Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 25


Chikamu 25

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paHarmony, Pennsylvania, muna Chikunguru 1830 (History of the Church, 1:103–104). (Ona musoro wenyaya muchikamu 24.) Chakazarurwa ichi chinoisa pachena chido chaIshe kuna Emma Smith, mudzimai we Muporofita.

1–6, Emma Smith, mudzimai akasarudzwa, anodaidzwa kuti ayamure nekunyaradza murume wake; 7–11, Anodaidzwawo kuti anyore, nekutsanangura magwaro matsvene nokusarudza nziyo; 12–14, Rwiyo rwevakarurama munamato kuna Ishe, 15–16, Misimboti yekuteerera mune chakazarurwa chino inoshanda kune vose.

1 Teerera kuzwi raIshe Mwari vako, ndichitaura kwauri, Emma Smith, mwanasikana wangu; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwauri, avo vose vanogashira vhangeri rangu vanakomana nevanasikana muumambo hwangu.

2 Chakazarurwa ndinochipa kwauri pamusoro pechido changu; kana wakatendeka uchifamba munzira dzakanaka pamberi pangu, ndichachengetedza upenyu hwako, uye uchagashira nhaka muZioni.

3 Tarisai, zvitadzo zvako wazviregererwa, uye uri mudzimai akasarudzwa uyo wandakadaidza.

4 Usanyunyute nechikonzero chezvinhu zvausati waona, nokuti hazvina kupihwa kwauri uye nekunyika, hunova ungwaru mandiri munguva iri kuuya.

5 Uye basa rawakadaidzirwa richave rekunyaradza muranda wangu, Joseph Smith Mwana, murume wako, mumatambudziko ake, nemazwi anonyaradza, mumweya wekupfava.

6 Uye uchaenda naye panguva yekuenda kwake, uye ugove kwaari semunyori, papanenge pasina angave munyori kwaari, kuti nditumire muranda wangu Oliver Cowdery, kwose zvako kwandinoda.

7 Uye iwe uchagadzwa pasi peruoko rwake kuti utsanangure magwaro matsvene, uye nokukurudzira chechi maererano nokupihwa kwazvichaitwa kwauri neMweya wangu.

8 Nokuti achaisa maoko ake pauri, uye iwe uchagashira Mweya Mutsvene, uye nguva yako ichapirwa mukunyora, nokudzidza zvakawanda.

9 Uye haufanire kutya, nokuti murume wako achakutsigira muchechi; nokuti kwavari ndiko kune kudaidzwa kwake, kuti zvose zvinhu zvingazarurwe kwavari, zvose zvandingade, maererano nerutendo rwavo.

10 Uye zvirokwazvo ndinoti kwauri uchaisa parutivi zvinhu zvenyika ino, uye wotsvaga zvinhu zvakanaka.

11 Uye zvichapihwa kwauri, uyewo, zvokusarudza nziyo dzinoyera, sokuzvipihwa kwauchaitwa, zviri zvinofadza kwandiri, kuti dzive muchechi yangu.

12 Nokuti mweya wangu unofara murwiyo rwunobva pamwoyo; hongu, rwiyo rwevakarurama munamato kwandiri, uye rwuchapindurwa nemaropafadzo pamisoro yavo.

13 Nokudaro, simudza mwoyo wako ufare, uye unamatire kuzvibvumirano izvo zvawaita.

14 Ramba uri mumweya wekupfava, uye uchenjerere kuzvikudza. Rega mweya wako ufarire murume wako, nokubwinya kuchauya paari.

15 Chengeta mirairo yangu nguva dzose, uye korona yekururama uchaigashira. Uye kunze kwekunge waita izvi, pandinenge ndiri haungapauye.

16 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, iri ndiro izwi rangu kune vose. Ameni.