Zvibatsiro Zvekudzidza
Kiyi dzeHupirisita


Kiyi dzeHupirisita

Makiyi ikodzero dzehutungamiri, kana simba rinopihwa kumunhu naMwari kuti aratidze, abate, uye atonge hupirisita hwaMwari pano pasi. Vabati veHupirisita vanodaidzwa munzvimbo dzehutungamiri vanotambira makiyi kubva kune avo vane mvumo pamusoro pavo. Vane hupirisita vanoshandisa hupirisita chete mukati memiganho yakatarwa neavo vakabata kiyi. Mutungamiri weChechi anobata kiyi dzose dzehupirisita (D&Z 107:65–67, 91-92; 132:7).