Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 31


Chikamu 31

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, kuna Thomas B. Marsh, Gunyana 1830 (History of the Church, 1:115–117). Chitiiko chainge chichangotevedza gungano reChechi (ona musoro wenyaya muchikamu 30). Thomas B. Marsh akange abhabhatidzwa mukutanga kwemwedzi akange agadzwa sagosa muChechi zvakazarurwa zvino zvisati zvapihwa.

1–6, Thomas B. Marsh anodaidzwa kuti aparidze vhangeri anovimbiswa pamusoro pekuchengeteka kwemhuri yake; 7–13, Anorairwa kuti avenomwoyo murefu, anamate nguva dzose, uye atevere Mweya Munyaradzi.

1 Thomas, mwanakomana wangu, iwe wakaropafadzwa pamusana perutendo rwako mubasa rangu.

2 Tarisai, wakawana matambudziko mazhinji pamusana pemhuri yako; zvisinei, ndichakuropafadza iwe nemhuri yako, hongu, vadiki vako; uye zuva ririkuuya iro kuti vachatenda nokuziva chokwadi nekuve pamwechete newe muchechi yangu.

3 Simudza mwoyo wako ufare, nokuti nguva yebasa rako yasvika; nerurimi rwako rwuchasunungurwa, ugoparidza mashoko erufaro rukuru kuchizvarwa chino.

4 Uchataura zvinhu zvakaratidzwa kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana. Uchatanga kuparidza kubvira pane ino nguva zvichienda mberi, hongu, kukohwa mumunda wachena kare wave kuda kupiswa.

5 Nokudaro, isa jeko rako nemwoyo wako wose, uye zvitadzo zvako wazviregererwa, uye uchatakudzwa masvinga kumusana kwako, nokuti mushandi akakodzera mubairo wake. Naizvozvo mhuri yako ichararama.

6 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwauri, ibva kwavari kwenguva diki, utaure izwi rangu, ndichavagadzirira nzvimbo yavo.

7 Hongu, ndichazarura mwoyo yevanhu, naivo vachakutambira. Ndichamisa chechi neruoko rwako;

8 Uchavasimbisa uye ugovagadzirira kuitira nguva yavachaunganidzwa.

9 Ita mwoyo murefu mumatambudziko ako, usazvidze avo vanozvidza. Tonga imba yako muhunyoro, uye urambe wakasimba.

10 Tarisai, ndinoti kwauri uchave chiremba kuchechi, asi kwete kunyika, nokuti havakutambire.

11 Enda nzira yako ipi zvayo yandinenge ndada, uye zvichapihwa kwauri neMweya Munyaradzi zvauchafanira kuita nekwauchaenda.

12 Namata nguva dzose, potse ungangopinda mukuyedzwa uye ugozorasikirwa nemubairo wako.

13 Iva wakatendeka kusvika kumagumo, uye tarisa, ini ndinewe. Aya haasi mazwi emunhu kana evanhu, asi ndeangu, kunyangwe Jesu Kristu, Mununuri wako, nekuda kwaBaba. Ameni.