Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 99


Chikamu 99

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, kuna John Murdock, Nyamavhuvhu 1832, paHiram, Ohio. Kana dai zvazvo magwaro eDzidziso neZvibvumirano kubvira muna 1876 akati zvakazarurwa zvino ndezve paKirtland, Nyamavhuvhu 1833, magwaro ekutanga nezvimwe zvinyorwa zvenhoroondo zvinotsinhira kuruzivo chairwo nguva yacho chaiyo.

1–8, John Murdock anodaidzwa kuti aparidze vhangeri, uye avo vanomugashira vanogashira Ishe nekuwana tsitsi.

1 Tarisai vanodaro Ishe kumuranda wangu John Murdock—iwe wadaidzwa kuti uende kunyika dzekumabvazuva, kubva kuimba neimba, kubva kumusha nemusha, uye kubva kuguta neguta, kuti uparidze vhangeri rangu risingaperi kuvagari vemo, mukati mekutambudzwa uye nohuipi.

2 Uye uyo anokugashira anogashira ini, uye uchawana simba rekutaura izwi rangu mukuratidza kweMweya Mutsvene wangu.

3 Uye uyo anogashira semwana mudiki, anogashira umambo hwangu; vakaropafadzwa ivavo nokuti vachawana tsitsi.

4 Uye ani zvake achakuramba acharambwa naBaba vangu nemba yake; uye uchageza tsoka dzako munzvimbo dzakahwanda dzamunofamba nadzo seuchapupu kwavari.

5 Uye tarisai, muone, ndinouya nokukurumidza kuzotonga, kupwisa vose zviito zvavo zvisiri zvehumwari nezvavakaita kwandiri ini, sekunyorwa kwazvakaitwa pamusoro pangu mukati mebhuku.

6 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hazvina kufanira kuti muende kudakara vana venyu variritirwa, uye vatumirwa zvakanaka kuna bhishopi weZioni.

7 Mushure memakore akati, kana muchida kwandiri, munogonawo kuenda kunyika yakanaka, kuti munogara nhaka yenyu;

8 Kana zvisirizvo ucharamba uchiparidza vhangeri rangu kusvika watorwa. Ameni.