Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 132


Chikamu 132

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paNauvoo, Illinois, zvakanyorwa musi wa12 Chikunguru 1843, zviri maererano nechibvumirano chisingaperi, zvichisanganisa kusaguma kwechibvumirano cheroorano, uyewo nevakadzi vakawanda (History of the Church, 5:501–507). Kana dai zvazvo zvakazarurwa izvi zvakanyorwa muna 1843, zviri pachena kubva kuzvinyorwa zvenhoroondo kuti dzidziso nemisimboti iyi zviri muzvakazarurwa zvino zvakange zvichizivikanwa nemuporofita kubvira muna 1831.

1–6, Kusimudzirwa kunowanikwa kuburikidza nechibvumirano chitsva chisingaperi; 7–14, Mitemo nemirairo yechibvumirano ichocho inomiswa; 15–20, Roorano yemutemberi nokuenderera mberi kwekubatana kwemhuri kunoita kuti vanhu vave vanamwari; 21–25, Nzira yakamanikana uye yakamanika ndiyo inoenda kuupenyu hwokusingaperi; 26–27, Mutemo unopihwa maererano nokushorwa kweMweya Mutsvene; 28–39, Zvivimbiso zvekupamhidzirwa kokusingaperi nokusimudzirwa zvinoitirwa kumaporofita neVatendi munguva dzose; 40–47, Joseph Smith anopihwa simba rokusunga nokusimbisisa pano pasi, nokudenga; 48–50, Ishe anosimbisa paari kusimudzirwa kwake; 51–57, Emma Smith anorairwa kuti ave akatendeka ari pachokwadi; 58–66, Mitemo inotonga zvevakadzi vazhinji inomiswa.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwauri muranda wangu Joesph, sezvo uri wabvunza kwandiri kuti uzive nokunzwisisa apo ini Ishe, ndakatendera varanda vangu Abrahama, Isaka, naJakobo, saMosesiwo, Davidi naSoromoni, varanda vangu, zvinobata nokuve kwavo nevakadzi vazhinji nevarongo—

2 Tarisai uye uone, Ndini Ishe Mwari vako, uye ndichakupindura pamusoro penyaya iyi.

3 Naizvozvo, gadzirira mwoyo wako kugashira nokuteerera mirairo yandave kuda kupa kwauri; nokuti vose avo vanoratidzwa mutemo uyu vanofanira kuuteerera.

4 Nokuti tarisai, ndinoratidza kwauri chibvumirano chitsva chisingaperi; uye kana ukasararama muchibvumirano uchave unotongwa; nokuti hakuna angarambe chibvumirano ichi, uye akabvumirwa kupinda mukubwinya kwangu.

5 Nokuti vose vanoda vachawana maropafadzo mumaoko angu vachateerera mutemo uyu wakamisirwa maropafadzo iwayo, nemirairo yacho iripo, sezvayakaiswa yakaita hwaro hwenyika husati hwavepo.

6 Uye maererano nechibvumirano chitsva chisingaperi, chakaitirwa kuzara kwekubwinya kwangu; uye uyo anogashira kuzara kwacho anofanirwa kuteerera mutemo wacho, kana kuti anozotongwa, vanodaro Ishe Mwari.

7 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mirairo yemutemo uyu ndeiyi: Zvose zvibvumirano, zvisungo zvinofanirwa kuitwa, sungiro, mhiko, zvitsidzo, zviitwa, mibatanidzwa, hufambidzani, kana tarisiro, zvisina kuitwa uye zvikapindwa mazviri uye zvikasimbiswa neMweya Mutsvene wechivimbiso, weuyo akazodzwa, uye kuitira zvose zvenguva nekokusingapere kwose, uye naizvozvowo zviri zvitsvene chaizvo, nezvakazarurwa nemirairo kuburikidza nekune wakazodzwa wangu, uyo wandakasarudza panyika kuti ave nesimba iri (uye ndakasarudza muranda wangu Joseph kuti ave nesimba iri mumazuva ekupedzisira, uye hakuchazove nemumwe kunze kwemumwechete pasi pano panguva imwechete achapihwa simba iri uye nekiyi dzehupirisita uhu anoapihwa), haana simba, chimiro, kana chisimba munguva iyoyo kana mushure mekumutswa kwevakafa; nokuti zvose zvisungo zvisina kuitwa netsika iyi zvinoguma kana vanhu vafa.

8 Tarisai, imba yangu imba yehurongwa, vanodaro Ishe Mwari, uye haizi imba yehudzungairi.

9 Ndingabvume here mupiro, vanodaro Ishe, usina kuitwa nemuzita rangu?

10 Kana kuti ndingagashire chiri mumaoko ako here icho chandisina kudoma?

11 Uye ndingaraire kwamuri here vanodaro Ishe, kunze kwekunge zviri mumutemo, kunyangwe sezvatakakugadza Ini naBaba vangu, nyika isati yavepo?

12 Ndini Ishe Mwari vako; uye ndinokupa murairo uyu—kuti hakuna munhu achauya kuna Baba asi nekwandiri kana nezwi rangu, uri iwo mutemo wangu, vanodaro Ishe.

13 Uye chose chiri munyika, kana dai chiri chakagadzwa nevanhu, kana nehushe, kana masimba ekutonga, kana nemasimba, kana zvinhu zvine zita, kana zviri zvipi zvazvo, izvo zvisiri zvakaitwa neni, kana nezwi rangu, vanodaro Ishe, zvichakandwa pasi, uye hazvisare mushure mekunge vanhu vafa, kana munguva yacho kana shure kwekumutswa kuvakafa, vanodaro Ishe Mwari wenyu.

14 Nokuti zviri zvipi zvazvo zvichasara zvakaitwa neni; uye zvinhu zviri zvipi zvazvo zvisina kuitwa neni zvichazunzwa nekuparadzwa.

15 Naizvozvo, kana munhu akazviroorera mukadzi munyika, uye akasamuroora nemandiri kana nezwi rangu, uye achibvumirana naye chero vari munyika iye ainaye, chibvumirano chavo neroorano yavo haina simba pavanenge vafa, nepavanenge vasisiri munyika; nokudaro, havana mutemo unovabatanidza kana vasisiri munyika.

16 Naizvozvo, kana vasisiri munyika havaroorane kana kupihwa muroorano; asi vanoitwa ngirozi kudenga, dziri idzo ngirozi dzinove varanda vekushumira, kushumira avo vakakodzera zvikuru nekupfurikidza uye nehuremu hwekubwinya hwokusingaperi.

17 Nokuti ngirozi idzi hadzina kuteerera mutemo wangu; nokudaro, hadzigone kupamhidzirwa, asi dzinogara dzirikwadzo uye dziri dzega, pasina kukwidziridzwa, mukuponeswa kwadzo, nokusingapere kwose; uye kubvira ipapo hadzizi vamwari, asi ingirozi dzaMwari nariini nariini.

18 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana murume akaroora mukadzi, akaita chibvumirano naye chazvino nokusingapere, kana chibvumirano ichocho chisina kuitwa neni kana nezwi rangu, rinove ndiro mutemo wangu, uye chisina kusungwa neMweya Mutsvene wechivimbiso, kuburikidza nemaari uyo andazodza, uye ndikasarudzira kusimba iri, zvakadaro hazvibate kana kuve nesimba kana vasisiri munyika, nokuti havana kusanganiswa neni, vanodaro Ishe, kana nezwi rangu; kana vasisiri munyika hachigone kugashirwa ikoko, nokuti ngirozi navamwari vanosarudzwa ikoko, vavasingagone kupfuura; havakwanise, naizvozvo, kutora kubwinya kwangu; nokuti imba yangu imba yehurongwa, vanodaro Ishe Mwari.

19 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana murume akaroora mukadzi nezwi rangu, iro rinove ndiro mutemo wangu, uye nechibvumirano chitsva chisingaperi, uye chikasungwa kwavari neMweya Mutsvene wechivimbiso, neuyo akazodzwa, uyo andakapa simba iri nekiyi dzehupirisita huno; uye zvichanzi kwavari—Imi muchabuda mukumutswa kuvakafa kwekutanga; uye kana kuri shure kwekumuka kwekutanga, mukumuka kuvakafa kunotevera; uye muchagara nhaka yehushe, umambo, masimba ekutonga, nehutungamiri, hwose hurefu nohudzami—zvino ndipo pazvichanyorwa muBhuku reUpenyu reGwayana, kuti haazoponda kukonzera kudeuka kweropa risina mhosva, uye kana muchigara muchibvumirano changu, uye musingaponde kudeura ropa risina mhosva, zvichaitwa kwavari muzvinhu zvipi zvazvo zvose zvakaiswa pavari nemuranda wangu, munguva, nokusingapere kwose; uye zvichave nesimba rizere kana vasisiri munyika; uye vachapfuura nepane ngirozi, uye navamwari, uye vagere ipapo, mukunosimudzirwa kwavo nokubwinya muzvinhu zvose, sezvo zvakasimbiswa pamusoro pavo, kuri iko kubwinya kuchave kuzara nekuenderera mberi kwembeu nariini nariini.

20 Zvino vachave vamwari, nokuti havana magumo; nokudaro vachabva kusingaperi kusvika kusingaperi, nokuti vanoramba varipo; zvino vachave pamusoro pevose, nokuti zvose zvinhu zviri pasi pavo. Zvino vachave vamwari, nokuti vane simba rose, uye ngirozi dziri pasi pavo.

21 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kunze kwekunge matevedza mutemo wangu hamukwanise kusvika mukubwinya uku.

22 Nokuti suwo rakamanikana, uye nzira yakamanika iyo inoenda mukunosimudzirwa nokuenderera mberi kweupenyu, uye kune vashoma vanoiwana, nokuti hamundigashire munyika kana kundiziva.

23 Asi kana mukandigashira munyika, ndipo pamuchandiziva, uye muchagashira kusimudzirwa kwenyu; kuti pandinenge ndiri nemi muchavepowo.

24 Uhu ndihwo upenyu hwokusingaperi—kuziva mumwechete iyeyo muzivi uye wechokwadi Mwari, naJesu Kristu, uyo wavakatuma. Ndini iye. Gashirai imi naizvozvo mutemo wangu.

25 Rakafara suwo, uye yakapamhamha nzira inoenda kurufu; uye vazhinji vanoenda mairi, nokuti havana kundigashira, kana mumutemo wangu havaugare.

26 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana murume akaroora mukadzi zviri maererano nezwi rangu, uye vakabatanidzwa neMweya Mutsvene wechivimbiso, maererano nezvandakamisa, uye murume kana mukadzi akaita chitadzo kana kutadza kupi zvako muchibvumirano chitsva chisingaperi, nokuzvidza kwakasiyana-siyana, uye kana vasina kuponda vakadeura ropa risina mhosva, zvakadaro vachauya mukumuka kuvakafa kwekutanga, uye vagopinda mukusimudzirwa kwavo; asi vachaparadzwa munyama, uye vagopihwa kunotambudzwa naSatani kusvika zuva rekununurwa, vanodaro Ishe Mwari.

27 Kushora Mweya Mutsvene, uko kusingaregererwe munyika kana kunze kwenyika, kuri mukuti maponda mukadeura ropa risina mhosva, uye muchibvumirana nekufa kwangu, mushure mekunge magashira chibvumirano changu chitsva chasingaperi, vanodaro Ishe Mwari; uye uyo asingateerere mutemo uyu haana mapindiro aangaite mukubwinya kwangu, asi achatongwa, vanodaro Ishe.

28 Ndini Ishe Mwari venyu, uye ndichakupai mutemo weHupirisita Hutsvene hwangu, sekumiswa kwazvakaitwa neni naBaba vangu nyika isati yavepo.

29 Abrahama akagashira zvose zvinhu, chose chaakagashira zvacho, nezvakazarurwa nemurairo, nezwi rangu, vanodaro Ishe, uye akapinda mukusimudzirwa kwake uye agere pachigaro chake chekutonga.

30 Abrahama, akagashira zvivimbiso pamusoro pembeu yake, nezvemuchero wechibereko chake—chiri chiuno chamakabva imi, tichitaura nemazita, muranda wangu Joseph—zvinoramba zvichiitika kana vachiri munyika; uye pane zvaAbrahama nembeu yake, kana vasisiri munyika vanofanira kuenderera mberi; kwose munyika nekunze kwenyika kana vakaramba vakawanda senyenyedzi kusaverengeka; kana kuti dai maiverenga jecha riri pamahombekombe egungwa hamaikwanisa kuvaverenga.

31 Chivimbiso ichi ndechenyuwo imi, nokuti muri vaAbrahama, uye chivimbiso chakaitwa kuna Abrahama; uye nemutemo uyu kuenderera mberi kwemabasa aBaba vangu, iro ravanozviunzira kubwinya naro.

32 Endai imi, naizvozvo munoita mabasa aAbrahama; pindai imi mumutemo wangu uye muchaponeswa.

33 Asi kana mukasapinda mumutemo wangu hamungagone kugashira chivimbiso chaBaba vangu, icho chavakaita kuna Abrahama.

34 Mwari vakaraira Abrahama, uye Sara akapa Hagari kuna Abrahama kuti ave mukadzi wake. Uye akazviitirei? Nokuti ndiwo waive mutemo; uye kubva kuna Hagari kwakauya vanhu vakawanda. Naizvozvo, izvi zvaizadzikisa, pane zvimwe zvinhu, zvivimbiso.

35 Ko Abrahama akange ari pasi pekutongwa here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Kwete; nokuti ini Ishe, ndakazviraira.

36 Abrahama akarairwa kuti apire mwanakomana wake Isaka; zvisinei, zvakanga zvakanyorwa kuti; Usauraya. Abrahama kana zvazvo zvaive zvakadaro, haana kuramba, uye zvakaverengerwa kwaari sekururama.

37 Abrahama akagashira varongo, uye vakamuzvarira vana; uye zvakaverengerwa kwaari sekururama, nokuti vakanga vakapihwa kwaari, uye akanga agere mumutemo wangu; saIsaka zvakare naJakobo havana chimwe chinhu chavakaita kunze kwechavakarairwa; uye pamusana pekuti hapana zvimwe zvavakaita kunze kwezvavakarairwa, vakapinda mukusimudzirwa kwavo, maererano nezvivimbiso, uye vagere pazvigaro zveumambo, uye havasi ngirozi asi ndavamwari.

38 Davidi naiyewo akagashira vakadzi nevarongo vakawanda, uyewo naSoromoni naMosesi varanda vangu, sezvakaita vamwe vazhinji vevaranda vangu, kubvira pakutanga pekusika kusvika panguva ino; uye hapana pavakatadza kunze kwemuzvinhu izvo zvavakatambira zvisina kubva kwandiri.

39 Vakadzi vaDavidi nevarongo vakapihwa kwaari neni, neruoko rwaNatamu, muranda wangu, nevamwe vevaporofita vakanga vaine kiyi dzesimba iri; uye muzvinhu izvi hapana paakanditadzira kunze kwenyaya yaUria nemudzimai wake; uye naizvozvo akapunzika pakusimudzirwa kwake, uye akawana mugove wake; uye haachazozviwana asisiri munyika, nokuti ndakazvipa kune mumwe, vanodaro Ishe.

40 Ndini Ishe Mwari venyu, uye ndakapa kwauri, muranda wangu Joseph, basa, rekudzorera zvose zvinhu pakare. Kumbira chose chaunoda, uye chichapihwa kwauri maererano nekutaura kwandaita.

41 Uye sezvo wabvunza pamusoro pehupombwe, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana murume akagashira mukadzi muchibvumirano chitsva chisingaperi, uye kana mukadzi akave nemumwe murume, uye ini ndisina kupa mukadzi iyeyo nokuzodzwa kutsvene, mukadzi iyeyo atoita hupombwe uye achaparadzwa.

42 Kana asiri muchibvumirano chitsva chisingaperi, uye akarara nemumwe murume, aita upombwe.

43 Uye kana murume wake akarara nemumwe mukadzi, uye ari pasi pechitsidzo, atyora chitsidzo chake uye aita upombwe.

44 Uye kana mukadzi asina kuita upombwe, asi asina mhosva uye asina kutyora chitsidzo chake, uye achizviziva, uye ndozviratidza kwauri, muranda wangu Joseph, ndipo pauchawana simba, kuburikidza nesimba reHupirisita Hwangu Hutsvene, kumutora uye womupa kune uyo asina kuita upombwe asi ari anga akatendeseka; nokuti achaitwa mutongi pamusoro pevazhinhji.

45 Nokuti ndaisa pauri kiyi nesimba rehupirisita umo mandinodzorera namo zvose zvinhu, uye ndichiita kuti uzive zvose zvinhu nenguva yakafanira.

46 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, chiri chipi zvacho chose chawasunga pano pasi chichasungwa kudenga; uye chiri chipi zvacho chose chawasunga pano pasi, muzita rangu uye nezwi rangu, vanodaro Ishe, chichasungwa nokusingapapere mumatenga; uye zvitadzo zvaani zvake zvauchachengeta pano pasi zvichachengetwa kudenga.

47 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti, ani zvake waucharopafadza ndichamuropafadza, uye ani zvake wauchatuka ndichamutuka, vanodaro Ishe; nokuti ini Ishe, ndini Mwari vako.

48 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwauri, muranda wangu Joseph, chose zvacho chaunopa pano pasi, uye nekuna ani zvake waunopa kunaani pano pasi, neshoko rangu uye zviri maererano nemutemo wangu, zvichashanyirwa nemaropafadzo uye kwete kutukwa, uye nesimba rangu, vanodaro Ishe, uye hazvizove nokutongwa pano pasi kana nokudenga.

49 Nokuti ndini Ishe Mwari vako, uye ndichave newe kunyangwe kusvika kumagumo enyika, uye nokusingapere kwose; nokuti zvirokwazvo ndinosimbisa pauri kusimudzirwa kwako, uye ndinokugadzirira chigaro chekutonga muumambo hwaBaba vangu, naAbrahama baba vako.

50 Tarisai, ndaona mipiro yako, uye ndichakuregerera zvitadzo zvako zvose; ndakaona mipiro yako mukuteerera kwako izvo zvandakakutaurira. Enda, naizvozvo uye ndinogadzira nzira yekupunyuka kwako, sekubvuma kwandakaita mupiro waAbrahama wemwanakomana wake.

51 Zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Ndinopa murairo kumurandakadzi wangu, Emma Smith, mukadzi wako, uyo andakakupa, kuti azvimise uye arege kutora zvandakange ndakuraira kuti upe kwaari, nokuti ndakazviita, vanodaro Ishe, kukuyedzai mose, sezvandakaita Abrahama, uye kuti ndingazoda mupiro kubva muruoko rwako, kuburikidza nechibvumirano nekuzvipira.

52 Uye rega murandakadzi wangu, Emma Smith, agashire vose avo vakapihwa kumuranda wangu Joseph, uye vari vanehunhu uye vakachena pamberi pangu; uye avo vasina kuchena, uye vakataura kuti vakachena, vachaparadzwa, vanodaro Ishe Mwari.

53 Nokuti ndini Ishe Mwari vako, uye iwe uchateerera izwi rangu; uye ndinopa kumuranda wangu Joseph kuti aitwe mutongi muzvinhu zvakawanda nekuti akatendeka muzvinhu zvishoma, uye kubvira zvino ndichamusimbisa.

54 Uye ndinoraira murandakadzi wangu, Emma Smith, kuti agare uye anamatire pamuranda wangu Joseph, pasina mumwezve. Asi kana asina kana akasagara murairo uyu achaparadzwa, vanodaro Ishe; nokuti ndini Ishe Mwari vako, uye ndinomuparadza kana asingagare mumutemo wangu.

55 Asi akasagara murairo uno, ndipo muranda wangu Joseph achamuitira zvose zvinhu, kunyangwe sezvaakataura; uye ndichamuropafadza ndigomupamhidzira uye ndigopa kwaari zvakapetwa kazana munyika muno, zvemadzibaba nemadzimai, nevakoma nevanin’ina, nehanzvadzi, dzimba neminda, vakadzi nevana, uye nekorona dzeupenyu hwokusingaperi munyika dzokusingaperi.

56 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti, murandakadzi wangu ngaaregerere muranda wangu Joseph kutadza kwake; uye ndipo paanozoregererwa kutadza kwake, uko kwaakatadzira ini; uye ini Ishe Mwari venyu, ndichamuropafadza, uye ndigomukudza, uye ndoita kuti mwoyo wake ufare.

57 Uye zvakare, ndinoti muranda wangu Joseph ngaarege kubvisa midziyo yake mumaoko ake, potse muvengi angauye akamuparadza; nokuti Satani anotsvaga kuparadza; nokuti ndini Ishe Mwari venyu, uye iye muranda wangu; uye tarisai, uye muone, ndinaye, sezvandakange ndiina Abrahama, baba vako, kunyangwe kusvika mukusimudzirwa nokubwinya kwake.

58 Zvino, zviri maererano nemutemo wehupirisita, kune zvinhu zvizvhinji pamusoro pahwo.

59 Zvirokwazvo kana munhu akadaidzwa naBaba vangu, sezvakaitwa Aroni, nezwi rangu, nezwi reuyo akandituma, uye ndakamupa kiyi dzesimba rehupirisita huno, kana akaita chii zvacho muzita rangu, uye zviri maererano nemutemo wangu nezwi rangu, haana chitadzo chaaita, uye ini ndinomureverera.

60 Naizvozvo, ngaparege kuva nemunhu anoshora muranda wangu Joseph; nokuti ndichamureverera; nokuti achaita mupiro wandirikuda kubva mumaoko ake pakutadza kwake, vanodaro Ishe Mwari venyu.

61 Uye zvakare, maererano nemutemo weHupirisita—kana murume upi zvake akaroora mhandara, uye akada kuroora mumwe, uye wekutanga akamupa mvumo, uye kana akaroora wechipiri, uye vari mhandara, asi vasina kumbotsidzirana nemumwe murume, ipapo haana mhosva; haagone kuita upombwe nokuti akavapihwa; nokuti haagone kuita hupombwe neuyo anove wake uye asiri wemumwe.

62 Uye kana akave nemhandara gumi dzaapihwa nemutemo uno, haangaite hupombwe, nokuti ndedzake, uye akadzipihwa; nokudaro haana mhosva.

63 Asi mumwechete kana mumwe wemhandara gumi idzi, mushure mekunge aroorwa, akave nemumwe murume, iyoyo mhandara yaita hupombwe, uye ichaparadzwa; nokuti vanopihwa kwaari kuti vawande nokuzadza nyika, maererano nemutemo wangu, uye nokuzadzikisa chivimbiso chakapihwa naBaba vangu hwaro hwenyika husati hwavepo, uye nokusimudzirwa kwavo munyika dzokusingaperi, kuti vagozvara mweya yevanhu; nokuti imomu basa raBaba vangu rinoenderera mberi richiitwa, kuti vagorumbidzwa.

64 Uye zvakare, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana murume upi zvake aine mukadzi, aine makiyi esimba rino, uye akamudzidzisa mutemo wehupirisita hwangu, uri maererano nezvinhu izvi, anofanira kuzvitenda uye nokumushandira, kana kuti achaparadzwa, vanodaro Ishe Mwari venyu; nokuti ndichamuparadza; nokuti ndichakudza zita rangu pane avo vose vanogashira nokugara mumutemo wangu.

65 Naizvozvo, uchave mutemo mandiri, kana mukadzi akasagashira mutemo uno, kuti iye murume agashire zvose zvinhu kana zviri zviyi zvazvo ini, Ishe Mwari vake, zvandinenge ndamupa, nokuti mukadzi haana kutenda akamushandira maereerano nezwi rangu; uye zvino mukadzi anobva ave ndiye mutadzi; uye iye murume haachabatwe nemutemo waSara, uyo akashandira Abrahama zviri maererano nemutemo pandakaraira Abrahama kuti atore Hagari semukadzi wake.

66 Uye zvino, maererano nemutemo uno, zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri, ndicharatidza zvizhinji kwauri, pashure; nokudaro, rega izvi zvive zvakakwana kwenguva ino. Tarisai, ndini Arfa naOmega. Ameni.