Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 73


Chikamu 73

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita uye naSidney Rigdon, paHiram, Ohio, 10 Ndira 1832 (History of the Church, 1:241–242). Kubvira mukutanga kwaZvita, Muporofita naSidney vakange vachiparidza, uye nokuita uku, zvizhinji zvakaitwa mukuseredza pfungwa dzakaipa dzaive dzamuka maererano neChechi (onai misoro yenyaya yechikamu 71).

1–2, Magosa anofanira kuramba achiparidza; 3–6, Joseph Smith naSidney Rigdon vanofanira kuramba vachidudzira Bhaibheri kusvikira rapera.

1 Nokuti zvirokwazvo, vanodaro Ishe, zvakafanira kwandiri kuti avarambe vachiparidza vhangeri, uye nemukuyambira kumachechi ari mumatunhu akatenderedza, kudakara kwaitwa musangano mukuru.

2 Uye zvino, tarisai, zvichaziviswa kwavari, anezwi remusangano mukuru, hushumiri hwavo hwakasiyana-siyana.

3 Zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri varanda vangu, Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon, vanodaro Ishe, azvinofanira kuti bmududzire zvakare;

4 Uye kana zviri zvinoitika, kuti muparidze mumatunhu akatenderedza kudakara musi wemusangano mukuru; uye mushure mezvo munofanira kuenderera mberi nebasa rekududzira kusvikira rapera.

5 Uye regai zvive mufananidzo kumagosa kudakara kwave nerumwe ruzivo rwakawedzerwa, kunyangwe sekunyorwa kwazvakaitwa.

6 Zvino handichakupai zvimwe nguva ino. aSungirai nguwo dzenyu muchiuno uye muve makatsiga. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.