Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 137


Chikamu 137

Chiratidzo chakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, mutemberi paKirtland, Ohio, 21 Ndira 1836 (History of the Church, 2:380–381). Raive zuva rekuita zvemaendawumenti sekuratidzwa kwazvakange zvaitwa.

1–6, Muporofita anoona munin’ina wake Alvin muumambo hweseresitiyaro; 7–9, Dzidziso yeruponeso rwevakafa inoratidzwa; 10, vose vana vanoponeswa muumambo hweseresitiyaro.

1 Matenga akazururirwa kwatiri, uye ndikaona umambo hweseresitiyaro hwaMwari, nekubwinya kuriko, kuti ndaive mumuviri here kana kuti kunze, handikwanise kuzvitaura.

2 Ndakaona kunaka kusingataurike kwesuwo iro vadyi venhaka yeumambo ihwohwo, ravachapinda naro, iro raiita sekunge marimi emoto ari kutenderera;

3 Zvakare chigaro chekutonga chaMwari chaiita sechiri kubvira, ipo painge pakagara Baba neMwanakomana.

4 Ndakaona migwagwa yacho yakanaka zvikuru yeumambo ihwohwo, yairatidzika sekunge yakanga yakaitwa negoridhe.

5 Ndakaona Baba Adama naAbrahama; nababa vangu namai vangu; munin’ina wangu Alvin, uyo akarara kare kare;

6 Uye ndikashama kuti akawana sei nhaka muumambo ihwohwo, tichiona kuti akabva muupenyu huno Ishe vasati aisa ruoko rwavo kuti aunganidze Israeri kechipiri, uye akanga asina kubhabhatidzwa kuti aregererwe zvitadzo zvake.

7 Ndikokuuya kwakaita izwi raIshe kwandiri, richiti: vose vakafa vasina ruzivo rwevhangeri rino, vangadai vakarigashira dai vakanga vabvumirwa kurarama, vachazove vagari venhaka yeumambo hweseresitiyaro hwaMwari;

8 Zvakare vose vachafa kubvira zvino vasina ruzivo rwaro, avo vangadai vakarigashira nemwoyo yavo yose, vachave vadyi venhaka yeumambo ihwohwo.

9 Nokuti ini Ishe, ndichatonga vose vanhu maererano nemabasa avo, maererano nechido chemwoyo yavo.

10 Uye ndakaona kuti vose vana vanofa vasati vasvika zera rekuzvipindurira vanoponeswa muumambo hweseresitiyaro hwekudenga.