Zvibatsiro Zvekudzidza
Bhuku raMormoni


Bhuku raMormoni

Rimwe remabhuku mana emagwaro matsvene rakagashirwa neChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Chidimbu chakaitwa nemuporofita wepasichigare ainzi Mormoni chezvinyorwa zvevanhu vepasi chigare veAmerica. Zvakanyorwa kuti zvipupure kuti Jesu ndiKristu. Maererano nezvinyorwa zvino, Muporofita Joseph Smith, akazvidudzira nechipo nesimba raMwari, akati: “Ndakataurira hama dzose kuti Bhuku raMormoni ndiro rakanyorwa nemazvo kupfuura mamwe mabhuku ose pano pasi, uye riri iro musimboti wechitendero chedu, uye munhu anogona kuswedera pedyo naMwari nekuteerera mirairo yacho, kupfuura rimwe bhuku ripi zvaro” (ona chisumo pakutanga kweBhuku raMormoni).

Bhuku raMormoni zvinyorwa zvekunamata kwezvikwata zvitatu zvevanhu vakabva kuNyika yaKare vachienda kumaAmerica. Zvikwata izvi zvaitungamirwa nemaporofita vainyora nhoroondo yekunamata kwavo nezvizvarwa zvavo pamanhwendefa esimbi. Bhuku raMormoni rinonyora kushanya kwaJesu Kristu kuvanhu vaive mumaAmerica mushure mekumuka kwake kuvakafa. Nguva inokwana mazana maviri emakore kusina hondo ndiyo yakatevedzana nekushanya kwaKristu.

Moronai, muporofita wekupedzisira vemaNifai ainyora zvenhoroondo yevanhu, akanama zvinyorwa zvakapfupikiswa zvevanhu ava uye akazviviga mugore ringangove 421 Kristu azvarwa. Muna 1823, Moronai akamuka kubva kuvakafa akashanyira Joseph Smith uye mushure ndokumupa zvinyorwa zvepasi chigare izvi zvinoera kuti zvidudzirwe zvigouiswa munyika seimwe testamente yaJesu Kristu.