Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 78


Chikamu 78

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, Kurume 1832 (History of the Church, 1:255–257). Hurongwa hwakapihwa naIshe kuna Joseph Smith nechinangwa chekumisa imba yekuchengetera kuitira varombo. Zvakanga zvisina kufanira kuti panguva dzose mazita evanhu vaitaurwa navo naIshe mune zvakazarurwa, azivikanwe nenyika; saka, mukushambadzwa kwechino uye nezvakazarurwa zvakatevera, hama dzakasheedzwa vakataurwa nemamwe mazita asiri avo chaiwo. Pazvakanga zvisisina mhosva kuti mazita azivikanwe, mazita avo chaiwo akapihwa akakomberedzwa. Sezvo pasisina nhasi uno chikonzero chekuvanza mazita, mazita chaiwo zvino ndiwo ave kushandiswa sezvaanopihwa mumagwaro ekutanga.

1–4, Vatendi vanofanira kuronga kumisa imba yekuchengetera; 5–12, Kungwara pakushandisa midziyo yavo kunokwezvera kuruponeso; 13–14, Chechi yakafanira kuve yakazvimiririra kubva kumasimba enyika; 15–16, Mikaeri (Adama) anoshanda ari pasi peMutsvene (Kristu); 17–22, Vakaropafadzwa vakatendeka, nokuti vachagara nhaka yezvinhu zvose.

1 Ishe vakatuara kuna Joseph Smith, Mwana, vachiti: Teererai kwandiri, vanodaro Ishe Mwari venyu, imi makagadzwa kuhupirisita hwepamusoro hwechechi yangu, imi maungana pamwechete;

2 Uye teererai kuraira kwavo avo vakakugadzai kubva kumusoro, vachatura munzeve dzenyu mazwi eungwaru, kuti ruponeso rwuve kwamuri mune icho chamaisa pamberi pangu, vanodaro Ishe Mwari.

3 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nguva yasvika, iyezvino yave pedyo; uye tarisai, uye onai, kunofanira kuve nekurongwa kwevanhu vangu, mukufambisa nokumisa nyaya dzemba yekuchengetera yevarombo vevanhu vangu, kwose munzvimbo ino nemunyika yeZioni

4 Kuitira kuti hurongwa nechiumbo chichagara chiripo uye chisingaperi kuchechi yangu, kusimudzira basa, iro ramazvipira, mukuponeswa kwemunhu, uye nomukubwinya kwaBaba venyu vari kudenga.

5 Kuti muve makayenzana muzvisungo zvezvinhu zvekudenga, hongu, uye nemuzvinhu zvepasiwo, kuitira kuti muwane zvinhu zvekudenga.

6 Nokuti kana musina kuenzana muzvinhu zvepasi hamungaenzane mukuwana zvinhu zvekudenga;

7 Nokuti kana muchida kuti ndikupei nzvimbo munyika yeseresitiyaro, makafanira kuzvigadzirira nokuita zvinhu zvandakakurairai uye zvandinoda kubva kwamuri.

8 Uye zvino, zvirokwazvo vanodaro Ishe, zvakafanira kuti zvinhu zvose zviitirwe kubwinya kwangu, nemi imi makabatana pamwechete muhurongwa uhu;

9 Kana kuti nemamwe mazwi, regai muranda wangu Newel K. Whitney uye nemuranda wangu Joseph Smith, Mwana uye nemuranda wangu Sidney Rigdon vagare dare nevatendi avo varimuZioni;

10 Nokuti Satani anotsvaka kubvisa mwoyo yavo pachokwadi, kuti vapofomadzwe uye vagotadza kunzwisisa zvinhu zvavakagadzirirwa.

11 Nokudaro, ndinokupai murairo, kuti mugadzirire uye nokuronga pachenyu chisungo kana chibvumirano chisingaperi icho chisingatyorwe.

12 Uye uyo anochityora acharasikirwa nechinzvimbo chake uye nechimiro chake muchechi, uye achaiswa mukunetswa naSatani kudakara zuva rerununuro.

13 Tarisai, uku ndikokugadzirira kwandinokugadzirirai nako, uye nehwaro, uye nomufananidzo wandinokupai, uyo uchakubatsirai kuti muzadzikise mirairo yamakapihwa;

14 Kuti kuburikidza neruyamuro rwangu, zvisinei nematambudziko achawira pamuri, kuti chechi rimire rega pamusoro pezvimwe zvisikwa zvose zviri pasi penyika yeseresitiyaro;

15 Kuti mungakwire kumusoro kukorona yamakagadzirirwa, uye moitwa vatongi veumambo hwakawanda, vanodaro Ishe Mwari, Mutsvene veZioni, avo vakamisa hwaro hweAdama-ondi-Amani;

16 Avo vakadoma Mikaeri sejinda renyu, uye nokumisa tsoka dzake, uye vakamuisa pamusoro, uye vakapa kwaari makiyi eruponeso pasi pemurairo uye nohutungamiri hwaIvo Mutsvene, avo vasina mavambo emazuva kana magumo eupenyu.

17 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, muri vana vadiki, uye hamusati mave kunzwisisa kukura kwemaropafadzo anaBaba mumaoko avo uye akagadzirirwa imi;

18 Uye hamukwanise kutakura zvinhu zvose iyezvino, zvisinei ivai makafara, nokuti ini ndichakutungamirai. Umambo ndehwenyu uye nemaropafadzo arimo ndeenyu, uye neupfumi hwekusingaperi ndehwenyu.

19 Uye uyo anogashira zvose zvinhu nokutenda acharopafadzwa; uye zvinhu zvepano pasi zvichapamidzirwa kwaari, kunyangwe zvakapetwa kazana, hongu, kana kupfuura.

20 Nokudaro, itai zvinhu zvandakakurairai, anodaro Mununuri wenyu, kunyangwe Mwanakomana Amani, uyo anogadzira zvose zvinhu asati akutorai;

21 Nokuti imi muri chechi yeDangwe, uye achakutorai mugore uye agogovera wose munhu chikamu chake.

22 Uye uyo anenge ari mutariri akatendeka uye akangwara achagara nhaka yezvinhu zvose. Ameni.