Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 32


Chikamu 32

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Parley P. Pratt naZiba Peterson, Gumiguru 1830 (History of the Church, 118–120). Kufara kukuru nechido zvakanzwika namagosa pamusoro pemaRamani, avo vane maropafadzo akafanotaurwa pamusoro pavo akanga adzidzwa nezvawo neChechi kubva mubhuku raMormoni. Naizvozvo, munamato wakaitwa kuti Ishe varatidze kuda kwavo kuti magosa angatumirwe here panguva iyoyo kumarudzi emaIndia vari kuMadokero. Chakazarurwa ichi chakatevera.

1–3, Parley P. Pratt naZiba Peterson vanodaidzwa kuti vaparidze kumaRamani uye nokuperekedza Oliver Cowdery naPeter Whitmer, Mwana; 4–5, Vanofanira kunamatira nzwisiso yemagwaro matsvene.

1 Uye zvino pamusoro pemuranda wangu Parley P. Pratt, tarisai, ndinoti kwaari sezvo ndiri mupenyu ndinoda kuti azoparidza vhangeri rangu uye nokudzidza nezvangu, uye ave wakazvirereka, uye ainemwoyo munyoro.

2 Uye icho chandakapa kwaari ndechekuti achaenda nevaranda vangu, Oliver Cowdery naPeter Whitmer, Mwana, murenje mukati memaRamani.

3 Uyewo Ziba Peterson achaenda navo; uye ini pachangu ndichaenda navo ndigove pakati pavo; uye ndini murevereri wavo kuna Baba, hakuna chichazovakunda.

4 Vachateerera kune icho chakanyorwa, vasingazoteedza zvimwe zvakazarurwa; uye vachanamata nguva dzose kuti ndigovazarurira zvimwechetezvo kuti vazvinzwisise.

5 Vachateerera kumazwi aya uye vasingaite zvekutamba neni, uye neni ndichavaropafadza. Ameni.