Magwaro Matsvene
Misimboti yeChitendero 1


Misimboti yeChitendero
cheChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira

History of the Church, Zvinyorwa zvechina, mapeji 535–541

Chitsauko 1

1 Tinotenda muna Mwari, Baba Vokusingapere, neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, nemuneMweya Mutsvene.

2 Tinotenda kuti vanhu vacharangirwa zvitadzo zvavo pachavo, kwete pamusana pekutadza kwaAdama.

3 Tinotenda kuti kuburikidza neRudzikinuro rwaKristu, vose vanhu vangaponeswe, nokuteerera kumitemo nezvisungo zveVhangeri.

4 Tinotenda kuti misimboti yekutanga nezvisungo zveVhangeri ndeiyi: poshi, Kutenda muna Ishe Jesu Kristu; piri, Kutendeuka; tatu, Rubhabhatidzo rwekunyikwa kuitira kuregererwa zvitadzo; china, Kugadzwa kwemaoko kuitira kupihwa chipo cheMweya Mutsvene.

5 Tinotenda kuti munhu akafanira kudaidzwa naMwari, nehuporofita, nekugadzwa maoko neavo vari mumvumo yekuparidza Vhangeri nokushanda muzvisungo zvacho.

6 Tinotenda hurongwa humwechetehwo hwakanga hwuripo muChechi yeKutanga, sezvizvi, vaapositori, maporofita, vapirisita, vadzidzisi, vaparidzi, uye zvichingodaro.

7 Tinotenda muchipo chendimi, huporofita, zvakazarurwa, zviratidzo, kurapa, kududzira ndimi, uye zvichingodaro.

8 Tinotenda Bhaibheri kuti shoko raMwari kana riri rakadudzirwa nemazvo; tinotendawo kuti Bhuku raMormoni izwi raMwari.

9 Tinotenda zvose Mwari zvavakazarura, zvose zvaVarikuzarura iyezvino, uye tinotenda kuti Vachazarura zvizhinji zvikuru zvinokosha zviri maererano neUmambo hwaMwari.

10 Tinotenda mukuunganidzwa chaiko kweIsraeri nomukudzorerwa pakare kweMarudzi Gumi; kuZioni (Jerusarema Idzva) ichavakwa munyika yeAmerica; kuti Kristu achatonga iye mbune pasi pano; uye, nokuti nyika ichaitwa itsva uye igogashira kubwinya kwayo kweparadiso.

11 Tine kodzero yekunamata Samasimba Mwari maererano nezvatinonzwa mupfungwa dzedu, uye tinobvumira vose vanhu kodzero imwecheteo, regai vanamate netsika yavanoda, kwavanoda, kana chavanokwanisa.

12 Tinotenda kuve pasi pemadzimambo, vatungamiri, vatongi, nevatongi vedzimhosva, mukuteerera, kukudza, nokutsigira murau.

13 Tinotenda mukuve tinovimbika, tiri pachokwadi, takachena, tiri tinopa, takarurama, nomukuita zvakanaka kuvanhu vose; chokwadi, tingati tinotevedzera kuraira kwaPauro—Tinotenda zvinhu zvose, tinetariro pazvinhu zvose, takashingirira zvose zvinhu, uye tinovimba tichakwanisa kushingirira zvose zvinhu. Kana paine chakarurama, chiinehunhu, kana chinotaurwa zvakanaka kana chinorumbidzwa, tinozvitsvaka zvinhu izvozvo.

Joseph Smith.