Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 28


Chikamu 28

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, kuna Oliver Cowdery, paFayette, New York, Gunyana 1830 (History of the Church, 109–111). Hiram Page, nhengo yeChechi, aive nerimwe dombo uye achiti anogashira zvakazarurwa nokuyamurwa naro maererano nokuvakwa kweZioni uye nehurongwa hweChechi. Nhengo zhinji dzakanga dzanyengedzwa neizvi, uye kunyangwe Oliver Cowdery akaitiswa zvisiri izvo mukudaro. Muchechi mukuru usati waitwa, Muporofita akabvunza nemwoyo wake wose kuna Ishe maererano nenyaya iyi, uye chakazarurwa ichi chikabva chapihwa.

1–7, Joseph Smith ane kiyi dzezvakavanzika, uye iye chete ndiye anogashira zvakazarurwa zveChechi; 8–10, Oliver Cowdery achaparidzira kumaRamani; 11–16, Satani akanyengedza Hiram Page uye akamupa zvakazarurwa zvemanyepo.

1 Tarisai, ndinoti kwauri Oliver, kuti iwe uchanzwikwa nechechi muzvinhu zvose zvipi zvazvo zvauchavadzidzisa neMunyaradzi, maererano nezvakazarurwa uye nemirairo iyo yandapa.

2 Asi tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, hakuna munhu achaiswa kuti agashire mirairo nezvakazarurwa muchechi ino kunze kwemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, nokuti anozvigashira kunyangwe saMosesi.

3 Uye uchateerera kuzvinhu zvose zvandichapa kwaari kana saAroni, kuti ataure akatendeka mirau nezvakazarurwa, nesimba nemvumo kuchechi.

4 Uye kana ukatungamirwa panguva ipi zvayo naMunyaradzi kuti utaure kana kudzidzisa, kana panguva dzose nenzira yemurau kuchechi, ungangozviita.

5 Asi usazonyora nenzira yemurairo, asi neungwaru;

6 Uye usazomutuma uyo ari pamusoro pako uye neari pamusoro pechechi;

7 Nokuti ndakamupa makii ezvakavandika, nezvakazaruwa izvo zvakazarirwa, kudakara ndavamisira mumwe munzvimbo make.

8 Uye zvino, tarisai ndinoti kwauri uchaenda kumaRamani uye wonoparidza vhangeri rangu kwavari, uye sokugashira kwavanenge vachiita kudzidzisa kwako uchaita kuti chechi yangu imiswe pakati pavo uye uchawana zvakazarurwa, asi usazvinyore zviri semurairo.

9 Uye zvino, tarisai, ndinoti kwauri kuti hazvina kuiswa pachena, uye hakuna munhu anoziva kuti guta Zioni richavakwa kupi, asi zvichapihwa pano pashure. Tarisai, ndinoti kwauri richave nekumiganhu yemaRamani.

10 Hauchazobva panzvimbo ino kudakara mushure megungano; muranda wangu Joseph achanzi atungamire muchechi mukuru nezwi rawo, zvaanotaura kwauri izvozvo ndizvo zvauchataura.

11 Zvakare uchatora hama yako, Hiram Page, pakati penyu muri mega, womutaurira kuti zvinhu izvo zvaakanyora kubva padombo riya, hazvisi zvangu nokuti Satani akamunyengedza;

12 Nokuti tarisai, izvi zvinhu hazvina kupiwa kwaari zvakare hakuna chichazopihwa kuna ani zvake wechechi ino icho chinopesana nezvibvumirano zvechechi.

13 Nokuti zvinhu zvose zvinofanira kuitwa nehurongwa, nokubvumirana mukati mechechi, nomunamato werutendo.

14 Uye uchayamura mukuenzanisa zvinhu zvose izvi, maererano nezvibvumirano zvechechi, usati watora rwendo rwako pakati pemaRamani.

15 Uye zvichapihwa kwauri kubvira panguva yauchaenda, kusvika panguva yauchadzoka, kuti uchaitei.

16 Uye iwe unofanira kuzarura muromo wako panguva dzose, uchitaura vhangeri rangu nekufara. Ameni.