Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 39


Chikamu 39

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna James Covill, paFayette, New York, 5 Ndira 1831 (History of the Church, 1:143-145). James Covill, uyo akambenge ari mushumiri weBaptist kwemakore angaita makumi mana, akabvumirana naIshe kuti anozoteerera wose murairo zvawo uyo waachapihwa naIshe kuburikidza naJoseph Muporofita.

1–4, Vatendi vanesimba rekuve vanakomana vaMwari; 5–6, Kugashira vhangeri ndiko kugashira Kristu; 7–14, James Covill anorairwa kuti abhabhatidzwe uye kuti ashande mumunda wemizambiringa waIshe; 15–21, Varanda vaIshe vanoparidza vhangeri Kuuya Kwechipiri kusati kwasvika; 22–24, Avo vanogashira vhangeri vachaunganidzwa munguva uye nekusingaperi.

1 Teererai uye munzwe kuizwi reuyo anobva kwokusingaperi kwose kusvika kwokusingaperi kwose, Mukuru Ndini, kunyangwe Jesu Kristu—

2 Chiedza neupenyu hwenyika; chiedza chinopenya murima uye rima harichinzwisise;

3 Mumwecheteyo akauya pakati penguva kune vekwangu, asi vekwangu havana kundigashira.

4 Asi kuna vazhinji vakandigashira ndakavapa simba kuti vave vanakomana vangu; uye kunyangwe zvakadaro ndichapa kuvazhinji avo vachandigashira, simba rekuti vave vanakomana vangu.

5 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anogashira vhangeri rangu anogashira ini; uye asingagashire vhangeri rangu haandigashire.

6 Uye iri ndiro vhangeri rangu—kutendeuka nerubhabhatidzo nemvura, uye kwozouya zvino rubhabhatidzo rwemoto neMweya Mutsvene, kunyangwe Munyaradzi, anoratidza zvinhu zvose nokudzidzisa zvinhu zverunyararo zveumambo.

7 Uye zvino tarisai, ndinoti kwauri iwe, muranda wangu James, ndatarisa mabasa ako uye ndinokuziva.

8 Uye zvirokwazvo ndinoti kwauri mwoyo wako iye zvino watove pamberi pangu panguva ino; uye tarisai ndaisa maropafadzo makuru pamusoro pako;

9 Zvisinei iwe waona kusuwa kukuru, nokuti wandiramba nguva zhinji pamusana pekuzvida nepamusana pezvinetswa zvenyika.

10 Asi, tarisai, mazuva ekupona kwako asvika kana ukateerera kuizwi rangu, iro rinoti kwauri; Simuka ubhabhatidzwe, uye ugeze zvitadzo zvako uchidaidzira zita rangu, uye uchagashira Mweya wangu, neropafadzo guru rausati wamboziva.

11 Uye ukaita izvi, ndakugadzirira iwe basa guru. Uchaparidza vhangeri rangu rizere, iro randatumira mumazuva ano ekupedzisira, chibvumirano chandakatumira kuti ndidzore vanhu vangu, avo vari vemba yaIsraeri.

12 Uye zvichaitika kuti iroro simba richagara pauri; uchave nerutendo rwukuru, uye ini ndichave newe uye ndichaenda pamberi pechiso chako.

13 Wakadaidzirwa kushanda mumunda wangu wemizambiringa, nekuvaka chechi yangu, nekuunza Zioni; kuti ifare pamusoro pezvikomo uye ibudirire.

14 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, hauna kudaidzirwa kuti uende kunyika yekumabvazuva, asi wakadaidzirwa kuti uende kuOhio.

15 Uye kana vanhu vangu vakazviunganidza pachezvavo paOhio, ndavachengetera maropafadzo ayo asingazivikanwe mukati mevana vevanhu, uye achadururirwa pamisoro yavo. Uye kubvira ipapo vanhu vachaenda kumarudzi ose.

16 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kuti vanhu vari kuOhio vanodaidza kwandiri nerutendo rukuru, vachifunga kuti ndingadzore ruoko rwangu mukutongwa kwemarudzi, asi handingarambe izwi rangu.

17 Nokudaro shanda nesimba rako uye wodaidza vashandi vanovimbika kumunda wangu wemizambiringa, kuti richekererwe kekupedzisira.

18 Uye kana vachitendeuka uye vachigashira kuzara kwevhangeri rangu, uye vachitsveneswa, ndichadzora ruoko rwangu mukutonga.

19 Nokudaro, enda, uchideedzera nezwi rapamusoro, uchiti: Umambo hwekudenga hwave pedyo; uchideedzera: Hosana! Ngariropafadzwe zita raMwari wePamusoro-soro.

20 Enda uchibhabhatidza nemvura, uchigadzira nzira pamberi pechiso changu kuitira nguva yandinouya.

21 Nokuti nguva yasvika; zuva kana nguva hapana munhu anoziva; asi chokwadi richauya.

22 Uye uyo anotambira zvinhu izvi, iye anotambira ini; uye vachaunganidzwa kwandiri munguva nekusingaperi.

23 Uye zvakare, zvichaitika kuti vazhinji vamuchabhabhatidza nemvura, muchavagadza maoko enyu, uye vachagashira chipo cheMweya Mutsvene, uye vachitarisira zviratidzo zvekuuya kwangu, uye vachazondiziva.

24 Tarisai ndinouya nokukurumidza: Kunyangwe saizvozvo. Ameni.