Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 38


Chikamu 38

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith, Muporofita, paFayette, New York, musi wa2 Ndira 1831 (History of the Church, 1:140–143). Raive zuva regungano reChechi.

1–6, Kristu akasika zvose zvinhu; 7–8, Ari pakati peVatendi vake, avo vachamuona zvinozvino; 9–12, Yose nyama yakaora pamberi pake; 13–22, Akachengeta nyika yechipikirwa kuitira Vatendi vake munguva ino nokusingaperi; 23–27, Vatendi vanorairwa kuti vave vamwe uye varemekedzane sehama; 28–29, Hondo dzichauya dzinofanotaurwa; 30–33, Vatendi vachapihwa simba kubva kumusoro uye nokuti vaende pakati pemarudzi ose; 34–42, Chechi rinorairwa kuti richengete varombo nevanoshaya uye nokutsvaka upfumi hwokusingaperi.

1 Uku ndiko kutaura kunoita Ishe Mwari vako, kunyangwe Jesu Kristu, Mukuru Ndini Arfa naOmega, kutanga nekupedzisira, mumwecheteyo akatarisa hupamhi hwekusingaperi nehondo yose yeserafimu dzekudenga, nyika isati yaitwa;

2 Mumwecheteyo anoziva zvinhu zvose, nokuti zvose zvinhu zviri pamberi pemaziso angu;

3 Ndini mumwechete akataura, uye nyika; ikabva yaitwa, uye zvose zvinhu zvakauya kuburikidza neni.

4 Ndini mumwecheteyo akatora Zioni yaEnoki muchipfuva changu; uye zvirokwazvo ndinoti; kunyangwe avo vose vakatenda, muzita rangu nokuti ndini Kristu uye pamusana peropa, randakadeura, ndakavakumbirira kuna Baba.

5 Asi tarisai, vakasarira vevakaipa ndakavachengeta mumangetani erima kudakara kutongwa kwezuva guru, uko kuchauya mukuguma kwenyika.

6 Uye naizvozvo ndichaita kuti vakaipa vachengetwe mumangetani erima, avo vasingade kunzwa izwi rangu asi vanoomesa mwoyo yavo uye nhamo, nhamo, nhamo, ndiko kuparadzwa kwavo.

7 Asi tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri maziso angu ari pamuri. Ndiri pakati penyu uye imi hamukwanise kundiona;

8 Asi zuva ririkusvika zvino rekuti muzondiona, uye mugoziva kuti Ndini; nokuti chidzitiro cherima iye zvino chave kuzotsemurwa, uye uyo asina kucheneswa haangararame zuva iro.

9 Nokudaro, sungirai nguwo dzenyu muchiuno uye mugadzirire. Tarisai, umambo ndehwenyu, uye muvengi haazokunda.

10 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, makachena, asi kwete mose; uye hakuna mumwezve uyo anondifadza chaizvo;

11 Nokuti yose nyama yakaora pamberi pangu; uye masimba erima anotonga nyika, pakati pevana vevanhu pamberi pemhondo yose yedenga—

12 Izvo zvinokonzera kuti kunyarara kutonge, uye kusingaperi kose kunorwadziwa uye ngirozi dzakamirira murairo mukuru wekukohwa pano pasi kuunganidza sawi kuti ripiswe; uye tarisai, muvengi abatana,

13 Uye iyezvino ndinoratidza kwamuri zvakavanzika, chinhu chiri munzvimbo dzakavanzika, kuunza kunyangwe kuparadzwa kwenyu nekufamba kwenguva, uye makanga musingazvizive;

14 Asi zvino ndinozvitaura kwamuri, uye imi makaropafadzwa, kwete pamusana pekuipa kwenyu, kana kusatenda kwemwoyo yenyu; nokuti zvirokwazvo vamwe venyu vane mhosva pamberi pangu, asi ndichaitira tsitsi kusasimba kwenyu.

15 Naizvozvo, ivai makasimba kubvira zvino; musatye, nokuti umambo ndehwenyu.

16 Uye kuruponeso rwenyu ndinopa kwamuri murairo, nokuti ndakanzwa minamato yenyu, uye varombo vakanyunyuta pamberi pangu uye vapfumi ndakavasika, uye yose nyama ndeyangu, uye ini handina munhu wandinokudza.

17 Uye ndakaita kuti nyika ipfume, uye tarisai chituru chetsoka dzangu, nokudaro, zvakare ndichamira pamusoro payo.

18 Uye ndinotambanudza maoko angu nokuzvideredza kuti ndikupei upfumi hukuru, kunyangwe nenyika yechipikirwa, nyika iri kuyerera nemukaka nehuchi, pamusoro payo pasingazove nokutukwa apo Ishe pavanouya;

19 Uye ndichaipa kwamuri senyika yenhaka yenyu, kana mukaitsvaka nemwoyo wenyu wose.

20 Uye ichi ndicho chichave chibvumirano changu nemi muchaiwana senyika yenhaka yenyu, uye nenhaka yevana venyu nariini, apo nyika ichakamira, uye muchaiwana zvakare mukusingaperi, isingazopfuura.

21 Asi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri nenguva muchashaya mambo kana mutongi, nokuti ndichave mambo wenyu uye ndichikutarisai.

22 Nokudaro, inzwai izwi rangu munditevere, uye munozove vanhu vakasununguka, uye muchange musina mimwe mitemo asi mitemo yangu pandinouya, nokuti ndini mupi wemutemo wenyu, uye chii chingatadzise ruoko rwangu?

23 Asi, zvirokwavo ndinoti kwamuri, dzidzisanai maererano nechinzvimbo chandakakupai;

24 Uye regai wose munhu akudze hama yake sezvaanozviita iye pachake, uye ateedze hunhu nehutsvene pamberi pangu.

25 Uye zvakare, ndinoti kwamuri regai wose munhu akudze hama yake sezvaanozviita uye pachake.

26 Nokuti ndiani munhu pakati penyu aine vanakomana gumi nevaviri, asina tsvete pakati pavo, uye vachimushandira nokuteerera, uye oti kune mumwe wavo: Iva unoshonga nguwo uye ugare pano; uye oti kune mumwe: Pfeka mamvemwe uye ugare uko—uye otarisa vanakomana vake ozviti ndinoenzanisa?

27 Tarisai, izvi ndazvipa kwamuri semufananidzo, uye zvakaita kunyangwe sezvandiri. Ndinoti kwamuri ivai vamwechete; uye kana musiri vamwechete hamusi vangu.

28 Uye zvakare, ndinoti kwamuri muvengi ari munzvimbo dzakavandika ari kutsvaka upenyu hwenyu.

29 Munonzwa nezvehondo munyika dziri kure, uye imi moti kuchave nehondo huru kunyika dziri kure, asi hamuzive mwoyo yevanhu vari munyika menyu.

30 Ndinokutaurirai zvinhu izvi pamusana peminamato yenyu; nokudaro pfimbikai ungwaru muzvipfuva zvenyu, kuitira kuti huipi hwevanhu hukazoburitsa zvinhu izvi kwamuri kuburikidza nehuipi hwavo nenzira ichataura munzeve dzenyu nezwi guru kupfuura iro richazunguza nyika; asi kana makagadzirira hamuzotya.

31 Uye kuti mupunyuke musimba remuvengi, uye mugounganidzwa kwandiri muri vanhu vakarurama, musina kavara uye musina mhosva—

32 Nokudaro, nechikonzero ichi ndakakupai murairo kuti muende kuOhio; uye ikoko ndichakupai mutemo wangu; uye ikoko muchapihwa masimba anobva kumusoro;

33 Uye kubvira ipapo, ani zvake wandinoda kuti aende pakati pemarudzi ose, uye zvichataurwa kwavari zvavakafanira kuita; nokuti ndine basa guru rakamirira, nokuti Israeri ichaponeswa, uye ndichavatungamirira kwose kwandinenge ndichida, uye hakuna simba richatadzisa ruoko rwangu.

34 Uye zvino, ndinopa kuchechi munzvimbo dzino murairo kuti vamwe vanhu mukati mavo vachasarudzwa, uye vachasarudzwa nezwi rechechi;

35 Uye vachatarisa kune varombo nevanoshaya, uye vovaropafadza nerubatsiro kuti vasazotambudzika; uye vachivatumira kunzvimbo yandakavaraira;

36 Uye iri ndiro richave basa ravo, kutonga nyaya dzemidziyo yechechi.

37 Uye avo vane mapurazi asingagone kutengeswa, regai asare kana kuisa vanhu vanoterera maererano nezvavanoona zvakanaka.

38 Onai kuti zvose zvinhu zvakachengetedzwa; uye kana vanhu vapihwa masimba kubva kumusoro uye vatumwa, zvose zvinhu izvi zvichaunganidzwa kuchipfuva chechechi.

39 Uye kana mukatsvaka upfumi uhwo huri kuda kwaBaba kuti vakupei, muchave vapfumi kupfuura vanhu vose, nokuti muchawana upfumi hwokusingaperi; uye zvinofanira kuti upfumi hwenyika ndehwangu kuti ndipe; asi chenjererai kuzvikudza, potse mungave semaNifai akare.

40 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, ndinopa kwamuri murairo, kuti wose munhu, wose gosa, mupirisita, mudzidzisi, uyewo nenhengo, aende nesimba rake, nekushanda nemaoko ake, kugadzirira nokuita zvinhu zvandaraira.

41 Uye regai kuparidza kwenyu kuve izwi rekuyambira, wose munhu kumuvakidzani wake, uye mukupfava nemuhunyoro.

42 Uye endai kubva mukati mevakaipa. Zviponesei pachenyu imi. Ivai makachena imi makatakura midziyo yaIshe. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.