Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 110


Chikamu 110

Zviratidzo zvakaoneswa kuna Joseph Smith Muporofita, naOliver Cowdery mutemberi paKirtland, Ohio, 3 Kubvumbi 1836 (History of the Church, 2:435–436). Chiitiko chacho chaive zuva remuchechi weSabata. Muporofita anonyora zvakaitika achitanga nemazwi aya: Mumasikati, ndakayamura vamwe Vatungamiri nokupa kudya kwemanheru kwaIshe kuChechi, ndichikutambira kubva kune vaneGumi neVaviri, avo vakanga vakaropafadzwa kuti vatungamire vari pachigaro chinoyera pazuva iri. Ndapedza kuitira hama dzangu basa iri, ndakaenda panzvimbo pakakwirira, zvidzitiro zvakanga zviripo zvakanga zvadzikiswa, uye ndikakotama naOliver Cowdery mumunamato wakakosha, usinganzwike. Mushure mekunge ndasimuka kubva makunamata, chiratidzo chinotevera ichi chakazururirwa kwatiri tose (History of the Church, 2:435).

1–10, Ishe Jehova vanoonekwa vari mukubwinya uye vanogashira temberi yeKirtland semba yavo; 11–12, Mosesi naEria vose vanoonekwa uye ndokugamuchidza makiyi enguva dzavo; 13–16, Erija anodzoka obva apa kiyi dzemukuwo wake sekuvimbiswa kwazvakaitwa naMaraki.

1 Chidzitiro chakatorwa kubva mupfungwa dzedu, uye maziso ekunzwisisa kwedu akabva azuruka.

2 Takaona Ishe vamire pamberi paaritari, pamberi pedu, uye pasi petsoka dzake pakarovererwa chiumbwa chegoridhe chairo riine ruvara rwutsvuku.

3 Maziso avo aiita serimi remoto, vhudzi remusoro mavo rakachena sechando chaicho; chiso chavo chaipenya kupfuura kupenya kwezuva; uye izwi ravo rainge richiita semvura zhinji iri kuyerera, kana izwi raJehova, richiti:

4 Ndini wekutanga newekupedzisira; Ndini iye mupenyu, Ndini iye akauraiwa; Ndini murevereri wenyu kuna Baba.

5 Tarisai zvitadzo zvenyu mazviregererwa; makachena pamberi pangu; nokudaro, simudzai misoro yenyu mufare.

6 Mwoyo yehama dzenyu ngaifare, uye mwoyo yevanhu vangu vose ngaifare, avo vavaka nesimba ravo, imba ino kuzita rangu.

7 Nokuti tarisai, ndatambira imba ino uye zita rangu richave muno; uye ini ndichazviratidza kuvanhu vangu mutsitsi mumba ino.

8 Hongu, ndichazviratidza kuvaranda vangu, uye ndichataura kwavari nezwi rangu, kana vanhu vangu vakachengeta mirairo yangu, uye vakasasvibisa imba ino tsvene.

9 Hongu, mwoyo yezviuru uye nemakumi ezviuru ichafara zvikuru pamusana pemaropafadzo achadirwa, neendawumenti dzapihwa varanda vangu mumba ino.

10 Uye nembiri yemba ino ichasvika kunyika dzevatorwa; uye uku ndikokutanga kwemaropafadzo achadirwa pamisoro yevanhu vangu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

11 Mushure mekuzarirwa kwechiratidzo ichi, matenga akazarurirwa isu zvakare; uye Mosesi akauya pamberi pedu, uye akatipa kiyi dzekuunganidza Israeri kubva kumativi mana epasi, uye nedzekutungamira marudzi gumi kubva kunyika yekuchamhembe.

12 Mushure meizvi, Eria akaoneka, uye akapa mukuwo wevhangeri raAbrahama, achiti matiri nemumbeu yedu zvose zvizvarwa mushure medu zvinofanira kuropafadzwa.

13 Mushure mekunge chiratidzo ichi chavharwa, chimwe chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakasvika patiri; nokuti Erija muporofita, uyo akatorwa kuenda kudenga asina kumboraira rufu, akamira pamberi pedu akati;

14 Tarisai, nguva yasvika izere, iyo yakataurwa nemuromo waMaraki—achipupura kuti iye Erija achatumwa zuva guru rinotyisa raIshe risati rauya—

15 Kutendeutsira mwoyo yaanababa kuvana, uye yevana kunanababa, nokuti pasi rose ringarohwe neshura—

16 Nokudaro, kiyi dzenguva ino dzapihwa mumaoko enyu; uye naizvozvi mungazive kuti zuva guru rinotyisa raIshe rave pedyo, kunyangwe pamisiwo chaipo.