Magwaro Matsvene
Chirevo cheChechi 2


Chirevo cheChechi—2

Kuna ani zvake Angangoda Kunzwa:

Musi wa30 Gunyana 1978, paMuchechi Mukuru weChechi yose rechizana nemakumi mana nesere reChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira rinoitwa pagore, zvinotevera zvakaturwa neMutungamiri N. Eldon Tanner, Gurukota Rekutanga muHutungamiri hweKutanga hweChechi:

Mukutanga kwaChikumi gore rino Hutungamiri hweKutanga hwakadaidzira kuti kune zvakazarurwa zvakanga zvatambirwa naMutungamiri Spencer W. Kimball zvichitambanudzira hupirisita nemaropafadzo emutemberi kune vose vakakodzera vechirume vari nhengo dzeChechi. Mutungamiri Kimball akakumbira kuti nditaurire kumuchechi mukuru kuti mushure mekutambira kwake zvakazarurwa izvi, izvo zvakauya kwaari mushure mekufunga nekunamata kwenguva yakati kuti mudzimba dzinoyera dzemutemberi tsvene, akazviisa kuvatevedzeri vake, avo vakazvibvuma uye vakazvitsinhira. Ndokubva zvazoiswa kuChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri, avo vakazvitsigira vose, uye zvikazoiswa kune vamwe vose vakuru, avo vazvitsinhirawo pamwechete.

Mutungamiri Kimball akumbira kuti zvino ndiverenge tsamba iyi:

Chikumi 8, 1978

Kune vose neavo vemuno mapirisita veChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira pasi rose:

Vadiwa Hama:

Mukuona kwatanga tichiita kwebasa raIshe pasi pose, tine kutenda vanhu vemarudzi akawanda vakadaira kushoko revhangeri rakadzorerwa pakare, uye vakapinda muChechi nehuwando huri kusimba huchikura. Izvi naizvowo, zvaita kuti isu tifemerwe nechido chekuti tisvitse kune wose akakodzera ari nhengo yeChechi zvose zvinopundutsa nemaropafadzo ayo anopihwa nevhangeri.

Nokuziva zvivimbiso zvakaitwa nevaporofita nevatungamiri veChechi avo vakatanga pamberi pedu, kuti pane imwe nguva, hurongwa hwokusingaperi hwaMwari, vose vehama dzedu avo vakakodzera vangagashire hufundisi, uye tichiona kutendeuka kweavo vakanyimwa hupirisita, takumbira kwenguva huru nemwoyo yedu yose, pamusoro paivava, hama dzedu dzakatendeka, tichipedza nguva yakawanda tiri Mumba yepaMusoro yeTemberi tichikumbira hutungamiriri hutsvene hwaIshe.

Vakanzwa minamato yedu, nezvakazarurwa vakatsinhira kuti zuva rakange rakavimbiswa kare rasvika apo wose akatendeka, murume akakodzera ari muChechi angagashire hupirisita hutsvene, nesimba rekushandisa mvumo yahwo tsvene, nokuwana batsiro nevadikani vake ose maropafadzo anouya kubvamo, kusanganisira nemaropafadzo emutemberi. Naizvozvo dzose nhengo dzeChechi dzechirume dzakakodzera dzinokwanisa kugadzwa hupirisita pasina kuti murudzii kana kuti muchena kana mutema. Vatungamiri vemapirisita vanoudzwa, zvakakwana kana dai huri hwaAroni kana Hupirisita hwaMerkizedeki kuti vaone kuti zvose zvakamiswa zvekuona kuti munhu anokodzera here kana kuti kwete zvaitwa.

Tinotaura takatsiga kuti Ishe zvino vazivisa chido chavo chekuropafadzwa kwevana vavo vose pasi pose avo vachateerera kumazwi evaranda vavo vakapihwa mvumo, uye vagozvigadzirira kugashira ose maropafadzo evhangeri.

Venyu muchokwadi,

Spencer W. Kimball

N. Eldon Tanner

Marion G. Romney

Hutungamiri Hwekutanga

Nokuziva kuti Spencer W. Kimball semuporofita, muoni, nemududziri nemutungamiri weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, zviri kunzi isu zvatiri dare remakurukota, tibvume zvakazarurwa izvi sezwi nechido chaIshe. Vose vanobvuma, ndapota ratidzai nokusimudza ruoko rwenyu rwerudyi. Vasingazvide varatidze nechiratidzo chimwechetecho.

Sarudzo yekutsigira zvataurwa yakaitwa nemunhu wose achibvumira.

Salt Lake City, Utah, Gunyana 30, 1978.