Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 10


Chikamu 10

Zvakazarurwa zvakapiwa kuna Joseph Smith Muporofita, paHarmony, Pennsylvania muzhizha ra1828 (History of the Church, 1:20–23). Muno Ishe vanoudza Joseph nezvezvinhu zvakashandurwa nevanhu vakaipa, muma peji 116 ezvinyorwa zvakabva mukududzirwa kwebhuku raRihai, muBhuku raMormoni. Mapeji ezvinyorwa izvi akange arasika aina Martin Harris uyo akange amboapihwa. (Ona musoro wenyaya kuchikamu 3.) Zvakaipa zvakanga zvarongwa zvaive kududzirwa kwaitarisirwa zvekududzirwa zvakare kwezvinhu zvakanga zviri mumapeji ayo akanga abiwa, uye nokuzoshora mududziri nokuratidza zvakakanganiswa nekupindurudzwa kwakange kwaitwa. Kuti chinangwa chakaipa ichi chakanga chafungwa newakaipa uye zvaizikanwa naIshe kana pakanga Mormoni, munyori wechechi wakare wechiNifai, paaidimbudzira murwi wemahwendefa, zvinoratidzwa muBhuku raMormoni (tarisa Mazwi aMormoni 1:3–7).

1–26, Satani anomutsiridza vanhu vakaipa kuti varwise basa raIshe; 27–33, Anotsvaka kuparadza mweya yevanhu; 34–52, Vhangeri rakafanira kuenda kumaRamani uye nekumarudzi ose kuburikidza neBhuku raMormoni; 53–63, Ishe vachamisa Chechi yavo nevhangeri ravo mukati mevanhu, 64–70, Vachaunganidza vanotendeuka muChechi yavo uye vachaponesa vanoteerera.

1 Zvino tarisai, ndinoti kwauri, pamusana pekuti wakapa zvinyorwa izvo zvawakanga wapirwa simba rekududzira uchiyamurwa neUrimi neTumimi, mumaoko emunhu akaipa, wazvirasa.

2 Uye warasikirwawo nechipo chako nguva imwecheteyo, uye pfungwa yako yakadzima.

3 Zvisinei, chadzorerwa kwauri zvakare; naizvozvo chiona kuti wavimbika uye uenderere mberi kudakara wasvika pakupedzisa zvakasara zvebasa rekududzira semavambiro awakangewaita.

4 Usamhanye zvakapfurikidza kana kushanda kupfuura zvaune simba nazvo nenzira yawakapihwa yekukuita kuti ugone kududzira; asi shingaira kusvika kumagumo.

5 Namata nguva dzose, kuti ubude uri mukundi; hongu, kuti ukurire Satani, uye kuti upunyuke mumaoko avaranda vaSatani avo vanosumudzira basa rake.

6 Tarisai, vakatsvaka kukuparadza; hongu, kunyangwe murume wawakanga wavimba naye akatsvaka kukuparadza.

7 Uye nechikonzero ichi ndakamuti munhu akaipa, nokuti akatsvaka kutora zvinhu izvo zvakaiswa mumaoko ako; uye akatsvakawo kuparadza chipo chako.

8 Uye pamusana pekuti wakaisa zvinyorwa mumaoko ake, tarisai, vanhu vakaipa vazvitora kubva kwauri.

9 Naizvozvo, wakaisa, hongu, icho chinoera, muhuipi.

10 Uye tarisai, Satani azviisa mumwoyo yavo kuti vashandure mazwi awakaita kuti anyorwe, kana kuti awakadudzira, ayo akabva mumaoko ako.

11 Uye tarisai, ndinoti kwauri, nepamusana pekuti vashandura mazwi, ave kutaura zvakasiyana neizvo zvawakadudzira uye ukaita kuti zvinyorwe;

12 Uye netsika iyi, dhiabhorosi atsvaka kuita chirongwa chemano, kuti aparadze basa iri;

13 Nokuti azviisa mumwoyo mavo kuti vaite izvi, kuti nokunyepa vangati vakubata nemazwi ayo awakanyepera kududzira.

14 Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, handizobvumira kuti Satani akwanise kuita zano rake rakaipa muchinhu ichi.

15 Nokuti tarisai, akachiisa mumwoyo yavo kuti vakuite kuti uyedze Ishe Mwari vako, mukukumbira kuti uzozvidudzira zvakare.

16 Uye zvino tarisai, vanoti uye vachifunga mumwoyo yavo—Tichaona kanaMwari vakamupa simba rekududzira; kana zviriizvo, vachamupawo simba zvakare;

17 Uye kana Mwari vakamupa simba zvakare, kana kuti vakadudzira zvakare, kana kuti nemamwe mazwi, kana vakaburitsa mazwi mamwechetewo, tarisai, tine mamwechetewo atiinawo, uye takashandura;

18 Naizvozvo haazowirirana, uye tinobva tati anyepa mumazwi ake, uye nokutiwo haana chipo, uye nokutiwo haana simba;

19 Naizvozvo tinobva tamuparadza, uye nebasa racho; uye tichaita izvi kuti tirege kuzonyara pakupedzisira, uye kuti tigowana kurumbidzwa nenyika.

20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, Satani akabata mwoyo yavo zvikuru; anovamutsiridza mukuipa kwekurwisana neicho chakanaka;

21 Uye mwoyo yavo yakaora, uye izere nohuipi uye nokunyangadza; uye vanoda rima, pane chiedza, nokuti zviito zvavo zvakaipa, naizvozvo havandikumbire.

22 Satani anovamutsiridza, kuti agotungamirira mweya yavo kunoparadzwa.

23 Uye saka aita zano remano, achifunga kuparadza basa raMwari; asi izvi ndichazvida kubva mumaoko avo, uye zvichavapindukira mukunyara kwavo nekuwanikwa vaine mhoswa muzuva rekutongwa.

24 Hongu, anomutsa mwoyo yavo mukushatirwa mukurwisa basa iri.

25 Hongu, anoti kwavari: Nyengedzai uye muhwandire kuti mubate, kuti mugoparadza; tarisai, izvi hazvikuvadze. Uye nokudaro anovanyengedza, uye achivaudza kuti hachisi chitadzo kunyepa kuti mubate munhu mumanyepo, kuti mugovaparadza.

26 Uye nokudaro anovanyengedza, uye ovatungamira achienda kudakara azvuvira mweya yavo pasi mugehena; uye nokudaro anoita kuti vazvibate muriva ravo.

27 Uye nokudaro anokwira achidzika, achienda achidzoka munyika, achitsvaka kuparadza mweya yavanhu.

28 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, nhamo kune uyo anonyepa kuti anyengedze nokuti anenge achifunga kuti mumwe ari kunyepa kuti anyengere, nokuti ivo vakadai havazoregererwa mukutonga kunoenzanisa kwaMwari.

29 Zvino tarisai; vashandura mazwi aya, nokuti Satani anoti kwavari: Akakunyengedzai—uye nokudaro anovanyengedza kuti vaite zvakaipa, kuita kuti iwe uyedze Ishe Mwari vako.

30 Tarisai, ndinoti kwauri, kuti hauchadudzira zvakare mazwi ayo akaenda achibva mumaoko ako;

31 Nokuti tarisai, havazokwanisa kuita zvirongwa zvavo zvakaipa mukunyepa vachirwisana nemazwi aya. Nokuti tarisai, kana ukaunza mazwi mamwechetewo vachati wanyepa uye voti wange uchinyepera kududzira, asi kuti wazvipikisa iwe pachako.

32 Uye tarisai, vachashambadza izvi, uye Satani achaomesa mwoyo yevanhu kuvamutsiridza kuti vakushatirirwe, zvekuti havazotenda mazwi angu.

33 Nokudaro Satani anofunga kukurira uchapupu hwako muchizvarwa chino, kuti basa ritadze kuuya muchizvarwa chino.

34 Asi tarisai, houno ungwaru, uye pamusana pekuti ndinokuratidza ungwaru, uye nokukupa mirairo maererano nezvinhu izvi, zvauchaita, usazviratidze kunyika kudakara wapedza basa rekududzira.

35 Usashamiswe kuti ndati kwauri: Houno ungwaru, usazviratidze kunyika—nokuti ndati usazviratidze kunyika, kuti uchengetedzwe.

36 Tarisai, handisi kuti hauchazozviratidza kunevakarurama;

37 Asi sezvo usingazive vakarurama nguva dzose, kana kuti sezvo usingagone nguva dzose kupatsanura vakaipa kubva kune vakarurama, naizvozvo ndinoti kwauri, chimbonyarara kudakara ndaona zvakafanira kuti ndiite kuti zvinhu zvose zvizikanwe kunyika maererano nenyaya iyi.

38 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti rondedzero yezvinhu izvo zvawakanyora, izvo zvakabva mumaoko ako, yakanyorwa pamahwendefa aNifai;

39 Hongu, uye rangarira kuti zvakanzi muzvinyorwa izvozvo rondedzero izere yakapihwa yezvinhu izvi pamahwendefa aNifai.

40 Uye zvino, nokuti rondedzero yakanyorwa pamahwendefa aNifai yakanyatsokwana maererano nezvinhu izvo muungwaru hwangu, zvandinofanira kuunza kuruzivo rwevanhu vari murondedzero ino—

41 Nokudaro uchadudzira zvinyorwa zviri pamahwendefa aNifai, wodzika kunyangwe kudakara wasvika mukutonga kwamambo Benjamini, kana kudakara wasvika pane izvo zvawakadudzira, zvawakachengetedza;

42 Uye tarisai, uchazvishambadza sezvinyorwa zvaNifai, uye naizvozvo ndichanyadzisa avo vakashandura mazwi angu.

43 Handizovabvumira kuti vaparadze basa rangu; hongu, ndichavaratidza kuti ungwaru hwangu hukuru panemano adhiabhorosi.

44 Tarisai, vane chidimu chete, kana kuti mudimbudzirwa werondedzero yaNifai.

45 Tarisai, kune zvinhu zvizhinji zvakanyorwa pamahwendefa aNifai izvo zvinopa rujeko rwakawedzerwa pavhangeri rangu; naizvozvo, ungwaru kwandiri kuti iwe ududzire chikamu chino chekutanga chezvinyorwa zvaNifai, uye wozvitumira mubasa rino.

46 Uye tarisai, zvose zvasara zvebasa rino zvine zvose zvidimbu zvevhangeri rangu izvo vaporofita vangu matsvene, hongu, uye nevadzidzi vanguwo, vaida muminamato yavo kuti zviuye kuvanhu vano.

47 Uye ndakati kwavari, vachazvipihwa maererano nerutendo rwavo muminamato yavo.

48 Hongu, uye urwu ndirwo rwange rwuri rutendo rwavo kuti vhangeri rangu, iro randakavapa kuti vaparidze mumazuva avo, rwungauye kuhama dzavo maRamani uyewo nekune avo vose vakanga vave maRamani pamusana pekusabvumirana kwavo.

49 Zvino, izvi hazvisi zvose—rutendo rwavo muminamato yavo rwaive rwekuti vhangeri rino riitwe kuti rizivikanwewo, kana zvichibvira kuti mamwe marudzi atore nyika ino;

50 Uye saka vakasiya maropafadzo panyika ino muminamato yavo, kuti ani zvake achatenda muvhangeri rino munyika ino awane upenyu hwokusingaperi;

51 Hongu, kuti rive rakasununguka kune vose verudzi rwupi zvarwo, madzinza, ndimi, chero vanhu vapi zvavo vavangave vari.

52 Uye zvino, tarisai, maererano nerutendo rwavo muminamato yavo, ndichaunza chidimu chino chevhangheri rangu kuruzivo rwevanhu vangu. Tarisai, handiriunze kuti riparadze icho chavakatambira, asi kuchivaka.

53 Uye nechikonzero ichi ndakati: Kana chizvarwa chino chikasaomesa mwoyo yacho, ndichamisa chechi yangu pakati pavo.

54 Zvino handitaure izvi kuti ndiparadze chechi yangu, asi ndinotaura izvi kuti ndivake chechi yangu.

55 Naizvozvo, ani zvake wemuchechi yangu, haafanire kutya nokuti ivavo vachagara nhaka yeumambo hwekudenga.

56 Asi ndeavo vasinganditye, kana kuchengeta mirairo yangu, vanozvivakira machechi kuti vawane pundutso, hongu, uye neavo vose vanoita zvakaipa uye vachivaka umambo hwadhiabhorosi—hongu, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, ndivo ivavo vandichakanganisa, uye ndigoita kuti vadedere, uye nokubvunda kusvika mukati.

57 Tarisai, ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Ndakauya kune vangu, uye vangu vakasanditambira.

58 Ndini chiedza chinopenya murima, uye rima harichinzwisise.

59 Ndini iye akati—Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino—kuvadzidzi vangu, uye kune vazhinji vasina kundinzwisisa.

60 Uye ndicharatidza kuvanhu ava kuti ndaive nedzimwe hwai, uye nokuti dzaive bazi remba yaJakobo;

61 Uye ndichaburitsa pachena mabasa avo anoshamisa, ayo avakaita muzita rangu;

62 Hongu, uye ndichaunzawo pachena vhangeri rangu iro rakashumirwa kwavari, uye tarisai, havazoramba icho chawakatambira, asi vachachivaka, uye vachaunza pachena zvinhu zvechokwadi mudzidziso yangu, hongu, uye iri iyo yega dzidziso iri mandiri.

63 Uye, izvi ndiri kuzviita kuti ndimise vhangeri rangu, kuti parege kuve negakava rakanyanya; hongu, Satani anomutsiridza mwoyo yevanhu mukukakavadzana maererano nezvinhu zvedzidziso yangu; uye muzvinhu izvi vanokanganisa, uye vanoshandurudza magwaro matsvene uye havaanzwisise.

64 Nokudaro ndichavapetenurira chishamiso chikuru ichi;

65 Nokuti tarisai, ndichakuvhumbamirai sekuvhumbamira kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo, kana vasina kuomesa mwoyo yavo;

66 Hongu, kana vachiuya, vangangouya, vagomwa mvura dzeupenyu vakasununguka.

67 Tarisai, iyi ndiyo dzidziso yangu—ani zvake anotendeuka uye akauya kwandiri, mumwecheteyo ndiye wechechi yangu.

68 Ani zvake anowedzera kana kubvisa kune izvi, iyeyo haazi wangu, asi anorwisana neni; nokudaro haasi wechechi yangu.

69 Uye zvino tarisai, ani zvake wechechi yangu, uye achishingirira muchechi yangu kusvika kumagumo, iyeyo ndichamumisa padombo rangu, uye misuwo yegehena haingamukurire.

70 Uye zvino, rangarira mazwi ake uyo anova ndiye upenyu nechiedza chenyika, Mununuri wako, Ishe vako naMwari vako. Ameni.