Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 34


Chikamu 34

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Orson Pratt, paFayette, New York, 4 Mbudzi 1830 (History of the Church, 1:127–128). Hama Pratt aive nemakore gumi nemapfumbamwe ekuzvarwa, panguva iyoyo. Akanga akapindutswa uye akabhabhatidzwa paakatanga kunzwa kuparidzwa kwevhangeri rakadzorerwa nemukoma wake Parley P. Pratt masvondo matanhatu akanga apfuura. Chakazarurwa ichi chakagashirirwa mumba maPeter Whitmer, Baba.

1–4, Vanotendeuka vanove vanakomana vaMwari kuburikidza neRudzikiniro; 5–9, Kuparidzwa kwevhangeri kunofanogadzira nzira yeKuuya kweChipiri; 10–12, Kuporofita kunouya nesimba reMweya Mutsvene.

1 Mwanakomana wangu Orson, teerera uye unzwe uye uone izvo ini Ishe Mwari zvandichataura kwauri, kunyangwe Jesu Kristu Mununuri wako;

2 Chiedza neupenyu hwenyika, chiedza chinopenya murima uye rima harichinzwisise;

3 Uyo akada nyika zvekuti akapira upenyu hwake, kuti vazhinji vachatenda vangazove vanakomana vaMwari. Nokudaro iwe uri mwanakomana wangu;

4 Uye iwe wakaropafadzwa pamusana pekuti wakadaira;

5 Uye iwe wakaropafadzwa zvakare nokuti wakadaidzwa neni kuti uparidze vhangeri rangu—

6 Kuti usimudze izwi rako neruzha serwe hwamanda, zvose kwenguva refu uye nokudaidzira, uye ugodaidzira kutendeuka kuchizvarwa chakakombama chakarasika, mukugadzirira nzira yaIshe yekuuya kwavo kwechipiri.

7 Nokuti tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, nguva zvino yavepedyo yekuti ndichiuya ndiri mugore nesimba nokubwinya kukuru.

8 Uye richave zuva guru panguva yekuuya kwangu nokuti marudzi ose achadedera.

9 Asi risati rauya zuva guru iroro, zuva richadzimwa, uye mwedzi wosandurwa kuve ropa; nenyenyedzi dzicharamba kupenya kwadzo, nedzimwe dzichadonha, nekuparadzwa kukuru kwakamirira vakaipa.

10 Nokudaro, simudza izwi rako uye usanyarare, nokuti Ishe Mwari vataura; naizvozvo porofita, uye zvichapihwa nesimba reMweya Mutsvene.

11 Uye kana wakatendeka, tarisai, ndinewe kudakara ndauya—

12 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, ndinouya nokukurumidza. Ndini Ishe vako neMununuri wako. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.