Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 11


Chikamu 11

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuna Joseph Smith Muporofita kumukoma wake Hyrum Smith, paHarmony, Pennsylvania, Chivabvu 1829 (History of the Church, 1:39–46). Chakazarurwa ichi chakatambirwa kuburikidza neUrimi neTumimi semhinduro yekukumbira nekubvunza kwaJoseph. History of the Church inoti chakazarurwa ichi chakatambirwa mushure mekudzorerwazve kweHupirisita hwaAroni.

1–6, Vashandi vemumunda wemizambiringa vachawana ruponeso; 7–14, Tsvagai huzivi, daidzirai kutendeuka, vimbai muMweya; 15–22, Chengetai mirairo, uye mudzidze shoko raIshe; 23–27, Musarambe mweya wezvakazarurwa newehuporofita; 28–30, Avo vanotambira Kristu vanove vanakomana vaMwari.

1 Basa guru uye rinoshamisa rave kuda kuuya pakati pevana vevanhu.

2 Tarisai, ndini Mwari; teererai kushoko rangu, iro rinokurumidza uye rakasimba, rinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, mukupatsanura nepakati zvose nhengo nemwongo; naizvozvo teererai kumashoko angu.

3 Tarisai, munda wachena wamirira kukohwewa; naizvozvo uyo anoda kukohwa, ngaaise jeko rake nesimba rake, uye akohwe zuva richiripo, kuti agochengetera mweya wake ruponeso rwusingaperi muumambo hwaMwari.

4 Hongu, ani zvake achaisa jeko rake uye agokohwa, iyeyo akadaidzwa naMwari.

5 Nokudaro, kana mukakumbira kwandiri muchagashira; kana mukagogodza richazarurirwa kwamuri.

6 Zvino sezvo wakumbira, tarisai, ndinoti kwauri; chengeta mirairo yangu, uye mutsvake kuunza nokumisa chinangwa cheZioni.

7 Usatsvake upfumi asi ungwaru; uye tarisai, zvakavandika zvaMwari zvichapetenurirwa kwamuri, uye ipapo ndipo pamuchaitwa vapfumi. Tarisai uyo ane upenyu hwokusingaperi akapfuma.

8 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, chero zvaunoda kwandiri izvozvo zvichave saizvozvo kwauri; uye, kana uchida, uchave nzira yekuita zvakanaka zvakawanda muchizvarwa chino.

9 Usataure chimwe chinhu kunze kwekutendeuka kuchizvarwa chino. Chengeta mirairo yangu, uye uyamure kuunza basa rangu, maererano nemirairo yangu, uye iwe ucharopafadzwa.

10 Tarisai, une chipo, kana kuti uchawana chipo kana ukave unochida kwandiri murutendo, nemwoyo wakatendeka, uchidaira musimba raJesu Kristu, kana musimba rangu iro rinotaura kwauri;

11 Nokuti, tarisai, ndini ndirikutaura; tarisai, ndini chiedza chinopenya murima, uye nesimba rangu ndinopa mazwi aya kwauri.

12 Uye zvino, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, isa ruvimbo rwako muMweya uyo unotungamirira mukuita zvakanaka—hongu, kuita zvakarurama, kufamba wakazvininipisa, kutonga zvakarurama; uye uyu ndiwo Mweya wangu.

13 Zvirokwazvo, Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, ndichapa kwauri Mweya wangu, uyo uchajekesa pfungwa dzako, izvo zvichazadza mweya wako mufaro:

14 Uye ndipo pauchaziva, kana kuti nezvizvi uchaziva, zvose zvinhu zvipi zvazvo zvaunoda nezvangu, zviri maererano nezvinhu zvekururama, murutendo uchidaira mandiri kuti uchagashira.

15 Tarisai, ndinokuraira kuti haufanire kufungidzira kuti wakadaidzwa kuti uparidze kudakara wadaidzwa.

16 Mira kwenguva yakareba zvishoma, kudakara wawana izwi rangu, dombo rangu, chechi yangu, nevhangeri rangu, kuti uzive zvechokwadi dzidziso yangu.

17 Uye zvino tarisai, maererano nezvaunoda, hongu, kunyangwe maererano nerutendo rwako zvichaitwa kwauri.

18 Chengeta mirairo yangu; nyarara; kumbira kuMweya wangu;

19 Hongu, namatira pandiri nemwoyo wako wose, kuti uyamure mukuunza kuchiedza zvinhu izvo zvakataurwa nezvazvo—hongu, kududzirwa kwebasa rangu; iva nemwoyo murefu kudakara wazvipedza.

20 Tarisai, iri ndiro basa rako, kuchengeta mirairo yangu, hongu, nekugwinya kwako kwose, nepfungwa nesimba.

21 Usatsvake kuparidza izwi rangu, asi chekutanga tsvaka kuwana izwi rangu, uye zvino rurimi rwako rwuchasunungurwa; zvino, kana uchida, uchave neMweya wangu nezwi rangu, hongu, simba raMwari mukupwisa vanhu.

22 Asi iye zvino nyarara; dzidza izwi rangu iro raenda mukati mevana vevanhu, uye zvakare dzidza izwi rangu iro richauya mukati mevana vevanhu, kana iro ririkududzirwa iye zvino, hongu, kudakara wawana zvose zvandichapa kuvana vevanhu muchizvarwa chino, uye ndipo pachapamhidzirwa zvinhu zvose.

23 Tarisai, ndiwe Hyrum, mwanakomana wangu; tsvaka umambo hwaMwari, uye zvose zvinhu zvichapamhidzirwa maererano nechecho chakanaka.

24 Vaka pamusoro pedombo rangu, rinove ndiro vhangeri rangu;

25 Usarambe mweya wezvakazarurwa, kana mweya wehuporofita, nokuti nhamo kwaari uyo anoramba zvinhu izvi;

26 Nokudaro, rongedzera mumwoyo mako kudakara nguva iri muungwaru hwangu yekuti uzoenda.

27 Tarisai, ndinotaura kune vose vanoda zvakanaka, uye avo vakaisa majeko avo kuti vakohwe.

28 Tarisai, ndini Jesu Kristu, Mwanakonama waMwari. Ndini upenyu nechiedza chenyika.

29 Ndini mumwecheteyo akauya kune vekwangu uye vekwangu vakasanditambira;

30 Asi zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, vazhinji vachanditambira, kwavari ndichavapa simba kuti vave vanakomana vaMwari, kunyangwe kune avo vanotenda muzita rangu. Ameni.