Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 106


Chikamu 106

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 25 Mbudzi 1834 (History of the Church, 2:170–171). Chakazarurwa ichi chakanangana naWarren A. Cowdery, mukoma waOliver Cowdery.

1–3, Warren A. Cowdery Anodaidzwa semutungamiri wenzvimbo iyoyo yaanogara; 4–5, Kuuya Kwechipiri hakuzonyangira vana vechiedza sembavha; 6–8, Maropafadzo makuru anotevera basa rakatendeka muChechi.

1 Chido changu kuti muranda wangu Warren A. Cowdery adomwe uye agogadzwa kuve mupirisita wepamusoro anotungamira chechi yangu munyika yeFreedom uye nemumatunhu akakomberedza;

2 Uye agoparidza vhangeri rangu risingaperi, uye achisimudza izwi rake uye achiyambira vanhu, kwete avo vari munzvimbo make chete, asi vari munzvimbo dzakabatana nekwake;

3 Uye aise nguva yake yose kubasa iri guru uye dzvene, iro randave kumupa iye zvino, achitsvaka nechido umambo hwekudenga uye nekururama kwahwo, uye zvose zvinhu zvinofanirwa zvichapamhidzirwa pane izvozvi; nokuti mushandi akakodzera mubairo wake.

4 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwauri kuuya kwaIshe kuri kuswedera, uye kunonyangira nyika sembavha husiku—

5 Naizvozvo, sungira nguwo dzako muchiuno, kuti muve vana vechiedza, uye kuti zuva iroro rirege kukunyangirai sembavha.

6 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kwakave nerufaro kudenga apo muranda wangu Warren akakotamira tsvimbo yangu, uye akazvibvisa mukunyengedza kwevanhu;

7 Naizvozvo, akaropafadzwa muranda wangu Warren, nokuti ndichamunzwira tsitsi; uye zvisinei nokuipa kwemwoyo wake, ndichamusimudzira kana ari anozvininipisa pamberi pangu.

8 Uye ndichamupa nyasha nerusimbiso zvichaita kuti akwanise kumira; uye akaramba ari mupupuri anotendeka uye ari chiedza kuchechi ndamugadzirira ngundu mudzimba dzaBaba vangu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.