Magwaro Matsvene
Mosesi 7


Chitsauko 7

(Zvita 1830)

Enoki anodzidzisa, anotungamira vanhu, uye anosudurudza makomo—Guta reZioni rinomiswa—Enoki anofanoona kuuya kweMwanakomana weMunhu, mupiro wake werudzikinuro, nokumuka kuvakafa kweVatendi—Anofanoona kuDzorerwa kweVhangaeri, Kuungana, Kuuya kweChipiri, nokudzoka kweZioni.

1 Uye zvakaitika kuti Enoki akaramba achitaura, achiti: Tarisai, baba wedu Adama akadzidzisa zvinhu izvi, uye vazhinhji vakatenda uye vakave vana komana vaMwari, uye vazhinji havana kutenda, uye vakafa vari muzvivi zvavo, uye varikutarisa nokutya, nokushungurudzwa nokuti kushatirwa kwakaipa kwaMwari kuchadirwa pavari.

2 Uye kubvira panguva iyoyo Enoki akatanga kuporofita, achiti kuvanhu: Pandakanga ndichifamba, uye ndimire panzvimbo inonzi Mahuja, uye ndakachema kuna Ishe, kwakauya izwi rakabva kudenga, richiti—Tendeuka, uye ukwire pagomo rinonzi Simeoni.

3 Uye zvakaitika kuti ndakatendeuka ndikakwira pagomo iroro; uye ndimire pagomo iri, ndakaona matenga achizuruka, uye ndikapfekedzwa nokubwinya;

4 Uye ndakaona Ishe; uye vakamira pamberi peuso hwangu, uye vakataura neni, kana sekutaura kunoita munhu nemumwe munhu, takatarisana; uye vakati kwandiri: Tarisa, uye tichakuratidza nyika kwenguva yezvizvarwa zvizhinji.

5 Uye zvakaitika kuti ndakaona nhika yeShumu, uye onai, vanhu vakuru vaigara mumatende, vaive vanhu veShumu.

6 Uye zvakare Ishe vakati kwandiri: Tarisa; uye ndikatarisa nechekuchamhembe, uye ndikaona vanhu veKanani, vaigara mumatende.

7 Uye Ishe vakati kwandiri: Porofita; uye ini ndikaporofita ndichiti: Tarisai vanhu veKanani, avo vakawanda, vachaenda muzvipfeko zvehondo kunorwisa vanhu veShumu, uye vachavauraya zvekuti vachabva vaparara zvachose; uye vanhu veKanani vachapatsanurana munyika imomu, uye nyika yacho ichave isinga bereki, isina michero, uye hakuna vamwe vanhu vachagaramo asi vanhu veKanani;

8 Nokuti tarisai, Ishe vachatuka nyika iyi nokupisa kwakanyanya, uye kusabereka kwayo kuchaenda narinhi; uye pakave nekusviba kwakauya pane vose vana vaKanani, zvekuti vakashorwa pakati pevanhu vose.

9 Uye zvakaitika kuti Ishe vakati kwandiri: Tarisa; uye ndikatarisa, uye ndikaona nyika yeSharoni, nenyika yaEnoki, nenyika yaOmuna, nenyika yaHeni, nenyika yaShemi, nenyika yaHana, nenyika yaHanania, nevanhu vacho vose vaigaramo;

10 Uye Ishe vakati kwandiri: Enda kuvanhu ava, uye unoti kwavari—Tendeukai, potse ndingabude ndikavarova nechituko, uye vakafa.

11 Uye akandipa murairo kuti ndibhabhatidze muzita raBaba, reMwanakomana, uyo azere nenyasha nechokwadi, nereMweya Mutsvene, uyo unopupura nezvaBaba neMwanakomana.

12 Uye zvakaitika kuti Enoki akaramba achidaidzira kuvanhu vose, kunze kwevanhu veKanani kuti vatendeuke.

13 Uye rwakanga rwakakura zvikuru rutendo rwaEnoki, zvekuti akatungamira vanhu vaMwari, uye vavengi vavo vakauya kuzorwa navo; uye akataura izwi raIshe, uye pasi pakandengendeka, uye makomo akatiza, kunyangwe zvaive maererano nokutaura kwakwe; uye hova dzemvura dzikabviswa mugwara radzo; uye kudzvova kweshumba kukanzwika kubva murenje; uye ose marudzi akatya zvikuru, rakanga rakasimba chaizvo izwi raEnoki, nerurimi rwaive nesimba urwo Mwari rwavakanga vamupa.

14 Ipapo pakabudawo nyika kubva muhudzami hwegungwa, uye vavengi vevanhu vaMwari vakave nekutya kukuru, zvekuti vakatiza vakanomira vave kure uye vakaenda panyika yakabuda muhudzami hwegungwa.

15 Uye varume vahombe vemunyika naivo, vakamira kure, uye kukaenda kutukwa kune vose vanhu vairwa naMwari;

16 Uye kubvira panguva iyoyo kwakave nehondo iyoyo nokudeuka kweropa pakati pavo; asi Ishe vakauya vakagara nevanhu vake, uye ivo vakagara mukururama.

17 Kutya Ishe kwakave pamarudzi ose, kubwinya kwaIshe kwakanga kuri kukuru, kwaive pavanhu vake. Uye Ishe vakaropafadza nyika, uye vakaropafadzwa vave mumakomo, nemunzvimbo dzakakwirira, uye vakabudirira.

18 Uye Ishe vakadaidza vanhu vavo kuti Zioni, nokuti vakanga vaine mwoyo mumwechete nepfungwa imwechete, uye vachigara muururami; uye pakanga pasina murombo pakati pavo.

19 Uye Enoki akaenderera mberi nokuparidza kwake muururami kune vanhu vaMwari. Uye zvakaitika kuti mumazuva ake akavaka guta rakadaidzwa kuti Guta reHutsvene kunyangwe Zioni.

20 Uye zvakaitika kuti Enoki akataura naIshe; uye akati kuna Ishe: Chokwadi Zioni ichagara isina chinoiwana narinhi. Asi Ishe vakati kuna Enoki: Zioni ini ndairopafadza, asi vanhu vakasara ndakavatuka.

21 Uye zvakaitika kuti Ishe vakaratidza Enoki vose vagari vepasi; uye akatarisa, uye tarisai Zioni, mukufamba kwenguva yakatorwa ikaenda kudenga. Uye Ishe vakati kuna Enoki: Tarisa nzvimbo yangu yandigere narinhi.

22 Uye Enoki akaonawo vakasara vevanhu vaive vanakomana vaAdama; uye vaive vakasangana vose vembeu yaAdama kunze kwembeu yaKaini, nokuti mbeu yaKaini vaive vatema, uye vakanga vasina nzvimbo pakati pavo.

23 Uye mushure mukunge Zioni yatorwa kudenga, Enoki akaona, uye tarisai, marudzi ose enyika aive pamberi pake;

24 Uye pakauya chizvarwa pamusoro pechizvarwa; uye Enoki aive pamusoro akasimudzwa uye kunyangwe pachipfuva chaBaba, necheMwanakomana weMunhu; uye tarisai, simba raSatani rakave pamusoro pose penyika.

25 Uye akaona ngirozi dzichidzika kubva kudenga; uye akanzwa izwi guru richiti: Nhamo, nhamo kuvagari vepasi.

26 Uye akaona Satani; uye akanga aine zingetani guru muruoko rwake, uye rwakafukidza pamusoro pose penyika nerima; uye akatarisa kumusoro uye akaseka, uye ngirozi dzake dzikafara.

27 Uye Enoki akaona ngirozi dzichidzika kubva kudenga, dzichipa uchapupu pamusoro paBaba neMwanakomana; uye Mweya Mutsvene ukawira pane vazhinji, uye vakabatwa nemasimba ekudenga vakapinzwa muZioni.

28 Uye zvakaitika kuti Mwari vedenga vakatarisa pane vakasara vevanhu, uye vakachema; uye Enoki akazvipupura, achiti: Zvinoitika sei kuti matenga acheme, uye agodonhedza misodzi yawo semvura iri kunaya mumakomo?

29 Uye Enoki akati kuna Ishe: Zvinoitika sei kuti imi mungacheme, tichiona kuti muri mutsvene, uye kubva kune kose kusingaperi kusvika kusingaperi kose.

30 Uye dai zvaiitika kuti munhu averenge mhunze dzevhu, hongu, mamirioni enyika dzakawanda akadai hakwaive kutanga kwekuverenga zvamakasika; uye micheka yenyu ichiri kutambanudzwa, uye asi imi muchiriko, nechifuva chenyu chiriko; nemiwo makarurama; imi muzere netsistsi nemwoyo chena;

31 Uye matora Zioni mukaiisa pachipfuva chenyu, kubva kune zvamakasika zvose, kubva kwose kokusingapere kusvika kwose kwekusingapere; uye pasina asi runyararo, kururamisa, uye chokwadi ndimo munzvimbo yechigaro chenyu cheumambo; uye tsitsi dzichienda pamberi penyu uye dzingasave nemagumo; zvinoitika sei kuti mungacheme?

32 Ishe vakati kuna Enoki: Tarisa ava hama dzako hunyanzvi hwemaoko angu, uye ndakavapa ruzivo rwavo, muzuva randakavasika; uye muBindu reEdeni, ndakapa munhu kuti azvisarudzire.

33 Uye kuhama dzako ndikati, uye vakapihwawo murairo kuti vanofanira kudanana, uye kuti vasarudze ini, Baba vawo; asi tarisai, havana rudo, uye vanovenga ropa ravo;

34 Uye moto wokushatirwa kwangu watungidzirwa ivo; uye mukushatirwa kwangu kunopisa ndichatumira mafashamu zhinji kwavari; nokuti kushatirwa kwangu kunotyisa kwakatungidzirwa ivo.

35 Tarisai, ndini Mwari; Murume weHutsvene ndiro zita rangu; Murume weKuraira ndiro zita rangu; uye Vasinamagumo Vokusingaperi izita ranguwo.

36 Nokudaro, ndinogona kutambanudza maoko angu uye ndikamisa kwose kusika kwandakaita; uye ziso rangu anogona kuzvibayawo, uye mukati mehunyanzvi hwemaoko angu hapana kuve nokuipa kwakanyanya sekuri mukati mehama dzako.

37 Asi tarisai, zvitadzo zvavo zvichave pamisoro yemadzibaba avo; Satani achave baba wavo, uye kusuwa kuchave kutambudzika kwavo; uye matenga ose achavachemera, kunyangwe hwose hunyanzvi hwemaoko angu; nokudaro matenga haangachemi here, nokuona kuti ava vachatambudzika?

38 Asi tarisai, ava pane maziso ako vachafa mumafashumu; uye tarisai, ndichavapfigira; ndakavagadzirira torongo.

39 Uye uyo wandakasarudza akateterera pameso pangu. Nokudaro, anotambudzikira zvitadzo zvavo; kana vari vanozotendeuka muzuva iro wangu Akasarudzwa achadzokera kwandiri, uye nemuzuva ravachange vari mukurwadziwa;

40 Nokudaro, pamusana pezvitadzo matenga achachema, hongu, nehunyanzvi hwose hwemaoko angu.

41 Uye zvakaitika kuti Ishe vakataura kuna Enoki, uye akaudza Enoki zvinhu zvose zvaiitwa nevana vevanhu; nokudaro Enoki akaziva, akatarisa kuipa kwavo, nekusuwa kwavo, uye akachema akatambanudza maoko ake, uye mwoyo wake wakatutuma zvakapamhama sekusingaperi, uye hura hwake hwakachemerera, nokusingapere kwose kukazunguzika.

42 Uye Enoki naiyewo akona Noa, nemhuri yake; kuti vana vose vevanakomana vaNoa vaifanira kuponeswa neruponeso rwenyama;

43 Nokudaro Enoki akaona kuti Noa akavaka areka; uye nokuti Ishe vakafadzwa nayo, uye vakaibata mumaoko avo; asi pane vakasara vevakaipa mafashamu akauya uye akavamedza.

44 Uye Enoki paakaona izvi, akanzwa kurwadza kwemwoyo akachema pamusana pehama dzake, uye akati kumatenga: Ndicharamba kunyaradzwa; asi Ishe vakati kuna Enoki: Simudza mwoyo wako; uye ufare; utarise.

45 Uye zvakaitika kuti Enoki akatarisa; uye kubva kuna Noa, akaona dzose mhuri dzepasi; uye akachema kuna Ishe, achiti: Zuva raIshe richauya rinhi? Ropa revakarurama richadeurwa rinhi, kuti vose avo vanochema vagogona kuti vacheneswe uye nokuwana upenyu hwokusingaperi?

46 Uye Ishe vakati: Richave mukukwana kwenguva, mumazuva ehuipi nokutsividza.

47 Uye tarisai, Enoki akaona zuva rekuuya kweMwanakomana weMunhu, kunyangwe munyama; uye mweya wake ukafara, achiti: Wakarurama asimudzwa, Gwayana rauraiwa kubva kumavambo enyika; uye kuburikidza nerutendo ndiri muchipfuva chaBaba, uye tarisai, Zioni ineni.

48 Uye zvakaitika kuti Enoki akatarisa panyika; uye akanzwa izwi richibva muhura mayo, richiti: Nhamo, nhamo kwandiri, amai vevanhu; ndarwadziwa, ndaneta pamusana pekuipa kwevana vangu. Ndichazorora riini, uye kuti ndigogezwa tsvina yose iyo yakaenda ichibva pandiri? Musiki wangu anondichenesa rinhi, kuti ndizorore, uye kuti kurururama kwechinguvana kumbogara pameso pangu?

49 Uye Enoki paakanzwa nyika ichichema, akachema, uye akachema kuna Ishe achiti: Ishe, hamungandinzwirewo tsitsi panyika here? Hamungaropafadze vana vaNoa here?

50 Uye zvakaitika kuti Enoki akaramba achichema kuna Ishe achiti: Ndinokukumbirai Ishe, muzita rewenyu Mumwechete Akaberekwa, kunyangwe Jesu Kristu, kuti muve netsitsi kuna Noa nembeu yake, kuti nyika isazozarazve nemvura zhinji.

51 Uye Ishe havaikwanisa kuramba; uye vakabvumirana naEnoki, uye vakapika kwaari nemhiko, kuti vachamisa mafashamu; kuti vaizodaidzira kuvana vaNoa;

52 Uye akatumira chiziviso chisingagone kushandurwa, kuti vakasara vembeu yake vanofanira kunge vachiwanikwa nguva dzose pakati pemarudzi ose, nyika ichakamira;

53 Uye Ishe vakati: Akaropafadzwa uyo anoti kuburikidza nembeu yake Mesia achauya; nokuti anoti—Ndini Mesia, Mambo weZioni, Dombo reDenga, iro rakapamhama sekusingapere; ani zvake anouya nepamusuwo uye akakwira nepaneni haapunzike; nokudaro, vakaropafadzwa avo vandataura nezvavo, nokuti vachauya nedzimbo dzerufaro rwusingaperi.

54 Uye zvakaitika kuti Enoki akachema kuna Ishe achiti: Kana Mwanakomana weMunhu achiuya ari munyama, nyika ichazorora here? Ndinokukumbirai, ndiratidzei zvinhu izvi.

55 Uye Ishe akati kuna Enoki: Tarisa, uye akatarisa uye akaona Mwanakomana weMunhu akasimudzwa pamuchinjikwa, mutsika yevanhu;

56 Uye akanzwa izwi guru; uye matenga akadzikatirwa; uye zvose zvisikwa zvaMwari zvakachema; uye nyika ikagomera; uye matombo akatsemuka; uye vatendi vakamuka, uye vakagadzwa korona kuruoko rwerudyi rweMwanakomana weMunhu, nengundu dzekubwinya;

57 Uye sekuwanda kwemweya yose yakange iri mutirongo yakamuka, uye yakabuda ikamira kuruoko rwerudyi rwaMwari; uye vakasara vakasiiwa vari mungetani dzerima kusvika zuva guru rekutongwa.

58 Uye zvakare Enoki akachema uye akadaidzira kuna Ishe achiti: Nyika ichazorora rinhi?

59 Uye Enoki akaona Mwanakomana weMunhu achikwira kumusoro kuna Baba; uye akadaidza kuna Ishe achiti: Hamuchazouya zvakare panyika here? Nokuti kana muri Mwari, uye ini ndinokuzivai, uye imi makapika kwandiri, uye mukanditaurira kuti ndinofanira kukumbira muzita rewenyu Mumwechete Akaberekwa; makandisika, uye mukandipa ini mvumo kuchigaro chenyu, uye kwete yangu ini, asi kuburikidza nenyasha dzenyu; nokudaro, ndinobvunza kwamuri kuti hamuchauya zvakare here panyika.

60 Uye Ishe vakati kuna Enoki: Sekuve mupenyu kwandiri, kunyangwe saizvozvo ndichauya mumazuva ekupedzisira, mumazuva ekuipa nekutsividza, kuzadzikisa mhiko iyo yandakaita kwauri maererano nevana vaNoa;

61 Uye zuva richauya rekuti nyika ichazorora, asi risati rasvika, matenga achaitwa matema, uye chidzitiro cherima chichafugidza nyika; uye matenga achazunguzuka, uye kana nenyika; uye kutambudzika kukuru kuchavepo pakati pevana vevanhu, asi vanhu vangu ndichavachengetedza;

62 Uye ndichatumira kururama pasi kubva kudenga; uye chokwadi ndichatumira kubva munyika, kuzopupura pamusoro pewangu Mumwechete Akaberekwa; kumuka kwake kuvakafa; hongu, nokumukawo kuvakafa kwevose vanhu; uye kururama nechokwadi ndichaita kuti kutsvaire nyika kuita semafashamu, kuti ndiunganidze vakasarudzwa vangu kubva kumativi mana epasi vachienda kunzvimbo yandichagadzira, Guta Dzvene, kuti vanhu vangu vagosunga zviuno zvavo, uye vachitarisira nguva yekuuya kwangu; nokuti ndipo pachave netabernakeri iyo ichadaidzwa kuti Zioni, Jerusarema Idzva.

63 Uye Ishe vakati kuna Enoki: Zvino ndipo iwe neguta rako rose pauchasangana navo, uye isu tichivagashira muzvipfuva zvedu, uye ivo vachitiona; uye tichawira pamitsipa yavo, uye ivo vachawira pamitsipa yedu, uye tichatsvodana;

64 Uye ipapo ndipo pachave nemusha wangu, uye uchave Zioni, iyo ichabva muzvisikwa zvose zvandakaita; uye kwenguva inoita chiuru chemakore nyika ichazorora.

65 Uye zvakaitika kuti Enoki akaona zuva rekuuya kweMwanakomana weMunhu, mumazuva ekupedzisira, kuzogara pano pasi mukururama kwenguva inoita chiuru chemakore;

66 Asi iroro risati rasvika akaona kutambudzika kukuru pakati pevakaipa; uye akaonawo gungwa, kuti riri kutambudzika, uye mwoyo yevanhu ichikundikana, vachitarisira nokutya kutonga kwaSamasimba Mwari, uko kuchauya kune vakaipa.

67 Uye Ishe vakaratidza Enoki zvose zvinhu, kunyangwe kusvika kumagumo enyika; uye akaona zuva revakarurama, nguva yekununurwa kwavo, uye nokugashira kuzara kwerufaro;

68 Uye ose mazuva eZioni, mumazuva aEnoki, aive mazana matatu uye ane makumi matanhatu nemashanu emakore.

69 Uye Enoki nevanhu vake vose vakafamba naMwari, uye akanga achigara pakati peZioni; uye zvakaitika kuti Zioni yakange isiri, nokuti Mwari vakaigashira muchipfuva chavo; uye kubvira ipapo pakafamba izwi raiti Zioni Yatiza.