Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 46


Chikamu 46

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuChechi, paKirtland Ohio, 8 Kurume 1831 (History of the Church, 1:163–165). Munguva iyi yekutanga kweChechi, tsika imwechete yekutungamira misangano yeChechi yakanga isati yaronga. Zvisinei, tsika yekubvumira nhengo chete neavo vaive neshungu chaidzo dzekuziva zveChechi, kuti vapinde mumichechi yesakaramende nemamwe magungano eChechi zvakange zvave zvinhu zvaiitwa. Chakazarurwa chino chinotaura chido chaIshe maererano nekutonga nokutungamira michechi.

1–2, Magosa vanofanira kutungamira michechi sekutungamirwa kwavanoitwa neMweya Mutsvene; 3–6, Vatsvagi vechokwadi havafanire kubviswa mumichechi yesakaramende; 7–12, Kumbirai kuna Mwari uye mutsvage zvipo zveMweya; 13–26, Kuverengwa kwezvimwe zvezvipo izvi kunopihwa; 27–33, Vatungamiri veChechi vanopihwa simba rekuona zvipo zveMweya.

1 Teererai, imi vanhu vechechi yangu; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri zvinhu izvi zvakataurwa kwamuri kuti zvikupundutsei nekukudzidzisai.

2 Asi kana dai zvazvo paine izvo zvinhu zvakanyorwa, zvagara zviri zvakapihwa kumagosa echechi yangu kubvira pakutanga, uye zvichagara zvakadaro, kutungamira michechi sekutungamirwa nokuratidzwa kwavanoitwa neMweya Mutsvene.

3 Zvisinei munorairwa kuti musazodzinga ani zvake panze pemichechi yenyu yeruzhinji, iyo inoitwa pamberi penyika.

4 Munorairwawo kuti musaburitse ani zvake wechechi mumisangano yenyu yesakaramende; zvakadaro, kana paine akanganisa, muitei kuti asadye sakaramende asati ayananiswa.

5 Uye zvakare ndinoti kwamuri, hamuzobvisa ani zvake mumichechi yenyu yesakaramende anenge achitsvaga nemwoyo wake wose umambo—ndiri kutaura izvi maererano neavo vanenge vasiri vechechi.

6 Uye zvakare ndinoti kwamuri, maererano nemichechi yenyu yekusimbisa, kuti paine mumwe asiri wechechi, ari kutsvaga nemwoyo wose umambo, musazovaburitse kunze.

7 Asi munorairwa muzvinhu zvose kuti, mukumbire kuna Mwari, vanopa vakasununguka; uye neicho chinhu chinopupurwa neMweya kwamuri kunyangwe saizvozvo ndinoti zviitei muhutsvene hwose hwemwoyo, muchifamba makatwasanuka pamberi pangu, muchifunga chinangwa cheruponeso rwenyu, muchiita zvose zvinhu nemunamato uye nekutenda, kuti musafurirwe nemweya yakaipa, kana dzidziso yaana dhiabhorosi, kana mirairo yevanhu; nokuti mimwe ndeye vanhu, uye mimwe ndeyaana dhiabhorosi.

8 Nokudaro, chenjerai potse munganyengedzwe; uye kuti musanyengedzwe tsvagai nemwoyo wose zvipo zvakanaka, nguva dzose muchirangarira kuti zvinopirwei;

9 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvinopihwa kuti zvipundutse avo vanondida uye vanochengeta yose mirairo yangu, uye neuyo anotsvaga kuita saizvozvo; kuti vose vapundutswe vanonotsvaga kana vanobvunza kwandiri, avo vanobvunza kwandiri asi vasingakumbire chiratidzo chekuti vagodya muruchiva rwavo.

10 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, munofanira kurangarira nguva dzose, uye nguva dzose muzvichengete mupfungwa dzenyu kuti, zvipo izvo ndezvei, izvo zvinopihwa kuchechi.

11 Nokuti vose havazi kupihwa chose chipo; nokuti kune zvipo zvakawanda, uye kumunhu wose kunopihwa chipo neMweya waMwari.

12 Kune vamwe kunopihwa ichi, kune vamwe kunopihwa chimwe kuti vose vagopundutswa nokudaro.

13 Kune vamwe chinopihwa neMweya Mutsvene kuziva kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari, uye nekuti akaroverwa zvitadzo zvenyika.

14 Kune vamwe kunopihwa kutenda kumazwi avo, kuti naivowo vagowana upenyu hwokusingaperi kana vakaramba vakatendeka.

15 Uye zvakare, kune vamwe chinopihwa neMweya Mutsvene kuziva kusiyana kwekutonga, sekufadza kwazvinoita Ishe vamwecheteyo, maererano nekuda kwaIshe zvichienderana netsitsi dzavo maererano nemamiriro evana vevanhu.

16 Uye zvakare, zvinopihwa kune vamwe neMweya Mutsvene kuziva kusiyana kwemashandiro kuti ndezvaMwari, kuti zviratidzo zveMweya zvive zvinopihwa kumunhu wose kuti apundutswe nazvo.

17 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kune vamwe kunopihwa neMweya waMwari, izwi reungwaru.

18 Kune mumwe kunopihwa izwi reruzivo, kuti vose vagodzidziswa kuti vangware nekuve neruzivo.

19 Uye zvakare, kune vamwe zvinopihwa kuti vave nerutendo rwekuti varapwe;

20 Uye kune vamwe vanopihwa kuti vave nerutendo rwekurapa.

21 Uye zvakare, kune vamwe kunopihwa kusevenza zvishamiso nesimba raMwari;

22 Uye kune vamwe kunopihwa kuporofita;

23 Uye kune vamwe kuziva nekupatsanurwa mweya.

24 Uye zvakare, zvinopihwa kune vamwe kutaura nendimi;

25 Uye kune vamwe kunopihwa kududzira ndimi.

26 Uye zvose zvipo izvi zvinobva kunaMwari, kuti zvipundutse vana vaMwari.

27 Uye nekuna bhishopi wechechi, uye nekune avo vachadomwa nekugadzwa naMwari kuti vatarise chechi uye nekuve magosa kuchechi, zvinopihwa kwavari kuziva nekupatsanura zvose zvipo izvozvo potse pangangove nevamwe pakati penyu vanonyepera, uye ivo vasiri vaMwari.

28 Uye zvichaitika kuti uyo anokumbira muMweya achagashira muMweya;

29 Kuti kune vamwe zvingangopihwa kuti vawane zvipo zvose izvo, kuti kuve nemutungamiri, kuitira kuti yose nhengo ipundutswe nazvo.

30 Uyo unokumbira muMweya anokumbira maererano nekuda kwaMwari; nokudaro zvinoitwa kana sekukumbira kwake.

31 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvinofanira kuitwa muzita raKristu, chose icho chamunoita muMweya;

32 Uye munofanira kutenda kuna Mwari muMweya maropafadzo ose zvawo amunoropafadzwa nawo.

33 Uye munofanira kuteedza hunhu uye nehutsvene pamberi pangu nguva dzose. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.