Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 25


Chikamu 25

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paHarmony, Pennsylvania, muna Chikunguru 1830 (History of the Church, 1:103–104). (Ona musoro wenyaya muchikamu 24.) Chakazarurwa ichi chinoisa pachena chido chaIshe kuna Emma Smith, mudzimai we Muporofita.

1–6, Emma Smith, mudzimai akasarudzwa, anodaidzwa kuti ayamure nekunyaradza murume wake; 7–11, Anodaidzwawo kuti anyore, nekutsanangura magwaro matsvene nokusarudza nziyo; 12–14, Rwiyo rwevakarurama munamato kuna Ishe, 15–16, Misimboti yekuteerera mune chakazarurwa chino inoshanda kune vose.

1 Teerera kuzwi raIshe Mwari vako, ndichitaura kwauri, Emma Smith, mwanasikana wangu; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwauri, avo vose avanogashira vhangeri rangu vanakomana nevanasikana bmuumambo hwangu.

2 Chakazarurwa ndinochipa kwauri pamusoro pechido changu; kana wakatendeka auchifamba munzira bdzakanaka pamberi pangu, ndichachengetedza upenyu hwako, uye uchagashira cnhaka muZioni.

3 Tarisai, azvitadzo zvako wazviregererwa, uye uri mudzimai akasarudzwa uyo bwandakadaidza.

4 Usanyunyute nechikonzero chezvinhu zvausati waona, nokuti hazvina kupihwa kwauri uye nekunyika, hunova ungwaru mandiri munguva iri kuuya.

5 Uye basa rawakadaidzirwa richave arekunyaradza muranda wangu, Joseph Smith Mwana, murume wako, mumatambudziko ake, nemazwi anonyaradza, mumweya wekupfava.

6 Uye uchaenda naye panguva yekuenda kwake, uye ugove kwaari semunyori, papanenge pasina angave munyori kwaari, kuti nditumire muranda wangu Oliver Cowdery, kwose zvako kwandinoda.

7 Uye iwe auchagadzwa pasi peruoko rwake kuti utsanangure magwaro matsvene, uye nokukurudzira chechi maererano nokupihwa kwazvichaitwa kwauri neMweya wangu.

8 Nokuti achaisa amaoko ake pauri, uye iwe uchagashira Mweya Mutsvene, uye nguva yako ichapirwa mukunyora, nokudzidza zvakawanda.

9 Uye haufanire kutya, nokuti murume wako achakutsigira muchechi; nokuti kwavari ndiko kune akudaidzwa kwake, kuti zvose zvinhu bzvingazarurwe kwavari, zvose zvandingade, maererano nerutendo rwavo.

10 Uye zvirokwazvo ndinoti kwauri uchaisa parutivi azvinhu bzvenyika ino, uye cwotsvaga zvinhu zvakanaka.

11 Uye zvichapihwa kwauri, uyewo, zvokusarudza anziyo dzinoyera, sokuzvipihwa kwauchaitwa, zviri zvinofadza kwandiri, kuti dzive muchechi yangu.

12 Nokuti mweya wangu unofara amurwiyo rwunobva bpamwoyo; hongu, rwiyo rwevakarurama munamato kwandiri, uye rwuchapindurwa nemaropafadzo pamisoro yavo.

13 Nokudaro, simudza mwoyo wako ufare, uye unamatire kuzvibvumirano izvo zvawaita.

14 Ramba uri mumweya awekupfava, uye uchenjerere bkuzvikudza. Rega mweya wako ufarire murume wako, nokubwinya kuchauya paari.

15 Chengeta mirairo yangu nguva dzose, uye akorona byekururama uchaigashira. Uye kunze kwekunge waita izvi, pandinenge ndiri chaungapauye.

16 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, iri ndiro aizwi rangu kune vose. Ameni.