Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 130


Chikamu 130

Mazwi akapihwa kuna Joseph Smith Muporofita paRamus, Illinois, 2 Kubvumbi 1843 (History of the Church, 5:323–325).

1–3, Baba neMwanakomana vangangoonekwa ivo vemene kuvanhu; 4–7, Ngirozi dzinogara mudenga reseresitiyaro; 8–9, Nyika yeseresitiyaro ichave Urimi neTumimi huru; 10–11, Dombo jena rinopihwa kune avo vose vanopinda munyika yeseresitiyaro; 12–17, Nguva yeKuuya kweChipiri yakavanzwa kune muporofita; 18–19, Ruzivo rwatinowana muupenyu huno tinomuka narwo muKumutswa kuvakafa; 20–21, ose maropafadzo anouya nokuteerera mutemo; 22–23, Baba neMwanakoma vane miviri yenyama nemapfupa.

1 Paachazviratidza Muponesi tichamuona sezvaari. Tichaona kuti munhu akaita sezvatakaita isu.

2 Uye naikokufambidzana kuripo pakati pedu pano, kunenge kuripo ikoko, chete kunenge kwasangana nokubwinya kwokusingaperi, uko kubwinya kuri kwatisina iye zvino.

3 Johane 14:23—Kuonekwa kwaBaba neMwanakomana, mundima iyo, kuonekwa ivo pachavo; uye pfungwa yekuti Baba neMwanakomana vanogara mumwoyo wemunhu, idzidziso yezvikwata zvezvinamato zvekare isiri yechokwadi.

4 Mumhinduro kumubvunzo unoti—Handiti kuyerwa kwenguva yaMwari, nenguva yengirozi, nenguva yemuporofita, uye nenguva yemunhu kuri maererano nenyika yavanogara?

5 Ndinopindura kuti, Hongu. Asi hakuna ngirozi dzinoshandira nyika ino asi idzo dzemuno kana dzakanga dziri dzemuno.

6 Ngirozi hadzigare munzvimbo yakaita sepasi pano;

7 Asi dzinogara panaMwari, panyika inenge gungwa regirazi nemoto, apo zvose zvinhu nekubwinya kwavo zvonoratidzwa, zvakare, zvanhasi, nezvichauya, uye zviri pamberi paIshe nguva dzose.

8 Nzvimbo inogara Mwari iUrimu neTumimi huru.

9 Nyika ino, kana ichinge yacheneswa isisafe ichaitwa sechiringiriro uye iri Urimi neTumimi kuvanhu vachagarapairi, umo mekuti zvose zvinhu zveumambo hwakaderera, kana hwose umambo hwakadzikira, zvicharatidzwa kune avo vagere mairi, uye nyika ino ichave yaKristu.

10 Zvino dombo jena rinotaurwa muna Zvakazarurwa 2:17, richave Urimi neTumimi kune munhu wose anoriwana, ipapo zvinhu zviri maererano nehurongwa hweumambo hwepamusoro, zvichaitwa kuti zvizivikanwe;

11 Uye dombo jena rinopihwa kumumwe nemumwe anouya muumambo hweseresitiyaro apo pakanyorwa zita idzva, risina munhu anoziva kunze kweuyo anoritambira. Zita idzva iri ndiro izwi rinokosha.

12 Ndinoporofita muzita raIshe Mwari, kuti kutanga kwematambudziko kuchakonzera kurasika kweropa rakawanda Mwanakomana weMunhu asati auya kuchave kuSouth Carolina.

13 Kungangotanga pamusana penyaya yenhapwa. Izvi zvakataurwa kwandiri nezwi, pandakanga ndichinamata zvikuru pamusoro penyaya iyi, munaZvita 25, 1832.

14 Pane imwe nguva yandakanga ndichinamata zvikuru kuti ndizive nguva yekuuya kweMwanakomana weMunhu, pandakanzwa izwi richidzokorora zvinotevera:

15 Joseph, mwanangu, kana ukararama kusvika wave nemakore makumi masere nemashanu, uchaona chiso cheMwanakomana weMunhu; naizvozvo rega izvi zvive zvakakwana, uye urege kundinetsa zvakare nenyaya iyi.

16 Ndakasiiwa ndakadaro, ndisina kugona kuziva kuti kuuya uku kwaive here kutanga mereniyamu kana kumwe kuzviratidza kwakapfuura, kana kuti ndinotofa kuti ndigoona chiso chake.

17 Ndinofunga kuti kuuya kweMwanakomana weMunhu hakungambove nguva iyoyo isati yasvika.

18 Ipi zvayo mitemo yeruzivo rwatinokwanisa kuwana muneuno upenyu tichamuka nahwo mukumutswa kubva kuvakafa.

19 Uye kana munhu akawana ruzivo neungwaru hwakawanda muupenyu huno kuburikidza nekushingaira kwake nekuteerera kupfuura mumwe, achave nemukana wakanyanya wepamberi munyika ichauya.

20 Kune mutemo, wakatsiidzwa kudenga zvisingabvisike, hwaro hwenyika ino husati hwavepo, panove ndipo panobva maropafadzo ose—

21 Uye kana tikawana maropafadzo api zvawo kubva kuna Mwari, zvinokonzerwa nokuteerera kumutemo iwoyo panova ndipo paanobva.

22 Baba vane muviri wenyama nemapfupa unobatika sewemunhu; kana neMwanakomanawo; asi Mweya Mutsvene hauna muviri wenyama nemapfupa, asi chimiro chemunhu weMweya. Dai zvisiri izvo, Mweya Mutsvene hawaigona kugara matiri.

23 Munhu angangogashira Mweya Mutsvene, uye ugodzika paari uye ugorega kugara naye.