Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 14


Chikamu 14

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza nekuna Joseph Smith Muporofita kuna David Whitmer, paFayette, New York, Chikumi 1829 (History of the Church, 1:48–50). Mhuri yekwaWhitmer yakange yavanechido chikuru mukududzirwa kweBhuku raMormoni. Muporofita akadzika hugari hwake pamusha paPeter Whitmer, Baba, apo paakagara kudakara basa rekududzira rapera uye kudakara mvumo yekushambadza bhuku raiuya iri yawanikwa. Vatatu vevanakomana vekwaWhitmer, mumwe nemumwe wavo agashira uchapupu hwechokwadi chebasa racho, vakava neshungu kwazvo pamusoro pebasa reumwe neumwe wavo. Chakazarurwa chino uye nezviviri zvinotevera (zvikamu 15 ne16) zvakapihwa semhinduro kukubvunza uku kuburikidza neUrimi neTumimi. David Whitmer pashure, akazove mumwe weVapupuri Vatatu kuBhuku raMormoni.

1–6, Vashandi mumunda wemizambiringa vachawana ruponeso; 7–8, Upenyu hwokusingaperi ndichochipo chikuru-kuru chaMwari; 9–11, Kristu akasika matenga nenyika.

1 Basa guru uye rinoshamisa ravakuda kuuya kuvana vevanhu.

2 Tarisai, ndini Mwari; teererai kushoko rangu, iro rinokurumidza uye rakasimba, rinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, mukupatsanura nepakati zvose nhengo nemwongo; naizvozvo teererai kumashoko angu.

3 Tarisai, munda wachena wamirira kukohwewa; naizvozvo uyo anoda kukohwa, ngaaise jeko rake nesimba rake, uye akohwe zuva richiripo, kuti agochengetera mweya wake ruponeso rwusingaperi muumambo hwaMwari.

4 Hongu, ani zvake achaisa jeko rake uye achikohwa, iyeyo akadaidzwa naMwari.

5 Nokudaro, kana ukandikumbira uchagashira; kana ukagogodza richazarurirwa kwauri.

6 Tsvaka kuunza uye nokumisa Zioni yangu. Chengeta mirairo yangu muzvinhu zvose.

7 Uye, kana ukachengeta mirairo yangu uye nekushingirira kusvika kumagumo uchawana upenyu hwokusingaperi, chiri icho chipo chikuru kupfuura zvose zvipo zvaMwari.

8 Uye zvichaitika kuti kana ukakumbira Baba muzita rangu, murutendo uchitenda uchagashira Mweya Mutsvene, uyo unopa kuti utaure, kuti ugomira semupupuri wezvinhu zvauchaona zvose nekunzwa, uye nokutiwo ungataure kutendeuka kuchizvarwa chino.

9 Tarisai, ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu, akasika matenga nenyika, chiedza chisingavanzike murima;

10 Nokudaro, ndinofanira kuunza kuzara kwevhangeri rangu kubva kumaJentairi kuenda kuimba yaIsraeri.

11 Uye tarisai, ndiwe David, uye unodaidzwa kuti uzoyamura; chinhu chekuti ukachiita, uye uine rutendo, ucharopafadzwa zvose mumweya nemunyama, uye nemubairo wako uchave mukuru. Ameni.