Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 121


Chikamu 121

Munamato nehuporofita hwakanyorwa naJoseph Smith Muporofita paakange ari musungwa mujeri repaLiberty, Missouri, zvine zuva20 Kurume 1839 (History of the Church, 3:289–300). Muporofita nevafambidzani vakawanda vakanga vagara mutirongo kwemwedzi yakati kuti. Matsamba avo nokuchema kwavo kuvakuru-vakuru uye nokuvatongi zvakatadza kuvaita kuti vasunungurwe.

1–6, Muporofita anochema kuna Ishe pamusoro pekutambudzika kweVatendi; 7–10, Ishe vanotaura runyararo kwaari; 11–17, Vakatukwa avo vose vanodaidzira nhema nokutadza pamusoro pevanhu vaIshe; 18–25, Havawane kodzero kuhupirisita uye vachatongwa; 26–32, Zvakazarurwa zvinoshamisa zvakavimbiswa avo vachashingirira vasina kutya; 33–40, Sei vazhinji vachidaidzwa uye vashoma vachisarudzwa; 41–46, Hupirisita hunofanira kushandiswa chete mukururama.

1 Mwari, muri kupi? Iripi tende yekufukidza panzvimbo penyu pekuhwanda?

2 Ruoko rwenyu rwuchamira kusvika riini, neziso renyu, hongu ziso renyu rakachena, muchaona kubva kumatenga okusingaperi kutadzirwa kwevanhu venyu nokwevaranda venyu, uye nzeve yenyu igopindwa nekuchema kwavo?

3 Hongu, Ishe vachabvumira kusvika riini kutadza uku nokudzvinyirira kusiri pamutemo, mwoyo wenyu usati wapfava kwavari, uye ura hwenyu hugo fambiswa netsitsi kwavari?

4 Ishe Mwari Samasimba, musiki vedenga, nyika nemakungwa, nezvozvose zviri mazviri, munodzora nokuisa dhiabhorosi pasi penyu, nenzvimbo yerima inonzi Sheol—tambanudzai ruoko rwenyu; regai ziso renyu ribaye; itai kuti chituko chenyu chisumudzwe; itai kuti nzvimbo yenyu yekuhwanda isafukidzwe; itai kuti nzeve yenyu irerekere; itai kuti mwoyo wenyu upfaviswe uye hura hwenyu hufambiswe pamusana pedu.

5 Regai hasha dzenyu dzitungidzirwe vavengi vedu; uye mukushatirwa kwemwoyo wenyu, nemunondo wenyu mutitsividzire zvatakatadzirwa.

6 Rangarirai vatendi venyu vari kutambudzwa, Mwari vedu; uye varanda venyu vachafara muzita renyu nariini.

7 Mwanakomana wangu, runyararo ngaruve kumweya wako; matambudziko ako nemarwadzo ako zvichave kwechinguva chidiki;

8 Uye zvino, kana ukashingaira mazviri zvakanaka, Mwari vachakusimudzira pamusoro; iwe uchakunda vose vavengi vako.

9 Shamwari dzako dzinomira newe, uye vachakukwazisa zvakare nemwoyo yerudo nemaoko ehushamwari.

10 Iwe hausati waita saJobo; shamwari dzako hadzinetsane newe, kana kukupomera mhosva yekutadza, sezvavakaita Jobo.

11 Uye avo vanokupomera kutadza, zvavanofungira zvichaparadzwa, nezvavanotarisira zvichanyangadika sezvinoita chando chiri kupiswa nezuva ririkubuda;

12 Uye nokutiwo Mwari vaisa ruoko rwavo nechisimbiso kuti vashandure nguva nemwaka, nokupofomadza pfungwa dzavo, kuti vasanzwisise kushanda kwavo kunoshamisa kuti vagovayedzavo nokuvabata muhunyengedzi hwavo;

13 Nokutiwo mwoyo yavo yakaora, uye zvinhu zvavanoda kuti vazviunze kune vamwe, uye vachida kuti vamwe vatambudzike, zvingangouya kwavari zvakazarisisa chaizvo;

14 Kuti vagogumburwawo, uye nezvavanenge vakatarisira zvigoparadzwa;

15 Uye hakuna makore mazhinji kubva zvino, kuti ivo nezvizvarwa zvavo vatsvairwe kubva pasi pedenga, vanodaro Mwari, kuti hakuna kana mumwechete wavo anosara akamira nemadziro.

16 Kutukwa kune avo vose vanopikisana nevakazodzwa vangu, vanodaro Ishe, uye vachidaidzira kuti vatadza ivo vasina kutadza pamberi pangu, vanodaro Ishe, asi vakaita icho chakanaka kumaziso angu, uye chiri chandakaraira kwavari.

17 Asi avo vanodaidzira kutadza vanozviita nokuti ndivovaranda vechitadzo, uye vana vekusateerera ivo pachavo.

18 Uye avo vanopika vachinyepa pamusoro pevaranda vangu, kuti vavaunze muhusungwa nemurufu—

19 Nhamo kwavari; nokuti vatadzira vadiki vangu vachabviswa muzvisungo zvemba yangu.

20 Tswanda yavo haizozara, dzimba dzavo nematura avo zvichaparara, uye ivo pachavo vachashorwa neavo vaivarumbidza zvekuvafadza.

21 Havachazova nekodzero kuhupirisita, kana vana vavo mushure mavo, kubva kuchizvarwa kusvika kuchizvarwa.

22 Zvaive nani kwavari kuti dai guyo rakakochekerwa mumitsipa yavo, uye vakanyura muhudzamu hwegungwa.

23 Nhamo kune avo vose vanotadzisa kugadzikana kwevanhu vangu, vanovatamisa, vanovaponda uye nokupupura pamusoro pavo, vanodaro Ishe veHondo; chizvarwa chenyoka hachizopunyuka kutongwa kwegehena.

24 Tarisai, maziso angu anoona nokuziva mabasa avo ose, uye ndakachengeta kutongwa kunokurumbidza panguva yacho, kwavari vose;

25 Nokuti kune nguva yakadomerwa wose munhu, maererano nezvichange zvakaita mabasa ake.

26 Mwari vachapa kwamuri ruzivo kuburikidza neMweya Mutsvene wavo, hongu, kuburikidza nechipo chisingataurike cheMweya Mutsvene, chisina kumbenge chakaratidzwa kubvira nyika payakavepo kusvika zvino;

27 Icho chakamirirwa nemadzitateguru edu, vachitarisira nokushushikana kuti chiratidzwe munguva dzekupedzisira, idzo dzakanongedzerwa pfungwa dzavo nengirozi, zvichinzi zvakachengeterwa kubwinya kwavo kuzere;

28 Nguva ichauya iyo isina chinovanzwa, kana dai paina Mwari mumwechete kana vamwari vakawanda, zvichabuda pachena.

29 Zvose zvigaro nehutongi, nyika dzinotongwa nevana vamambo, uye nemasimba, zvicharatidzwa uye zvigotsanangurwa kune avo vose vakashingirira pasina kutya pavhangeri raJesu Kristu.

30 Uyewo, kana paine miganhu yakamiswa kumatenga kana kumakungwa, kana kunyika hukutu, kana kuzuva, mwedzi, kana nyenyedzi—

31 Nguva dzose dzekutenderera kwazvo, mumazuva ose akadomwa, nemwedzi, nemakore, uye ose mazuva emazuva azvo, mwedzi, makore, uye nokubwinya kwazvo kwose, nemitemo, uye nenguva dzakatarwa, zvicharatidzwa mumazuva emukuwo wekuzara kwenguva—

32 Maererano neicho chakamiswa pakati peDare raMwari Vokusingaperi wevamwari vamwe vose nyika ino isati yavepo, chakafanira kuchengeterwa kunatsira uye nekupera kwacho, apo wose munhu achapinda pamberi pake pokusingaperi uye muzororo rake rekusafa.

33 Mvura inoerera icharamba isina kuchena kusvika riini? Isimba ripi ringadzivirire matenga? Zvingaite semunhu anoisa kaoko kake kasina simba kudzivirira rwizi rweMissouri kuti rwusaerere nenzira yarwo yakatemwa, kana kurwuita kuti rwudzokere shure, kuda kurambidza Samasimba kuti adire ruzivo kubva kudenga, pamisoro yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

34 Tarisai, kune vazhinji vanodaidzwa, asi vashoma vanosarudzwa. Uye sei vasingasarudzwe?

35 Nokuti mwoyo yavo yakatarisa zvakanyanya pazvinhu zvenyika ino, uye vachivavarira kukudzwa navanhu zvekuti havadzidze chidzidzo chimwechete ichi—

36 Kuti kodzero dzehupirisita dzakabatana zvisingapatsanurwe nemasimba edenga, uye kuti masimba edenga haangagone kushandiswa kana kubatwa kunze chete kwezviri maererano nemitemo yeururami.

37 Kuti dzinogona kupihwa patiri, ichokwadi; asi kana tave kuita zvekuvanza zvitadzo zvedu, kana kugutsa kuzvida kwedu, zvatinoda zvisina maturo, kana kuda kubata kana kutonga kana kumanikidza pamweya yevana vevanhu, mukusarurama kupi zvako, tarisai, matenga anosuduruka; Mweya waIshe unosuwiswa; uye kana wabviswa, Ameni kuhupirisita kana kumvumo yemunhu iyeyo.

38 Tairasi, asati aziva, anosiiwa ari ega pachake, kuti arwisane neminzwa, nokunetsa vatendi, uye nokurwisana naMwari.

39 Tadzidza nezvatawona zvinosuwisa kuti magariro nokuita tingangoti kwevanhu vose, vakangowana kasimba kadiki-diki chete, sekufunga kwavo, vanobva vatanga ipapo kuita nokutonga zvisina kururama.

40 Saka kunodaidzwa vazhinji, asi vashoma ndivo vanosarudzwa.

41 Hakuna simba kana hurudziro ingaitwe kana kuchengetedzwa nekuda kwehupirisita kunze kwekunyengerera, mwoyo murefu, nehunyoro nekuzvininipisa nerudo rusina kunyengedza;

42 Nemwoyochena, neruzivo rwakachena,urwo rwuchakudza mweya zvikuru pasina kunyepera, uye pasina kunyengedza

43 Muchitsiura pakarepo zvakasimba, kana mafemerwa neMweya Mutsvene; uye muchizoratidza mushure mezvo rudo rwakawedzerwa kune uyo wamatsiura, potse angazokutorai semuvengi wake;

44 Kuti agoziva kuti kutendeka kwenyu kwakasimba kupfuura tambo dzerufu.

45 Regai hura hwenyu huzare nerudo rwakadzama kuvanhu vose, nekuimba yerutendo, uye murege hunhu hushongedze pfungwa dzenyu zvisingapere; zvino ruvimbo rwenyu rwuchasimba pamberi paMwari; uye dzidziso yehupirisita ichawira pamweya yenyu sedova rinobva kudenga.

46 Mweya Mutsvene uchave mumwe wako nguva dzose, uye tsvimbo yako yekutonga ichave tsvimbo yekutonga isingapinduke yekururama nechokwadi; uye umambo hwako huchave umambo husingaperi, uye pasina zvekumanikidzwa, huchauya kwauri kusvika nariini nariini.