnerutendo rwavo muminamato yavo.

48 Hongu, uye urwu ndirwo rwange rwuri rutendo rwavo kuti vhangeri rangu, iro randakavapa kuti vaparidze mumazuva avo, rwungauye kuhama dzavo amaRamani uyewo nekune avo vose vakanga vave maRamani pamusana pekusabvumirana kwavo.

49 Zvino, izvi hazvisi zvose—rutendo rwavo muminamato yavo rwaive rwekuti vhangeri rino riitwe kuti rizivikanwewo, kana zvichibvira kuti mamwe marudzi atore nyika ino;

50 Uye saka vakasiya maropafadzo panyika ino muminamato yavo, kuti ani zvake achatenda muvhangeri rino munyika ino awane upenyu hwokusingaperi;

51 Hongu, kuti rive rakasununguka kune vose verudzi rwupi zvarwo, madzinza, ndimi, chero vanhu vapi zvavo vavangave vari.

52 Uye zvino, tarisai, maererano nerutendo rwavo muminamato yavo, ndichaunza chidimu chino chevhangheri rangu kuruzivo rwevanhu vangu. Tarisai, handiriunze kuti riparadze icho chavakatambira, asi kuchivaka.

53 Uye nechikonzero ichi ndakati: Kana chizvarwa chino chikasaomesa mwoyo yacho, ndichamisa chechi yangu pakati pavo.

54 Zvino handitaure izvi kuti ndiparadze chechi yangu, asi ndinotaura izvi kuti ndivake chechi yangu.

55 Naizvozvo, ani zvake wemuchechi yangu, haafanire akutya nokuti ivavo bvachagara nhaka cyeumambo hwekudenga.

56 Asi ndeavo avasinganditye, kana kuchengeta mirairo yangu, vanozvivakira bmachechi kuti vawane cpundutso, hongu, uye neavo vose vanoita zvakaipa uye vachivaka umambo hwadhiabhorosi—hongu, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, ndivo ivavo vandichakanganisa, uye ndigoita kuti vadedere, uye nokubvunda kusvika mukati.

57 Tarisai, ndini Jesu Kristu, aMwanakomana waMwari. Ndakauya kune vangu, uye vangu vakasanditambira.

58 Ndini achiedza chinopenya murima, uye rima harichinzwisise.

59 Ndini iye akati—Ndine adzimwe bhwai dzisiri dzedanga rino—kuvadzidzi vangu, uye kune vazhinji vasina ckundinzwisisa.

60 Uye ndicharatidza kuvanhu ava kuti ndaive nedzimwe hwai, uye nokuti dzaive bazi aremba yaJakobo;

61 Uye ndichaburitsa pachena mabasa avo anoshamisa, ayo avakaita muzita rangu;

62 Hongu, uye ndichaunzawo pachena vhangeri rangu iro rakashumirwa kwavari, uye tarisai, havazoramba icho chawakatambira, asi vachachivaka, uye vachaunza pachena zvinhu zvechokwadi amudzidziso yangu, hongu, uye iri iyo yega dzidziso iri mandiri.

63 Uye, izvi ndiri kuzviita kuti ndimise vhangeri rangu, kuti parege kuve negakava rakanyanya; hongu, aSatani anomutsiridza mwoyo yevanhu bmukukakavadzana maererano nezvinhu zvedzidziso yangu; uye muzvinhu izvi vanokanganisa, uye cvanoshandurudza magwaro matsvene uye havaanzwisise.

64 Nokudaro ndichavapetenurira chishamiso chikuru ichi;

65 Nokuti tarisai, andichakuvhumbamirai sekuvhumbamira kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo, kana vasina kuomesa mwoyo yavo;

66 Hongu, kana vachiuya, vangangouya, vagomwa amvura dzeupenyu vakasununguka.

67 Tarisai, iyi ndiyo dzidziso yangu—ani zvake anotendeuka uye aakauya kwandiri, mumwecheteyo ndiye bwechechi yangu.

68 Ani zvake aanowedzera kana kubvisa kune izvi, iyeyo haazi wangu, asi banorwisana neni; nokudaro haasi wechechi yangu.

69 Uye zvino tarisai, ani zvake wechechi yangu, uye achishingirira muchechi yangu kusvika kumagumo, iyeyo ndichamumisa apadombo rangu, uye bmisuwo yegehena haingamukurire.

70 Uye zvino, rangarira mazwi ake uyo anova ndiye upenyu anechiedza chenyika, Mununuri wako, bIshe vako naMwari vako. Ameni.