Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 33


Chikamu 33

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Ezra Thayre naNorthrop Sweet, paFayette, New York, Gumiguru 1830 (History of the Church, 1:126–127). Mukunyora zvakazarurwa izvi, Muporofita akatsinhira kuti “Ishe vanogara vakagadzirira kudzidzisa avo vanotsvaka nesimba murutendo” (History of the Church, 1:126).

1–4, Vashandi vanodaidzwa kuti vaparidze vhangeri munguva yekupedzisira; 5–6, Chechi rinomiswa, uye avo vakasarudzwa vachaunganidzwa; 7–10, Tendeukai, nokuti umambo hwekudenga hwave pedyo; 11–15, Chechi rinovakwa padombo revhangeri; 16–18, Gadzirirai kuuya kweChikomba.

1 Tarisai, ndinoti kwamuri, varanda vangu Ezra naNorthrop, vhurai nzeve dzenyu uye muteerere kuizwi raIshe Mwari venyu, uyo aaneshoko benyu rizere nesimba, rinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, nekupatsanura nhengo nemwongo, munhu nemweya; uye muoni wepfungwa bnezvinangwa zvemwoyo.

2 Nokuti zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri makadaidzwa kuti musimudzire mazwi enyu aseruzha rwehwamanda, kuti mutaure vhangeri rangu kuchizvarwa chakakombama uye chakatsauka.

3 Nokuti tarisai, amunda wachena wave kuda kukohwewa; uye yave nguva byekupedzisira, uye ndiyo nguva yandichadaidza vashandi ckekupedzisira, mumunda wemizambiringa yangu.

4 Uye munda awemizambiringa braoreswa rose zvaro; uye hapana kana mumwechete ari kuita czvakanaka kunze kwevashoma-shoma; uye dvanokanganisa nguva zhinji pamusana epehupirisita hwenhema, vose vaine pfungwa dzakaora.

5 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri kuti achechi ino bndakarimisa uye ndikaridaidza kubva murenje.

6 Uye kunyangwe saizvozvo andichaunganidza vakasarudzwa vangu kubva kumativi bmana enyika, kunyangwe vose vazhinji vanotenda mandiri, uye vachiteerera kuizwi rangu.

7 Hongu, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, munda wachena wave kuda kukohwewa; nokudaro pinzai majeko enyu, uye mukohwe nekugwinya kwenyu kwose, nepfungwa, uye nesimba.

8 aVhurai miromo yenyu uye ichazadzwa, uye muchave kunyangwe bsaNifai wakare, uyo akafamba kubva Jerusarema murenje.

9 Hongu, vhurai miromo yenyu, uye musazorega, muchatakudzwa amasvinga pamisana yenyu, nokuti tarisai, ini ndinemi.

10 Hongu, vhurai miromo yenyu uye ichazadzwa, muchiti; Tendeukai, atendeukai, uye mugadzirire imi nzira yaIshe, uye mutwasanudze nzira dzavo; nokuti umambo hwekudenga hwave pedyo;

11 Hongu, tendeukai uye amugobhabhatidzwa, mumwe nemumwe wenyu, kuti muregererwe zvitadzo zvenyu; hongu, bhabhatidzwai kunyangwe nemvura, uye kozouya rubhabhatidzo rwemoto nerweMweya Mutsvene.

12 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, iri aivhangeri rangu; uye rangarirai kuti vachave nerutendo mandiri kana kuti havazokwanisa zvachose kuponeswa;

13 Uye apadombo iri ndichavaka chechi yangu; hongu, padombo iri makavakwa, uye mukaramba makadaro, bmasuwo egehena haangakukundei.

14 Uye mucharangarira amisimboti yechechi nezvibvumirano kuti muzvichengete.

15 Ani zvake ane rutendo amuchamusimbisa muchechi yangu, nekumugadza bmaoko, uye ndichaisa cchipo cheMweya Mutsvene paari.

16 Uye Bhuku raMormoni uye anemagwaro matsvene anopihwa neni kuti bmurairwe; nesimba reMweya wangu crinotunha zvinhu zvose.

17 Nokudaro, ivai makatendeka, muchinamata nguva dzose, muine mwenje yenyu izere uye ichibvira, uye muine mafuta kuti muve makagadzirira pakuuya akweChikomba.

18 Nokuti tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kuti andinouya nokukurumidza. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.