Zvibatsiro Zvekudzidza
Zvisungo


Zvisungo

Zvirango zvinoera. Zvisungo zvine mabasa anoreva zvemweya. Zvisungo zvinogona kurevawo mirau nemhiko dzaMwari.

Zvisungo muChechi zvinosanganisa kushandira vanorwara (Jkb. 5:14–15), kuropafadza sakaramende (D&Z 20:77, 79), kubhabhatidza kwekunyudza (Mat. 3:16; D&Z 20:72–74). Kuropafadza vana (D&Z 20:70), kupa Mweya Mutsvene (D&Z 20:68; 33:15), kugadza hupirisita (D&Z 84:6–16; 107:41–52), zvisungo zveTemberi (D&Z 124:39), nemuchato muchibvumirano chitsva uye chisingaperi (D&Z 132:19–20).

Zvisungo zvinoitirwa vamwe

Chisungo chekunamata chinoitwa nemunhu mupenyu achiitira mumwe akafa. Zvisungo izvi zvinoshanda chete kana avo vaitirwa zvisungo izvi vazvibvuma, vochengeta zvibvumirano zviri maererano navo, uye vagosungwa neMweya Mutsvene weChivimbiso. Zvisungo zvakadai zvinoitwa nhasi mumatemberi.