Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 33


Chikamu 33

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Ezra Thayre naNorthrop Sweet, paFayette, New York, Gumiguru 1830 (History of the Church, 1:126–127). Mukunyora zvakazarurwa izvi, Muporofita akatsinhira kuti “Ishe vanogara vakagadzirira kudzidzisa avo vanotsvaka nesimba murutendo” (History of the Church, 1:126).

1–4, Vashandi vanodaidzwa kuti vaparidze vhangeri munguva yekupedzisira; 5–6, Chechi rinomiswa, uye avo vakasarudzwa vachaunganidzwa; 7–10, Tendeukai, nokuti umambo hwekudenga hwave pedyo; 11–15, Chechi rinovakwa padombo revhangeri; 16–18, Gadzirirai kuuya kweChikomba.

1 Tarisai, ndinoti kwamuri, varanda vangu Ezra naNorthrop, vhurai nzeve dzenyu uye muteerere kuizwi raIshe Mwari venyu, uyo aneshoko benyu rizere nesimba, rinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, nekupatsanura nhengo nemwongo, munhu nemweya; uye muoni wepfungwa nezvinangwa zvemwoyo.

2 Nokuti zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri makadaidzwa kuti musimudzire mazwi enyu seruzha rwehwamanda, kuti mutaure vhangeri rangu kuchizvarwa chakakombama uye chakatsauka.

3 Nokuti tarisai, munda wachena wave kuda kukohwewa; uye yave nguva yekupedzisira, uye ndiyo nguva yandichadaidza vashandi kekupedzisira, mumunda wemizambiringa yangu.

4 Uye munda wemizambiringa raoreswa rose zvaro; uye hapana kana mumwechete ari kuita zvakanaka kunze kwevashoma-shoma; uye vanokanganisa nguva zhinji pamusana pehupirisita hwenhema, vose vaine pfungwa dzakaora.

5 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri kuti chechi ino ndakarimisa uye ndikaridaidza kubva murenje.

6 Uye kunyangwe saizvozvo ndichaunganidza vakasarudzwa vangu kubva kumativi mana enyika, kunyangwe vose vazhinji vanotenda mandiri, uye vachiteerera kuizwi rangu.

7 Hongu, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, munda wachena wave kuda kukohwewa; nokudaro pinzai majeko enyu, uye mukohwe nekugwinya kwenyu kwose, nepfungwa, uye nesimba.

8 Vhurai miromo yenyu uye ichazadzwa, uye muchave kunyangwe saNifai wakare, uyo akafamba kubva Jerusarema murenje.

9 Hongu, vhurai miromo yenyu, uye musazorega, muchatakudzwa masvinga pamisana yenyu, nokuti tarisai, ini ndinemi.

10 Hongu, vhurai miromo yenyu uye ichazadzwa, muchiti; Tendeukai, tendeukai, uye mugadzirire imi nzira yaIshe, uye mutwasanudze nzira dzavo; nokuti umambo hwekudenga hwave pedyo;

11 Hongu, tendeukai uye mugobhabhatidzwa, mumwe nemumwe wenyu, kuti muregererwe zvitadzo zvenyu; hongu, bhabhatidzwai kunyangwe nemvura, uye kozouya rubhabhatidzo rwemoto nerweMweya Mutsvene.

12 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, iri ivhangeri rangu; uye rangarirai kuti vachave nerutendo mandiri kana kuti havazokwanisa zvachose kuponeswa;

13 Uye padombo iri ndichavaka chechi yangu; hongu, padombo iri makavakwa, uye mukaramba makadaro, masuwo egehena haangakukundei.

14 Uye mucharangarira misimboti yechechi nezvibvumirano kuti muzvichengete.

15 Ani zvake ane rutendo muchamusimbisa muchechi yangu, nekumugadza maoko, uye ndichaisa chipo cheMweya Mutsvene paari.

16 Uye Bhuku raMormoni uye nemagwaro matsvene anopihwa neni kuti murairwe; nesimba reMweya wangu rinotunha zvinhu zvose.

17 Nokudaro, ivai makatendeka, muchinamata nguva dzose, muine mwenje yenyu izere uye ichibvira, uye muine mafuta kuti muve makagadzirira pakuuya kweChikomba.

18 Nokuti tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kuti ndinouya nokukurumidza. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.